ShonaTeam 1 Samuel « 30 »

Dhavhidhi anokunda vaAmareki

30Zvino zvakaitika pakasvika Dhavhidhi nevarume vake paZikiragi nezuva retatu, kuti vaAmareki vaiva vapamba kuchamhembe neZikiragi, ndokurova Zikiragi, ndokuripisa nemoto;

2 vakatapawo vakadzi vaiva varimo kubva kumudiki kusvika kumukuru; havana kuuraya munhu, asi vakavatinha, vakaenda nenzira yavo.

3 Dhavhidhi nevarume vake pavakasvika paguta, zvino tarira, raiva rapiswa nemoto, nevakadzi vavo nevanakomana vavo nevanasikana vavo vatapwa.

4 Dhavhidhi nevanhu vaiva naye ndokusimudza inzwi ravo ndokuchema misodzi kusvika vasisina simba rekuchema.

5 Nevakadzi vaviri vaDhavhidhi vaiva vatapwa, Ahinowamu mukadzi muJezireeri naAbhigairi mukadzi waNabhari muKarimeri.

6 Zvino Dhavhidhi wakamanikidzika zvikuru, nokuti vanhu vaiva votaura zvekumutaka nemabwe, nokuti mweya weupenyu wevanhu vose wakavava, murume umwe neumwe pamusoro pevanakomana vake nepamusoro pevanasikana vake; asi Dhavhidhi wakazvisimbisa muna Jehovha Mwari wake.

7 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Abhiatari mupristi mwanakomana waAhimereki: Swededza hako kwandiri efodhi. Abhiatari ndokuswededza efodhi kuna Dhavhidhi.

8 Dhavhidhi ndokubvunza Jehovha achiti: Ndidzingirire shure hondo iyi here? Ndichavabata here? Iye ndokuti kwaari: Dzingirira, nokuti zvirokwazvo uchavabata, uye uchavanunura zvekununura.

9 Naizvozvo Dhavhidhi wakaenda, iye nevarume mazana matanhatu vanaye, ndokusvika parukova Bhesori, paiva pakagara vakasara.

10 Dhavhidhi ndokuvadzingirira, iye nevarume mazana mana, nokuti varume mazana maviri vakagara, vaiva vaneta kwazvo zvekuti havana kuyambuka rukova Bhesori.

11 Zvino vakawana muEgipita kusango, ndokumuunza kuna Dhavhidhi, ndokumupa zvekudya, iye ndokudya, vakamunwisawo mvura;

12 vakamupawo chimedu chechingwa chemaonde nemasumbu maviri emazambiringa akaomeswa; wakati adya mweya wake ndokudzoka maari, nokuti waiva asina kudya zvekudya kana kunwa mvura mazuva matatu neusiku utatu.

13 Dhavhidhi ndokuti kwaari: Uri waani? Unobvepi? Iye ndokuti: Ndiri jaya reEgipita, muranda kumuAmareki; tenzi wangu wakandisiya, nokuti mazuva matatu ndanga ndichirwara.

14 Isu takapamba kuchamhembe kwevaKereti, nekwaJudha, uye kuchamhembe kwaKarebhi, uye takapisa Zikiragi nemoto.

15 Dhavhidhi ndokuti kwaari: Ungandiburusira kuhondo iyi here? Iye ndokuti: Ndipikirei naMwari kuti hamungandiurayi kana kundipa muruoko rwatenzi wangu. Zvino ndingakuburusirai kuhondo iyi.

16 Wakati amuburusa, tarira, vakapararira pachiso chenyika yose, vachidya uye vachinwa, uye vachitambira zvakapambiwa zvose zvikuru zvavaiva vatora kubva munyika yevaFirisitia uye kubva munyika yaJudha.

17 Dhavhidhi ndokuvarova kubva parubvunzavaeni kusvika madekwani ezuva ravo raitevera; uye hakuna kupukunyuka munhu kwavari, kunze kwemajaya mazana mana akatasva makamera ndokutiza.

18 Dhavhidhi ndokununura zvose vaAmareki zvaiva vatora; uye vakadzi vake vaviri Dhavhidhi wakavanunura.

19 Zvino hakuna kushaikwa chinhu kwavari kubva kuchidiki kusvika kuchikuru nekusvika kuvanakomana nevanasikana, uye kubva kuzvakapambiwa kusvika kuchipi chavaiva vazvitorera; Dhavhidhi wakadzosa zvose.

20 Zvino Dhavhidhi wakatora zvose makwai nemombe, ndokutinha pamberi pezvipfuwo izvo, ndokuti: Izvi zvakapambiwa zvaDhavhidhi.

21 Zvino Dhavhidhi wakasvika kuvarume vaya mazana maviri vaiva vaneta kwazvo zvekuti havana kutevera Dhavhidhi, vavakati vagare parukova Bhesori. Zvino vakabuda kuchingamidza Dhavhidhi nekuchingamidza vanhu vaiva naye. Dhavhidhi paakaswedera kuvanhu, wakavabvunza upenyu.

22 Zvino vanhu vose vakaipa nevaBheriari pakati pevarume vaiva vaenda naDhavhidhi vakati: Nokuti havana kuenda nesu, hativapi zvezvakapambiwa zvatakanunura, kunze kwemurume umwe neumwe mukadzi wake nevana vake, kuti vavatungamirire vaende.

23 Zvino Dhavhidhi wakati: Hamuiti saizvozvo, hama dzangu, neizvo Jehovha zvaakatipa, uye iye wakatichengeta ndokupa muruoko rwedu hondo yakauya kutirwisa.

24 Nokuti ndiyani achateerera kwamuri panyaya iyi? Nokuti semugove wewakaburukira kuhondo wakadaro mugove weanosara nenhumbi; vachagoverana zvakaenzana.

25 Zvino zvakaitika kubva pazuva iro zvichienda mberi kuti wakachigadza kuva chimiso nemutemo kwaIsraeri kusvika zuva rino.

26 Dhavhidhi paakasvika kuZikiragi, wakatumira zvezvaiva zvapambiwa kuvakuru vekwaJudha kushamwari dzake achiti: Tarirai, ropafadzo yenyu inobva pazvakapambiwa zvevavengi vaJehovha;

27 kune vari muBheteri, nekune vari Ramoti yekuchamhembe, nekune vari muJatiri,

28 nekune vari muAroeri, nekune vari muSifimoti, nekune vari muEshitemowa,

29 nekune vari muRakari, nekune vari kumaguta evaJerameeri, nekune vari pamaguta evaKeni,

30 nekune vari muHorima, nekune vari muBori-Ashani, nekune vari muAtaki,

31 nekune vari muHebhuroni, nekune nzvimbo dzose dzaifamba Dhavhidhi, iye nevarume vake.