ShonaTeam 2 Samuel « 4 »

Ishibhosheti anourawa

4Mwanakomana waSauro paakanzwa kuti Abhineri wafira paHebhuroni, maoko ake ndokushaiwa simba, naIsraeri wose akatambudzika.

2 Zvino mwanakomana waSauro waiva nevarume vaviri vaiva vakuru vemapoka; zita reumwe raiva Bhaana, uye zita reumwe Rekabhu; vanakomana vaRimoni muBheeroti wevana vaBhenjamini; nokuti Bheeroti raiverengerwawo kuna Bhenjamini.

3 Zvino VaBheeroti vakatizira kuGitaimu, uye variko vaiva vatorwa kusvika nhasi.

4 Zvino Jonatani mwanakomana waSauro waiva ane mwanakomana wakaremara tsoka mbiri. Iye waiva wemakore mashanu pakusvika kwerunyerekupe rwaSauro naJonatani kubva paJezireeri. Mureri wake ndokumusimudza ndokutiza. Zvino zvakaitika pakukurumidza kwake kutiza, kuti mwana wakawa ndokuremara. Uye zita rake raiva Mefibhosheti.

5 Zvino vanakomana vaRimoni muBheeroti, Rekabhu naBhaana, vakaenda ndokusvika pakupisa kwezuva paimba yaIshibhosheti; uye iye waiva arere pamubhedha pamasikati makuru.

6 Ivo ndokupinda mukati mumba, vachitora gorosi, ndokumurova mudumbu. Rekabhu naBhaana munin'ina wake ndokupukunyuka.

7 Nokuti vachipinda mumba iye waiva arere pamubhedha wake muimba yake yekurara, ivo ndokumurova ndokumuuraya ndokumugura musoro ndokutora musoro wake ndokuenda nenzira yebani usiku hwose.

8 Zvino vakaunza musoro waIshibhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni, ndokuti kuna mambo: Tarirai, musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro muvengi wenyu waitsvaka upenyu hwenyu; Jehovha wapa kutsiva kukuru nhasi kuna ishe wangu mambo pana Sauro nepembeu yake.

9 Zvino Dhavhidhi wakapindura Rekabhu naBhaana munin'ina wake vanakomana vaRimoni muBheeroti ndokuti kwavari: NaJehovha mupenyu, wakadzikinura mweya weupenyu wangu kubva padambudziko rese;

10 anondiudza paanoti: Tarirai, Sauro wafa; kunyange iye aiva semutakuri weshoko rakanaka pameso ake, ipapo ndakamubata ndokumuuraya paZikiragi pane kuti ndimupe mubairo weshoko rakanaka.

11 Zvikuru sei vanhu vakaipa pavanouraya munhu wakarurama mumba make ari pamubhedha wake; zvino ikozvino, handingatsvaki ropa rake muruoko rwenyu ndigokubvisai panyika here?

12 Zvino Dhavhidhi wakaraira majaya, iwo ndokuvauraya, ndokugura maoko avo netsoka dzavo, ndokuvaremberedza padziva paHebhuroni. Asi vakatora musoro waIshibhosheti, ndokuuviga muguva raAbhineri muHebhuroni.