ShonaTeam 1 Samuel « 13 »

Kusateerera kwaSauro

13Sauro waiva mwanakomana wegore pautongi hwake. Waiva atonga Israeri makore maviri.

2 Sauro ndokuzvisarudzira vane zvuru zvitatu kwaIsraeri; uye zvuru zviviri zvaiva naSauro paMikimashi nepagomo reBheteri, nechuru chaiva naJonatani paGibhiya kwaBhenjamini; zvino vakasiiwa vevanhu wakavaendesa umwe neumwe kutende rake.

3 Jonatani ndokurova boka revarwi revaFirisitia raiva paGebha; vaFirisitia ndokuzvinzwa. Sauro ndokuridza hwamanda panyika yose achiti: VaHebheru ngavanzwe.

4 Zvino Israeri wose wakanzwa kuchinzi: Sauro warova boka revarwi revaFirisitia, uye kuti naIsraeri wosemwa nevaFirisitia. Vanhu ndokudanirwa pamwe kutevera Sauro paGirigari.

5 Zvino vaFirisitia vakaungana kuti varwe naIsraeri, ngoro zvuru makumi matatu, nevatasvi vemabhiza zvuru zvitanhatu, nevanhu vakaenzana nejecha riri pamahombekombe egungwa pakuwanda. Zvino vakakwira ndokudzika matende paMikimashi kumabvazuva kweBheti-Avheni.

6 Zvino varume vaIsraeri vaona kuti vava pakamanikana, nokuti vanhu vakamanikidzwa, vanhu ndokuvanda mumapako nemurukato nemumabwe nemunhare nemumakomba.

7 Uye vaHebheru vakayambuka Joridhani vakaenda kunyika yaGadi neyeGiriyadhi Asi Sauro waiva achiri paGirigari, vanhu vose ndokubvunda shure kwake.

8 Zvino wakamira mazuva manomwe zvichienderana nenguva yaiva yatarwa naSamueri; asi Samueri haana kusvika paGirigari, vanhu ndokupararira kubva kwaari.

9 Zvino Sauro wakati: Swededzai kwandiri chipo chinopiswa nezvipo zvekuyananisa. Zvino wakapa chipo chinopiswa.

10 Zvino zvakaitika apedza kupa chipo chinopiswa, kuti tarira, Samueri wakasvika; Sauro ndokubuda kumuchingamidza kuti amukwazise.

11 Samueri ndokuti: Waitei? Sauro ndokuti: Nokuti ndaona kuti vanhu vopararira vachibva kwandiri, uye kuti imwi hamuna kusvika nenguva yakatarwa yemazuva, uye kuti vaFirisitia vaungana paMikimashi.

12 Naizvozvo ndati: Ikozvino vaFirisitia vachandiburukira paGirigari ndisati ndakumbira chiso chaJehovha; zvino ndazvimanikidza ndokupa chipo chinopiswa.

13 Samueri ndokuti kuna Sauro: Waita neupenzi; hauna kuchengeta murairo waJehovha Mwari wako waakakuraira; nokuti ikozvino Jehovha wanga achamisa umambo hwako kwaIsraeri kusvika rinhi narinhi.

14 Asi ikozvino umambo hwako hahungamiri; Jehovha wazvitsvakira munhu zvichienderana nemoyo wake, uye Jehovha wamuraira kuva mutungamiriri pamusoro pevanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta izvo Jehovha zvaakakuraira.

15 Zvino Samueri wakasimuka ndokukwira kubva paGirigari kuenda kuGibhiya raBhenjamini. Sauro ndokuverenga vanhu vaaiva navo, varume vanenge mazana matanhatu.

16 Zvino Sauro naJonatani mwanakomana wake nevanhu vavaiva navo vakagara paGebha raBhenjamini; asi vaFirisitia vakadzika musasa paMikimashi.

17 Zvino vaparadzi vakabuda kubva kumusasa wevaFirisitia, vari mapoka matatu; boka rimwe rakatendeukira kunzira yeOfira, kuenda kunyika yaShuari;

18 rimwe boka ndokutendeukira kunzira yeBheti-Horoni; uye rimwe boka rakatendeukira kunzira yemuganhu unotarisa pasi pamupata weZebhoimu nechekurenje.

19 Zvino hakuna kuwanikwa mupfuri munyika yose yaIsraeri, nokuti vaFirisitia vakati: Zvimwe vaHebheru vangaita munondo nepfumo.

20 Asi vaIsraeri vose vaiburukira kuvaFirisitia kunorodza umwe neumwe muromo wegejo rake, neshaya yake yebadza, nesanhu rake, nejereso rake.

21 Zvakadaro muripo waiva chetatu cheshekeri pamiromo yegejo, nepashaya dzebadza, nepamaforogo ane zvibaiso zvitatu, nepamasanhu avo, nepakuisa zvibaiso.

22 Zvino zvakaitika nezuva rehondo kuti hakuna kuwanikwa munondo kana pfumo muruoko rwevanhu vose vaiva naSauro nevaiva naJonatani; asi kuna Sauro nekuna Jonatani mwanakomana wake zvakawanikwa.

23 Zvino boka revarwi vevaFirisitia rakabuda kuenda kumupata weMikimashi.