ShonaTeam 1 Kings « 1 »

Soromoni anotevera baba vake Dhavhidhi paushe

1 Zvino mambo Dhavhidhi waiva akwegura, apinda mumakore mazhinji; zvino vakamufukidza nedzinguvo, asi haana kudziya.

2 Naizvozvo varanda vake vakati kwaari: Ishe wangu mambo ngaatsvakirwe musikana mhandara, uye ngaamire pamberi pamambo, uye ave muongi kwaari, uye arare pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo adziye.

3 Zvino vakatsvaka musikana wakanaka pamiganhu yose yaIsraeri, ndokuwana Abhishagi muShunami, ndokumuunza kuna mambo.

4 Zvino musikana waiva akanaka zvikuru kwazvo, iye ndokuva muongi wamambo, ndokumushandira, asi mambo haana kumuziva.

5 Zvino Adhonia mwanakomana waHagiti wakazvikudza achiti: Ini ndichava mambo. Zvino wakazvigadzirira ngoro nevatasvi vemabhiza, nevarume makumi mashanu vaimhanya pamberi pake.

6 Asi baba vake vaiva vasina kumutsamwisa kubva pamazuva avo vachiti: Unoitirei saizvozvo? Naiyewo waiva nechimiro chakanaka kwazvo, uye mai vake vamubereka shure kwaAbhusaromu.

7 Zvino manzwi ake aiva pamwe naJoabhu mwanakomana waZeruya uye pamwe naAbhiatari mupristi; ndokubatsira vachitevera Adhonia.

8 Asi Zadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, naNatani muporofita, naShimei, naRei, nevarume vane simba Dhavhidhi vaaiva navo, vaiva vasiri kuna Adhonia.

9 Zvino Adhonia wakabaya makwai nenzombe nezvakakodzwa padombo reZohereti, riri paEni-Rogeri, ndokudana hama dzake dzose, vanakomana vamambo, nevarume vose vaJudha, varanda vamambo.

10 Asi Natani muporofita, naBhenaya, nevarume vane simba, naSoromoni munin'ina wake, haana kuvadana.

11 Naizvozvo Natani wakataura kuna Bhati-Shebha mai vaSoromoni achiti: Hauna kunzwa here kuti Adhonia mwanakomana waHagiti anotonga, asi Dhavhidhi ishe wedu haazivi?

12 Naizvozvo zvino, uya, rega hako ndikupe zano, kuti uponese upenyu hwako neupenyu hwemwanakomana wako Soromoni.

13 Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi uti kwaari: Ishe wangu mambo, imwi hamuna kupika here kumurandakadzi wenyu muchiti: Zvirokwazvo Soromoni mwanakomana wako achatonga shure kwangu, uye iye achagara pachigaro changu cheushe? Zvino Adhonia anotongerei?

14 Tarira, uchiri kutaura ipapo namambo, iniwo ndichapinda shure kwako, ndigosimbisa mashoko ako.

15 Zvino Bhati-Shebha wakapinda kuna mambo mumba; zvino mambo waiva akwegura kwazvo, uye Abhishagi muShunami waishandira mambo.

16 Bhati-Shebha wakakotama ndokunamata kuna mambo. Mambo ndokuti: Chii chinodikanwa kwauri?

17 Iye ndokuti kwaari: Ishe wangu, imwi makapika naJehovha Mwari wenyu kumurandakadzi wenyu, muchiti: Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako achatonga shure kwangu, uye iye achagara pachigaro changu cheushe.

18 Asi ikozvino tarirai, Adhonia anotonga; zvino ikozvino ishe wangu mambo, hamuzivi.

19 Uye wabaya nzombe nezvakakodzwa nemakwai mazhinji, uye wadana vanakomana vose vamambo, naAbhiatari mupristi, naJoabhu mukuru wehondo, asi Soromoni muranda wenyu haana kumudana.

20 Zvino imwi ishe wangu mambo, meso aIsraeri wose ari pamusoro penyu, kuti muvaudze kuti ndiani achagara pachigaro cheushe chashe wangu mambo pashure pake.

21 Zvimwe zvichaitika kuti apo ishe wangu mambo arara nemadzibaba ake, kuti ini nemwanakomana wangu Soromoni tichava vatadzi.

22 Zvino tarira, achiri kutaura namambo, Natani muporofita wakapindawo.

23 Zvino vakaudza mambo vachiti: Tarirai Natani muporofita. Uye wapinda pamberi pamambo, ndokukotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.

24 Zvino Natani wakati: Ishe wangu, mambo, imwi makareva here kuti: Adhonia achatonga pashure pangu uye iye achagara pachigaro changu cheushe?

25 Nokuti waburuka nhasi, uye wabaya nzombe nezvakakodzwa nemakwai mazhinji, ndokudana vanakomana vose vamambo, nemisoro yehondo, naAbhiatari mupristi; zvino tarirai, vari kudya nekunwa pamberi pake, uye vanoti: Mambo Adhonia ngaararame!

26 Asi ini, ini muranda wenyu, naZadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nemuranda wenyu Soromoni, haana kutidana.

27 Chinhu ichi chinoitwa nashe wangu mambo here, uye hamuna kuzivisa muranda wenyu kuti ndiani achagara pachigaro cheushe chashe wangu mambo pashure pake?

