ShonaTeam 2 Samuel « 8 »

Dhavhidhi anokunda vaFirisitia nedzimwe ndudzi

8Zvino zvakaitika pashure, kuti Dhavhidhi wakarova vaFirisitia ndokuvaisa pasi pake; Dhavhidhi ndokutora Metegi-Ama kubva muruoko rwevaFirisitia.

2 Zvino wakarova Moabhu, ndokuvayera nerwonzi, avaradzika pasi; uye nerwonzi ruviri wakayera kuuraya, uye nerwonzi rwakazara kuchengeta upenyu. VaMoabhu ndokuva varanda vaDhavhidhi vachiuya nezvipo.

3 Dhavhidhi wakarovawo Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu mambo weZhobha, pakuenda kwake kunodzosa ushe hwake parwizi Furati.

4 Dhavhidhi ndokutapa kubva kwaari vatasvi vemabhiza churu nemazana manomwe, nevaifamba netsoka zvuru makumi maviri; Dhavhidhi ndokugura marunda emakumbo emabhiza ose engoro, asi wakasiya paari ngoro zana.

5 VaSiriya veDhamasiko pavakauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi wakauraya varume zvuru makumi maviri nezviviri zvevaSiriya.

6 Dhavhidhi ndokuisa mapoka evarwi muSiriya yeDhamasiko; VaSiriya ndokuva varanda vaDhavhidhi vachiuya nezvipo. Jehovha ndokuchengetedza Dhavhidhi pose paakaenda.

7 Zvino Dhavhidhi wakatora nhovo dzegoridhe dzaiva dziri pavaranda vaHadhadhezeri, ndokudziunza kuJerusarema.

8 Mambo Dhavhidhi wakatorawo ndarira zhinji kwazvo paBheta nepaBherotai maguta aHadhadhezeri.

9 Zvino Toi mambo weHamati wakanzwa kuti Dhavhidhi waiva arova hondo yose yaHadhadhezeri,

10 Toi ndokutuma mwanakomana wake Joramu kuna mambo Dhavhidhi kumubvunza upenyu nekumurumbidza nokuti waiva arwisa Hadhadhezeri ndokumurova (nokuti Hadhadhezeri waiva murume wehondo naToi); uye muruoko rwake maiva nemidziyo yesirivha nemidziyo yegoridhe nemidziyo yendarira.

11 Naiyo mambo Dhavhidhi wakaitsaurira Jehovha pamwe nesirivha negoridhe yaaiva atsaura kubva kundudzi dzose dzaaiva aisa pasi pake;

12 kuSiriya, nekuMoabhu, nekuvana vaAmoni, nekuvaFirisitia, nekwaAmareki, nekuzvakapambiwa zvaHadhadhezeri mwanakomana waRehobhu mambo weZobha.

13 Zvino Dhavhidhi wakaita zita paakadzoka pakurova VaSiriya paMupata weMunyu, vaiva varume zvuru gumi nezvisere.

14 Zvino vakaisa mapoka evarwi paEdhomu; wakaisa mapoka evarwi paEdhomu yese; uye vose veEdhomu vakava varanda vaDhavhidhi. Jehovha ndokuchengetedza Dhavhidhi pose paakaenda.

15 Zvino Dhavhidhi wakatonga pamusoro paIsraeri wese; Dhavhidhi ndokuita kutonga kwakarurama uye kururama kuvanhu vake vose.

16 Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya waiva pamusoro pehondo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva munyori wezvinoitika.

17 Zvino Zadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiatari vaiva vapristi, naSeraya waiva munyori.

18 Zvino Bhenaya mwanakomana waJehoyadha waiva pamusoro pevaKereti nevaPereti, uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vabati.