ShonaTeam Judges « 17 »

Mika nezvifananidzo zvake

17Zvino kwaiva nemurume wegomo raEfuremu, uye zita rake raiva Mika.

2 Zvino wakati kuna mai vake: Masirivha mazana gumi nezana rimwe akatorwa kwamuri, amakatuka nekuda kwawo, mukataurawo munzeve dzangu, tarirai, sirivha iyoyo ineni; ini ndakaitora. Zvino mai vake vakati: Wakaropafadzwa kuna Jehovha, mwanakomana wangu!

3 Wakati adzosa masirivha mazana gumi nezana rimwe kuna mai vake, mai vake ndokuti: Ndaeresa zvekueresa sirivha iyi kuna Jehovha kubva muruoko rwangu kuva yemwanakomana wangu, kuti ndiite chifananidzo chakavezwa uye chifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa. Zvino ikozvino ndichaidzosera kwauri.

4 Asi wakadzosera mari kuna mai vake. Mai vake ndokutora zvimedu zvesirivha mazana maviri, ndokuzvipa kumuumbi; iye ndokuita nazvo chifananidzo chakavezwa nechifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa; zvikava mumba maMika.

5 Zvino murume uyu Mika waiva ane imba yevamwari; ndokuita efodhi neterafimi, ndokutsaura umwe wevanakomana vake kuti ave mupristi wake.

6 Mumazuva iwawo kwaiva kusina mambo kwaIsraeri; munhu umwe neumwe waiita sezvakanaka pameso ake.

7 Zvino kwaiva nejaya raibva kuBheterehemu-Judha, remhuri yaJudha; uye raiva muRevhi, uye rigerepo semutorwa.

8 Zvino murume uyu wakabva kubuda muguta, kubva paBheterehemu-Judha kunogara semutorwa paaiwana nzvimbo. Zvino wakasvika panyika yegomo raEfuremu paimba yaMika pakuita nzira yake.

9 Mika ndokuti kwaari: Unobvepi? Iye ndokuti kwaari: Ndiri muRevhi weBheterehemu-Judha, ndinoenda kunogara semutorwa pandingawana nzvimbo.

10 Mika ndokuti kwaari: Gara neni, ugova kwandiri baba uye uve mupristi. Zvino ini ndichakupa zvimedu zvesirivha gumi pagore nenguvo dzekupfeka nezvekudya zvako. MuRevhi ndokuenda naye.

11 Zvino MuRevhi wakatenda kugara nemunhu uyu; jaya ndokuva kwaari seumwe wevanakomana vake.

12 Mika ndokutsaura muRevhi, jaya ndokuva mupristi wake, uye rakava mumba maMika.

13 Zvino Mika wakati: Ikozvino ndinoziva kuti Jehovha achandiitira zvakanaka, zvandava nemuRevhi ari mupristi.