ShonaTeam 2 Samuel « 22 »

Rwiyo rwaDhavhidhi

22Zvino Dhavhidhi wakataura kuna Jehovha mashoko erwiyo urwu nezuva Jehovha raakamusunungura paruoko rwevavengi vake vose nemuruoko rwaSauro.

2 Ndokuti: Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nemununuri wangu kwandiri,

3 Mwari wedombo rangu, ndichatizira kwaari; chidzitiro changu, nerunyanga rweruponeso rwangu, shongwe yangu yakakwirira, neutiziro hwangu. Muponesi wangu, makandiponesa pakumanikidzwa.

4 Ndichadana kuna Jehovha, wakafanira kurumbidzwa; naizvozvo ndichaponeswa kubva kuvavengi vangu.

5 Nokuti mafungu erufu akandikomba, mafashame ezvakaipa akandivhundusa.

6 Mabote eSheori akandikomberedza, misungo yerufu yaiva mberi kwangu.

7 Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye ndakadana kuna Mwari wangu; iye ndokunzwa inzwi rangu ari mutembere yake, uye kuchema kwangu kwakava munzeve dzake.

8 Ipapo nyika yakadengenyeka ndokudedera; nheyo dzekumatenga dzakadengenyeka, ndokuzununguka, nokuti iye waiva atsamwa.

9 Kwakakwira utsi kubva mumhino dzake, uye moto wakaparadza kubva mumuromo make; mazimbe akapfutidzwa nawo.

10 Wakakotamisawo matenga, ndokuburuka; nerima gobvu raiva pasi petsoka dzake.

11 Zvino wakatasva kerubhi ndokubhururuka; akaonekwawo ari pamapapiro emhepo.

12 Zvino wakamisa rima kuva dumba mativi ake ose, muunganidzwa wemvura, makore makobvu emuchadenga.

13 Mukupenya pamberi pake kwakapfuta mazimbe emoto.

14 Jehovha wakatinhira ari kumatenga, uye Wekumusoro-soro wakabudisa inzwi rake.

15 Zvino wakatuma miseve, ndokuvaparadza; mheni, ndokuvavhiringidza.

16 Zvino migero yegungwa yakaonekwa, nheyo dzenyika dzakaratidzwa pachena, pakutsiura kwaJehovha, pakudhuuka kwemweya wemhino dzake.

17 Wakatuma ari kumusoro, akanditora, akandinyukura kubva mumvura zhinji.

18 Wakandinunura kubva pamuvengi wangu wakasimba, kune vanondivenga; nokuti vane simba kundipfuura.

19 Vaiva mberi kwangu nezuva renjodzi yangu, asi Jehovha wakava mutsigiri wangu.

20 Wakandibudisirawo kunzvimbo yakafara, akandinunura, nokuti waifadzwa neni.

21 Jehovha wakandipa mubairo zvichienderana nekururama kwangu; wakanditsivira zvichienderana nekuchena kwemaoko angu.

22 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, uye handina kubva kuna Mwari wangu nekuipa.

23 Nokuti mitongo yake yose yaiva pamberi pangu; nezvimiso zvake handina kutsauka pazviri.

24 Ndaivawo ndakarurama pamberi pake, uye ndakazvichengeta kubva pane chakaipa changu.

25 Naizvozvo Jehovha wakanditsivira zvichienderana nekururama kwangu, zvichienderana nekuchena kwangu pamberi pemeso ake.

26 Kune ane tsitsi munozviratidza mune tsitsi; kumurume wakarurama munozviratidza makarurama.

27 Kune wakachena munozviratidza muri wakachena; uye kune wakatsauka munozviratidza makatsauka.

28 Nevanhu vanorwadziswa muchaponesa; asi meso enyu ari pamusoro pevanozvikudza, muchavaderedza.

29 Nokuti muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha achavhenekera rima rangu.

30 Nokuti nemwi ndakamhanya nepakati pehondo; naMwari wangu ndakauruka rusvingo.

31 Mwari, nzira yake yakakwana; shoko raJehovha rakaidzwa; ndiye nhovo kune vose vanotsvaka uvando kwaari.

32 Nokuti ndiani Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndiani dombo kunze kwaMwari wedu?

33 Mwari inhare yangu nesimba; uye anokwanisa nzira yangu.

34 Unoita tsoka dzangu sedzenondokadzi, uye anondimisa pakakwirira pangu.

35 Anodzidzisira maoko angu hondo, zvekuti uta hwendarira hunovhunwa nezvanza zvangu.

36 Makandipawo chidzitiro cheruponeso rwenyu, uye unyoro hwenyu hwakandikurisa.

37 Makafarikanyisa nhanho yangu pasi pangu; kuti tsoka dzangu dzisatedzemuka.

38 Ndakadzingirira vavengi vangu ndokuvaparadza, uye handina kudzoka kusvika vapedzwa.

39 Zvino ndakavapedza, ndokuvabaya, zvekuti havamuki; asi vakawa pasi petsoka dzangu.

40 Nokuti makandisunga chiuno nesimba kuitira hondo; makakotamisira pasi pangu vakandimukira.

41 Makandipawo mutsipa wevavengi vangu, kuti ndiparadze vanondivenga.

42 Vakatarira, asi paiva pasina muponesi; kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.

43 Zvino ndakavakuya seguruva renyika; ndakavatswa sedope renzira dzemumusha, ndikavaparadzira.

44 Uye makandinunura pakukakavadzana kwevanhu vangu; makandichengeta ndiri mukuru wendudzi; vanhu vandaiva ndisingazivi vakandishandira.

45 Vatorwa vachazviwisira pasi pangu; pakunzwa kwenzeve, vachateerera kwandiri.

46 Vatorwa vachasvava, vagobuda munhare dzavo vachidedera.

47 Jehovha mupenyu; uye ngarikudzwe dombo rangu; uye ngaakwiridzirwe Mwari, dombo reruponeso rwangu.

48 NdiMwari anonditsivira zvakazara, uye anoderedza marudzi pasi pangu.

49 Uye anondibudisa kubva pavavengi vangu, nepamusoro pevanondimukira makandisimudzira; pamunhu wekumanikidza kwazvo makandinunura.

50 Naizvozvo ndichakurumbidzai Jehovha, pakati pendudzi, uye ndichaimbira zita renyu rumbidzo.

51 Anokurisa ruponeso rwamambo wake; uye unoitira muzodzwa wake unyoro, kuna Dhavhidhi nekumbeu yake nekusingaperi.