ShonaTeam 2 Samuel « 11 »

Dhavhidhi naBhati-Shebha

11Zvino zvakaitika pakudzokorora kwegore, panguva madzimambo yaaibuda kunorwa, kuti Dhavhidhi wakatuma Joabhu nevaranda vake vanaye, naIsraeri wese; ndokuparadza vana vaAmoni, ndokukomba Rabha. Asi Dhavhidhi wakagara paJerusarema.

2 Zvino zvakaitika panguva yemadekwani, kuti Dhavhidhi wakamuka kubva pamubhedha wake, ndokufamba-famba pamusoro pedenga reimba yamambo. Zvino ari padenga reimba wakaona mukadzi achizvishambidza; zvino mukadzi waiva akanaka kwazvo pakuonekwa.

3 Zvino Dhavhidhi wakatuma nhume ndokubvunza nezvemukadzi uyo. Zvikanzi: Haasi Bhati-Shebha mukunda waEriami, mukadzi waUriya muHiti here?

4 Dhavhidhi ndokutuma nhume ndokumutora; iye ndokuuya kwaari; iye ndokurara naye (nokuti waiva azvinatsa pakusachena kwake); iye ndokudzokera kumba kwake.

5 Mukadzi ndokubata mimba, ndokutuma ndokuudza Dhavhidhi ndokuti: Ndava nemimba.

6 Zvino Dhavhidhi wakatuma shoko kuna Joabhu, achiti: Tuma Uriya muHiti kwandiri. Joabhu ndokutuma Uriya kuna Dhavhidhi.

7 Uriya wakati asvika kwaari, Dhavhidhi ndokubvunza mamiriro aJoabhu, nemamiriro evanhu, nemamiriro ehondo.

8 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Uriya: Burukira kumba kwako ugonoshambidza tsoka dzako. Uriya ndokubuda paimba yamambo, chipo chamambo ndokubuda kumutevera.

9 Asi Uriya wakarara pamukova weimba yamambo pamwe nevaranda vose vatenzi wake; haana kuburukira kumba kwake.

10 Vakati vaudza Dhavhidhi vachiti: Uriya haana kuburukira kumba kwake; Dhavhidhi ndokuti kuna Uriya: Hauna kubva parwendo here? Waregerei kuburukira kumba kwako?

11 Uriya ndokuti kuna Dhavhidhi: Areka naIsraeri naJudha vagere mumatende, nashe wangu Joabhu nevaranda vashe wangu vakavaka musasa kusango; zvino ini ndingapinda mumba mangu kudya nekunwa nekurara nemukadzi wangu here? Neupenyu hwenyu, uye neupenyu hwemweya weupenyu wenyu, handingaiti chinhu ichi.

12 Dhavhidhi ndokuti kuna Uriya: Gara pano nanhasi, uye mangwana ndichakuendesa. Naizvozvo Uriya wakagara paJerusarema nezuva iro uye nezuva raitevera.

13 Zvino Dhavhidhi wakamudana, iye ndokudya nekunwa pamberi pake, zvino akamudhakisa; zvino madekwani wakabuda akanorara pamubhedha wake pamwe nevaranda vashe wake, asi haana kuburukira kumba kwake.

14 Zvino zvakaitika mangwanani kuti Dhavhidhi wakanyora tsamba kuna Joabhu ndokutuma neruoko rwaUriya.

15 Zvino wakanyora mutsamba achiti: Isai Uriya pamberi akatarisana nehondo painopisisa mugodzokera shure kubva kwaari kuti arohwe afe.

16 Zvino zvakaitika Joabhu paaicherekedza guta, kuti wakamisa Uriya panzvimbo paaiziva kuti varume veumhare varipo.

17 Zvino varume veguta vakabuda ndokurwa naJoabhu. Zvino kwakawa pavanhu pavaranda vaDhavhidhi; kukafawo Uriya muHiti.

18 Zvino Joabhu wakatuma nhume ndokuudza Dhavhidhi mashoko ose ehondo.

19 Zvino wakaraira nhume achiti: Paunenge wapedza kupira mambo mashoko ose ehondo,

20 zvino zvikadai kuti hasha dzamambo dzikapfuta, uye iye akati kwauri: Makaswedererei kuguta kurwa? Hamuna kuziva here kuti vachafura vari parusvingo?

21 Ndiani wakarova Abhimereki mwanakomana waJerubhesheti? Handiti mukadzi wakakanda huyo pamusoro pake ari parusvingo, kusvika afa paTebhezi? Makaswedererei kurusvingo? Zvino uchati: Muranda wenyu Uriya muHiti wafawo.

22 Zvino nhume yakaenda, ndokusvika, ndokuudza Dhavhidhi zvose Joabhu zvaakamutuma.

23 Zvino nhume yakati kuna Dhavhidhi: Zvirokwazvo vanhu vatikurira, uye vatibudira kusango, asi tanga tiri pamusoro pavo kusvika pamukova wesuwo.

24 Zvino vafuri vari parusvingo vakafura varanda venyu, uye vamwe vevaranda vamambo vafa, uye muranda wenyu Uriya muHiti wafawo.

25 Zvino Dhavhidhi wakati kunhume: Reva seizvi kuna Joabhu: Chinhu ichi ngachirege kuva chakaipa pameso ako, nokuti munondo unopedza wakafanana neuyu uye wakafanana neuyo; simbisa hondo yako kurwisa guta, uriputse; uye umusimbise.

26 Mukadzi waUriya paakanzwa kuti murume wake Uriya wafa, wakachema murume wake.

27 Kuchema kwakati kwapera, Dhavhidhi wakatuma nhume ndokumutora kuisa mumba make; iye ndokuva mukadzi wake, akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi Dhavhidhi chaakaita chaiva chakaipa pameso aJehovha.