28 Zvino mambo Dhavhidhi wakapindura ndokuti: Ndidanire Bhati-Shebha. Iye ndokupinda pamberi pechiso chamambo, ndokumira pamberi pamambo.

29 Zvino mambo wakapika ndokuti: NaJehovha mupenyu, iye wakadzikinura mweya weupenyu wangu pakutambudzika kwese:

30 Zvirokwazvo, sezvandakakupikira naJehovha Mwari waIsraeri ndichiti: Zvirokwazvo Soromoni mwanakomana wako achatonga pashure pangu, uye iye achagara pachigaro changu cheushe pachinzvimbo changu; zvirokwazvo ndichaita saizvozvo nhasi.

31 Bhati-Shebha ndokukotamira pasi nechiso, ndokunamata kuna mambo, ndokuti: Ishe wangu mambo Dhavhidhi ngaararame kusvika rinhi narinhi.

32 Mambo Dhavhidhi ndokuti: Ndidanirei Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha. Ivo ndokupinda pamberi pamambo.

33 Mambo ndokuti kwavari: Torai pamwe nemwi varanda vashe wenyu, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu panyurusi riri rangu mugomuburusira paGihoni.

34 Uye Zadhoki mupristi naNatani muporofita ngavamuzodze ipapo ave mambo pamusoro paIsraeri; zvino muridze hwamanda, uye muti: Mambo Soromoni ngaararame!

35 Zvino muchakwira shure kwake, kuti auye agogara pachigaro changu cheushe, uye iye atonge pachinzvimbo changu; uye iye ndamugadza kuti ave mutongi pamusoro paIsraeri nepamusoro paJudha.

36 Zvino Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wakapindura mambo ndokuti: Ameni! Ngaareve saizvozvo Jehovha, Mwari washe wangu mambo.

37 Jehovha sezvaaiva nashe wangu mambo, saizvozvo ngaave naSoromoni, uye aite chigaro chake cheushe chikuru pane chigaro cheushe chashe wangu mambo Dhavhidhi.

38 Zvino Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nevaKereti nevaPereti vakaburuka, ndokutasvisa Soromoni panyurusi ramambo Dhavhidhi, ndokumuendesa kuGihoni.

39 Zvino Zadhoki mupristi wakatora nyanga yemafuta kubva mutende ndokuzodza Soromoni. Zvino vakaridza hwamanda, vanhu vose ndokuti: Mambo Soromoni ngaararame!

40 Zvino vanhu vose vakakwira shure kwake; vanhu ndokuridza nyere, vakafara nemufaro mukuru; naizvozvo nyika yakatsemuka nenzwi ravo.

41 Zvino Adhonia nevakokwa vose vaiva naye vakanzwa ivo pavakapedza kudya. Joabhu paakanzwa kurira kwehwamanda wakati: Nderwei ruzha rweguta rwune mhere-mhere?

42 Achiri kutaura, tarira, kwakasvika Jonatani mwanakomana waAbhiatari mupristi; Adhonia ndokuti: Pinda, nokuti uri mhare, unouya nemashoko akanaka.

43 Zvino Jonatani wakapindura ndokuti kuna Adhonia: Zvirokwazvo ishe wedu mambo Dhavhidhi wakagadza Soromoni kuva mambo.

44 Uye mambo watuma pamwe naye Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nevaKereti nevaPereti, uye vamutasvisa panyurusi ramambo.

45 Uye Zadhoki mupristi naNatani muporofita vamuzodza paGihoni kuva mambo; zvino vakwira kubvapo vachifara, naizvozvo guta rinounga. Ndirwo ruzha rwamanzwa.

46 Uyewo Soromoni wagara pachigaro cheushe cheumambo.

47 Uyewo varanda vamambo vasvika kuropafadza ishe wedu mambo Dhavhidhi vachiti: Mwari wenyu ngaaite zita raSoromoni rive nani pazita renyu, uye aite chigaro chake cheushe chikure kupfuura chigaro chenyu cheushe. Mambo ndokukotama pamubhedha.

48 Uyewo saizvozvo mambo wati: Jehovha Mwari waIsraeri ngaakudzwe, wakapa nhasi anogara pachigaro changu cheushe, meso angu achizviona.

49 Zvino vakokwa vose vaiva naAdhonia vakatya, ndokusimuka, ndokuenda, umwe neumwe nenzira yake.

50 Zvino Adhonia wakatya nekuda kwaSoromoni, ndokusimuka, ndokuenda, ndokubata nyanga dzearitari.

51 Zvino kwakaudzwa Soromoni zvichinzi: Tarirai, Adhonia anotya mambo Soromoni, nokuti tarirai wabata nyanga dzearitari achiti: Mambo Soromoni ngaapike kwandiri nhasi, kuti haangaurayi muranda wake nemunondo.

52 Soromoni ndokuti: Kana akava murume chaiye, hakungawiri chinhu pasi paruvhudzi rwake; asi kana kuipa kukawanikwa maari, achafa.

53 Mambo Soromoni ndokutuma nhume, zvino akamuburusa paaritari. Zvino wakauya ndokunamata kuna mambo Soromoni. Soromoni ndokuti kwaari: Enda kumba kwako.