ShonaTeam 2 Samuel « 7 »

Jehovha anoramba kuti Dhavhidhi amuvakire tembere

7Zvino zvakaitika mambo paaiva agere mumba make, uye Jehovha amuzorodza pavavengi vake vose vaiva vakamupoteredza,

2 kuti mambo wakati kuna Natani muporofita: Ona zvino, ini ndigere muimba yemusidhari, asi areka yaMwari igere pakati pemaketeni.

3 Natani ndokuti kuna mambo: Endai muite zvose zviri mumoyo menyu, nokuti Jehovha anemwi.

4 Zvino zvakaitika usiku uhwo, kuti shoko raJehovha rakasvika kuna Natani richiti:

5 Enda unoti kumuranda wangu kuna Dhavhidhi: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Iwe uchandivakira imba kuti ndigare here?

6 Nokuti handina kugara mumba kubva pazuva randakakwidza vana vaIsraeri kubva muEgipita kusvikawo nhasi; asi ndaifamba mutende nemutabhenakeri.

7 Pose pandakafamba nevana vaIsraeri vose, ndakataura here shoko kune rimwe remarudzi aIsraeri, andakaraira kufudza vanhu vangu Israeri, ndichiti: Makaregerei kundivakira imba yemisidhari?

8 Naizvozvo ikozvino, uchareva saizvozvo kumuranda wangu kuna Dhavhidhi: Ndizvo zvinoreva Jehovha wehondo: Ini ndakakutora kudanga remakwai, pakutevera makwai, kuti uve mutongi pamusoro pevanhu vangu, pamusoro paIsraeri.

9 Uye ndakava newe kose kwawakaenda, uye ndakagura vavengi vako vose pamberi pako; uye ndakakuitira zita guru, sezita revakuru vari panyika.

10 Zvino ndichaisira vanhu vangu Israeri nzvimbo, uye ndichavasima, kuti vagare panzvimbo yavo, vasazozungunukazve; uye vana vekutsauka havangavatambudzizve sepakutanga,

11 kunyange kubva pazuva randakaraira vatongi pamusoro pevanhu vangu Israeri. Uye ndakakuzorodza pavavengi vako vose. Uye Jehovha anokuudza kuti Jehovha achakuitira imba.

12 Pachange mazuva ako azadzisika, warara nemadzibaba ako, ndichamisa mbeu yako shure kwako, ichabuda muura hwako, uye ndichasimbisa ushe hwake.

13 Iye achavakira zita rangu imba, uye ndichasimbisa chigaro cheushe cheumambo hwake nekusingaperi.

14 Ini ndichava baba vake, naiye achava mwanakomana wangu; achati kana achiita chakaipa, ndichamuranga netsvimbo yevanhu, uye neshamhu dzevana vevanhu.

15 Asi tsitsi dzangu hadzingabvi kwaari, sezvandakadzibvisa kuna Sauro wandakabvisa kubva pamberi pako.

16 Zvino imba yako neushe hwako zvichasimbiswa kusvika rinhi narinhi pamberi pako, nechigaro cheushe chako chichamiswa kusvika rinhi narinhi.

17 Zvichienderana nemashoko awa ose uye zvichienderana nechiratidzo ichi chose, saizvozvo Natani wakataura naDhavhidhi.

18 Zvino mambo Dhavhidhi wakapinda, ndokugara pamberi paJehovha, ndokuti: Ndiri ani ini, Ishe Jehovha, neimba yangu chii, kuti mundisvitse kusvika pano?

19 Uye zvakadaro ichi chichiri chinhu chidiki pameso enyu, Ishe Jehovha, asi makataurawo pamusoro peimba yemuranda wenyu zvenguva ichiri kure; uye iyi itsika yevanhu, Ishe Jehovha!

20 Zvino Dhavhidhi angawedzera kutaurazve chii kwamuri? Nokuti imwi munoziva muranda wenyu, Ishe Jehovha.

21 Nekuda kweshoko renyu uye zvichienderana nemoyo wenyu makaita zvinhu izvi zvikuru zvose, kuzivisa muranda wenyu.

22 Naizvozvo muri mukuru, Ishe Jehovha, nokuti hakuna wakafanana nemwi, uye hakuna Mwari kunze kwenyu, zvichienderana nezvose zvatakanzwa nenzeve dzedu.

23 Zvino ndeupi wakafanana nevanhu venyu, wakafanana naIsraeri, rudzi rwumwe panyika, Mwari vaakaenda kudzikinura kuva vanhu vake uye kuzviitira zita uye kukuitirai zvinhu zvikuru zvinotyisa panyika yenyu pamberi pevanhu venyu vamakazvidzikinurira paEgipita pavahedheni nepavamwari vavo?

24 Makazvisimbisira vanhu venyu Israeri kuti vave vanhu kwamuri kusvika rinhi narinhi; nemwi Jehovha mava Mwari wavo.

25 Zvino ikozvino Jehovha Mwari, shoko ramakataura maererano nemuranda wenyu nemaererano neimba yake, risimbisei kusvika rinhi narinhi, uye muite sezvamakataura.

26 Zvino zita renyu ngarive guru kusvika rinhi narinhi, zvichinzi: Jehovha wehondo ndiMwari pamusoro paIsraeri; uye imba yemuranda wenyu Dhavhidhi isimbiswe pamberi penyu.

27 Nokuti imwi Jehovha wehondo Mwari waIsraeri, makazarura nzeve yemuranda wenyu, muchiti: Ndichakuvakira imba; naizvozvo muranda wenyu wakawana mumoyo make kuti anyengetere munyengetero uyu kwamuri.

28 Zvino ikozvino Ishe Jehovha, ndimwi Mwari uyu, uye mashoko enyu ichokwadi, uye makataura kumuranda wenyu zvakanaka izvi.

29 Naizvozvo ikozvino fadzwai uye ropafadzai imba yemuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu rinhi narinhi, nokuti imwi Ishe Jehovha makataura, uye imba yemuranda wenyu ngairopafadzwe nekuropafadza kwenyu rinhi narinhi.