ShonaTeam 1 Samuel « 18 »

Kuwirirana kwaJonatani naDhavhidhi

18Zvino zvakaitika paakapedza kutaura naSauro, kuti mweya weupenyu waJonatani wakasunganidzwa pamweya weupenyu waDhavhidhi; Jonatani ndokumuda semweya weupenyu wake.

2 Zvino Sauro wakamutora nezuva iro, akasazomutendera kudzokera kumba kwababa vake.

3 Zvino Jonatani naDhavhidhi vakaita sungano, nokuti wakamuda semweya weupenyu wake.

4 Jonatani ndokukurura jazi raaiva akapfeka ndokuripa kuna Dhavhidhi, nezvipfeko zvake, kusvika kumunondo wake, uye kusvika kuuta hwake, uye kusvika kubhanhire rake.

5 Dhavhidhi ndokubuda kuenda kose Sauro kwaaimutuma, akazvibata neuchenjeri; Sauro ndokumuisa pamusoro pevarume vehondo; akava wakanaka pameso evanhu vose, uyewo pameso evaranda vaSauro.

6 Zvino zvakaitika pakusvika kwavo, Dhavhidhi paakadzoka pakuuraya muFirisitia, kuti vakadzi vakabuda kumaguta ose aIsraeri vachiimba uye vachitamba kuchingamidza mambo Sauro nengoma, nemufaro, uye nezviridzwa.

7 Vakadzi ndokubvumirana vachitamba ndokuti: Sauro wakauraya zvuru zvemazana ake, asi Dhavhidhi makumi ezvuru ake.

8 Sauro ndokutsamwa kwazvo, uye shoko iri raiva rakaipa pameso ake, iye ndokuti: Vapa kuna Dhavhidhi makumi ezvuru zvemazana, asi ini vandipa zvuru. Zvino wasarirwa neumambo hwega?

9 Zvino Sauro wakagodora Dhavhidhi kubva pazuva iroro zvichienda mberi.

10 Zvino zvakaitika chifume kuti mweya wakaipa waMwari wakauya pamusoro paSauro nesimba, iye ndokuporofita mukati meimba; Dhavhidhi ndokuridza neruoko rwake sepane dzimwe nguva; zvino maiva nepfumo muruoko rwaSauro.

11 Zvino Sauro wakapotsera pfumo, ndokuti: Ndichabaira Dhavhidhi nepamadziro. Asi Dhavhidhi wakanzvenga kaviri kubva pamberi pake.

12 Zvino Sauro wakatya Dhavhidhi nokuti Jehovha waiva naye uye waiva abva kuna Sauro.

13 Naizvozvo Sauro wakamubvisa kwaari, ndokumuisa kuva mukuru wechuru wake; zvino akabuda nekupinda pamberi pevanhu.

14 Zvino Dhavhidhi wakazvibata neuchenjeri panzira dzake dzose; Jehovha ndokuva naye.

15 Sauro paakaona kuti anozvibata neuchenjeri kwazvo, ndokumutya.

16 Asi Israeri wose naJudha vakada Dhavhidhi, nokuti waibuda nekupinda pamberi pavo.

Dhavhidhi anowana Mikari mukunda waSauro

17 Zvino Sauro wakati kuna Dhavhidhi: Tarira, mukunda wangu mukuru Merabhi, ndichamupa kwauri kuva mukadzi; koga iva mhare kwandiri, ugorwa hondo dzaJehovha. Nokuti Sauro wakati: Ruoko rwangu ngarurege kuva pamusoro pake, asi ruoko rwevaFirisitia ngaruve pamusoro pake.

18 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Sauro: Ndini ani, uye upenyu hwangu chii, nemhuri yababa vangu kwaIsraeri, kuti ndive mukwasha wamambo?

19 Asi zvakaitika panguva Merabhi mukunda waSauro yaaizopiwa kuna Dhavhidhi, kuti iye wakapiwa kuna Adhirieri muMehorati kuva mukadzi.

20 Zvino Mikari mukunda waSauro waida Dhavhidhi; zvino vakaudza Sauro, nyaya iyi ndokuva yakarurama pameso ake.

21 Sauro ndokuti: Ndichamupa iye, kuti ave musungo kwaari, uye kuti ruoko rwevaFirisitia rwumurwise. Naizvozvo Sauro wakati kuna Dhavhidhi: Kechipiri uchava mukwasha wangu nhasi.

22 Zvino Sauro wakaraira varanda vake achiti: Tauriranai naDhavhidhi pakavanda muchiti: Tarira, mambo anofara mauri, nevaranda vake vose vanokuda; naizvozvo ikozvino chiva mukwasha wamambo.

23 Zvino varanda vaSauro vakataura mashoko awo munzeve dzaDhavhidhi. Dhavhidhi ndokuti: Chinhu chakareruka pameso enyu here kuva mukwasha wamambo, zvandiri munhu murombo uye anozvidzika?

24 Varanda vaSauro ndokumuudza vachiti: Dhavhidhi wataura semashoko awa.

25 Sauro ndokuti: Muchataura saizvozvo kuna Dhavhidhi: Mambo haashuvi roora, asi zvikanda zvepamberi zana zvevaFirisitia, kuti kutsiviwe vavengi vamambo. Asi Sauro wakafunga kuita Dhavhidhi awe neruoko rwevaFirisitia.

26 Varanda vake pavakaudza Dhavhidhi mashoko awa, nyaya yakava yakanaka pameso paDhavhidhi kuva mukwasha wamambo. Asi mazuva aiva asati azadzisika.

27 Naizvozvo Dhavhidhi wakasimuka ndokuenda iye nevarume vake, ndokuuraya varume mazana maviri pakati pevaFirisitia; Dhavhidhi ndokuuya nezvikanda zvavo zvepamberi, ndokuzvipa zvakakwana kuna mambo, kuti ave mukwasha wamambo. Sauro ndokumupa Mikari mukunda wake kuva mukadzi.

28 Zvino Sauro wakaona uye wakaziva kuti Jehovha waiva naDhavhidhi. Mikari mukunda waSauro ndokumuda.

29 Zvino Sauro waiva achiri kutyazve Dhavhidhi; uye Sauro wakava muvengi waDhavhidhi mazuva ose.

30 Zvino machinda evaFirisitia akabuda, zvikaitika kuti pose paaibuda Dhavhidhi waizvibata neuchenjeri kupfuura varanda vose vaSauro, kusvika zita rake rakurumbira kwazvo.