ShonaTeam 2 Samuel « 5 »

Dhavhidhi anogadzwa mambo wevaIsraeri vese

5Zvino marudzi ose aIsraeri akauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni ndokutaura vachiti: Tarirai, tiri pfupa renyu nenyama yenyu.

2 Uye zuro namarimwezuro Sauro paaiva mambo pamusoro pedu, ndimwi maibudisa nekupinza Israeri; Jehovha ndokuti kwamuri: Iwe uchafudza vanhu vangu Israeri, uye iwe uchava mutungamiriri pamusoro paIsraeri.

3 Naizvozvo vakuru vose vaIsraeri vakauya kuna mambo kuHebhuroni, mambo Dhavhidhi ndokuita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo ndokuzodza Dhavhidhi kuva mambo pamusoro paIsraeri.

4 Dhavhidhi waiva wemakore makumi matatu pakuva kwake mambo. Wakatonga makore makumi mana.

5 Wakatonga pamusoro paJudha paHebhuroni makore manomwe nemwedzi mitanhatu; uye paJerusarema wakatonga makore makumi matatu nematatu pamusoro paIsraeri wose naJudha.

6 Zvino mambo nevarume vake vakaenda kuJerusarema kuvaJebhusi vagari venyika iyo; ivo vakataura kuna Dhavhidhi vachiti: Haungapindi pano, kunze kwekuti wabvisa mapofu nezvirema, vachiti: Dhavhidhi haangapindi pano.

7 Zvakadaro Dhavhidhi wakatapa nhare yeZiyoni; ndiro guta raDhavhidhi.

8 Zvino Dhavhidhi wakati nezuva iro: Ani nani anorova vaJebhusi, ngaarove kumugero wemvura zvirema nemapofu, vanovengwa nemweya weupenyu waDhavhidhi. Nokuti vakati: Mapofu nezvirema havangapindi mumba.

9 Zvino Dhavhidhi wakagara munhare ndokuitumidza kuti guta raDhavhidhi. Dhavhidhi ndokuvaka kupoteredza, kubva paMiro zvichienda mukati.

10 Dhavhidhi ndokuenderera mberi uye achiva mukuru; uye Jehovha Mwari wehondo waiva anaye.

11 Zvino Hiramu mambo weTire wakatuma nhume kuna Dhavhidhi, nematanda emisidhari, nevavezi vematanda, nevavezi vemabwe, ndokuvakira Dhavhidhi imba.

12 Zvino Dhavhidhi wakaziva kuti Jehovha wakamusimbisa kuva mambo pamusoro paIsraeri, uye kuti waiva akwiridzira umambo hwake nekuda kwevanhu vake Israeri.

13 Zvino Dhavhidhi wakatora vamwe varongo nevakadzi kubva muJerusarema shure kwekubva kwake kuHebhuroni; uye kwaiva nevamwe vanakomana nevanasikana vakaberekerwa Dhavhidhi.

14 Zvino awa mazita evaakaberekerwa muJerusarema: Shamua, naShobhabhu, naNatani, naSoromoni,

15 naIbhari, naErishua, naNefegi, naJafia,

16 naErishama, naEriadha, naErifereti.

17 Zvino vaFirisitia vanzwa kuti vazodza Dhavhidhi kuti ave mambo pamusoro paIsraeri; vaFirisitia vose vakakwira kutsvaka Dhavhidhi. Zvino Dhavhidhi akazvinzwa, ndokuburukira munhare.

18 VaFirisitia vakati vasvika vakapararira pamupata weRefaimu.

19 Dhavhidhi ndokubvunza kuna Jehovha achiti: Ndichakwira kuvaFirisitia here? Muchavapa muruoko rwangu here? Jehovha ndokuti kuna Dhavhidhi: Kwira, nokuti zvirokwazvo ndichapa vaFirisitia muruoko rwako.

20 Zvino Dhavhidhi wakasvika paBhaari-Perazimi, Dhavhidhi ndokuvarovapo, ndokuti: Jehovha wapoyera vavengi vangu pamberi pangu sekupoya kwemvura. Naizvozvo wakadana zita renzvimbo iyo Bhaari-Perazimi.

21 Zvino vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo; Dhavhidhi nevanhu vake ndokuzvibvisa.

22 VaFirisitia vakadzokororazve kukwira, ndokupararira pamupata weRefaimu.

23 Zvino Dhavhidhi wakabvunza Jehovha. Iye ndokuti: Usakwira, pota shure kwavo, ugosvika kwavari pakatarisana nemiti yemibharisamu.

24 Zvino zvichaitika pauchanzwa mutinhiro wekufamba pamisoro yemiti yemibharisamu, ipapo uchagura zvauchaita, nokuti ipapo Jehovha wabuda mberi kwako kurova hondo yevaFirisitia.

25 Dhavhidhi ndokuita saizvozvo, Jehovha sezvaakamuraira; ndokurova vaFirisitia kubva paGebha kusvika wasvika paGezeri.