ShonaTeam 1 Samuel « 12 »

Samueri anoraira vanhu kutevera Jehovha

12Zvino Samueri wakati kuna Israeri wese: Tarirai, ndakateerera kuinzwi renyu pane zvose zvamakataura kwandiri, uye ndaisa mambo pamusoro penyu.

2 Zvino ikozvino tarirai, mambo anofamba pamberi penyu; zvino ini ndakwegura, uye ndachena vhudzi; zvino tarirai, vanakomana vangu vanemwi; zvino ini ndakafamba pamberi penyu kubva paudiki hwangu kusvika zuva rino.

3 Tarirai ndiri pano; ndipupurirei pamberi paJehovha nepamberi pemuzodzwa wake, ndeyani mombe yandakatora, uye ndeyani mbongoro yandakatora, uye ndiyani wandakanyengera, ndiyani wandakamanikidza, uye muruoko rwaani mandakagamuchira fufuro kuti ndipofumadze meso angu nazvo? Zvino ndichazvidzosera kwamuri.

4 Ivo ndokuti: Hamuna kutinyengera, uye hamuna kutimanikidza, uye hamuna kugamuchira chinhu muruoko rweupi neupi.

5 Zvino wakati kwavari: Jehovha chapupu kwamuri, uye muzodzwa wake chapupu nhasi, kuti hamuna kuwana chinhu muruoko rwangu. Ivo ndokuti: Ndiye chapupu.

6 Zvino Samueri wakati kuvanhu: NdiJehovha wakaita Mozisi naAroni, uye wakakwidza madzibaba enyu kubva panyika yeEgipita.

7 Naizvozvo ikozvino zvimisei kuti nditongane nemwi pamberi paJehovha pamusoro pezviito zvose zvakarurama zvaJehovha zvaakaita nemwi uye nemadzibaba enyu.

8 Jakove paakasvika muEgipita, madzibaba enyu ndokuchema kuna Jehovha; Jehovha ndokutuma Mozisi naAroni; ivo ndokubudisa madzibaba enyu kubva Egipita, ndokuvagarisa panzvimbo ino.

9 Pavakakanganwa Jehovha Mwari wavo, wakavatengesa muruoko rwaSisera mukuru wehondo yaHazori, nemuruoko rwevaFirisitia, nemuruoko rwamambo wevaMoabhu; ivo ndokuvarwisa.

10 Zvino vakachema kuna Jehovha, ndokuti: Takatadza, nokuti takasiya Jehovha, ndokushumira vana Bhaari nevaAshitaroti. Asi ikozvino tinunurei kubva muruoko rwevavengi vedu, uye tichakushumirai.

11 Zvino Jehovha wakatuma Jerubhaari, naBhedhani, naJefuta, naSamueri, ndokukununurai kubva muruoko rwevavengi venyu kupoteredza, zvino mukagara makachengetedzeka.

12 Makati maona kuti Nahashi mambo wevana vaAmoni wouya kukurwisai, imwi ndokuti kwandiri: Kwete, asi mambo achatitonga, zvakadaro Jehovha Mwari wenyu waiva mambo wenyu.

13 Naizvozvo ikozvino, tarirai, mambo wamasarudza, wamakakumbira; zvino tarirai, Jehovha wakaisa mambo pamusoro penyu.

14 Kana mukatya Jehovha, uye mukamushumira, nekuteerera kuinzwi rake, uye mukasapandukira murairo waJehovha, ipapo imwi namambowo anotonga pamusoro penyu muchatevera Jehovha Mwari wenyu.

15 Asi kana musingateereri inzwi raJehovha, asi muchipandukira murairo waJehovha, ipapo ruoko rwaJehovha ruchakurwisai, sezvarwakarwisa madzibaba enyu.

16 Zvino ikozvino zvimisei muone chinhu chikuru ichi Jehovha chaachaita pamberi pemeso enyu.

17 Hakusi kuchekwa kwezviyo nhasi here? Ndichadana kuna Jehovha, zvino achapa mutinhiro nemvura, kuti muzive muone kuti kuipa kwenyu kukuru kwamakaita pameso paJehovha, kuzvikumbirira mambo.

18 Zvino Samueri wakadana kuna Jehovha, Jehovha ndokupa mutinhiro nemvura nezuva iroro; naizvozvo vanhu vose vakatya Jehovha naSamueri kwazvo.

19 Vanhu vose ndokuti kuna Samueri: Nyengetererai varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu, kuti tirege kufa, nokuti takawedzera pazvivi zvedu zvose chakaipa ichi kuzvikumbirira mambo.

20 Samueri ndokuti kuvanhu: Musatya; imwi makaita chakaipa chose ichi, asi musatsauka pakutevera Jehovha, asi shumirai Jehovha nemoyo wenyu wose.

21 Uye musatsauka, nokuti mungatevera zvinhu zvisina maturo, zvisingabatsiri uye zvisinganunuri, nokuti hazvina maturo.

22 Nokuti Jehovha haasii vanhu vake nekuda kwezita rake guru, nokuti Jehovha wakafara kukuitai muve vanhu vake.

23 Neniwo ngazvive kure neni kuti nditadzire Jehovha nekurega kukunyengetererai; asi ndichakudzidzisai nzira yakanaka uye yakarurama.

24 Koga ityai Jehovha, mugomushumira muchokwadi nemoyo wenyu wose, nokuti onai zvikuru zvaakakuitirai.

25 Asi kana muchiramba muchiita zvakaipa, muchaparadzwa imwi namambo wenyu.