ShonaTeam Judges « 12 »

VaEfuremu vanopopotera Jefuta

12Zvino vanhu vaEfuremu vakadanirwa pamwe ndokuyambukira kumaodzanyemba ndokuti kuna Jefuta: Wayambukirei kunorwa nevana vaAmoni, ukasatidanawo kuenda newe? Tichapisa imba yako nemoto pamusoro pako.

2 Jefuta ndokuti kwavari: Ini nevanhu vangu taiva nekupokana kukuru nevana vaAmoni; zvino ndakakudanai, asi hamuna kundinunura paruoko rwavo.

3 Zvino ndakati ndaona kuti hamuna kundiponesa, ndakaisa upenyu hwangu muruoko rwangu, ndokuyambukira kuvana vaAmoni, Jehovha ndokuvapa muruoko rwangu; zvino makwirirei kwandiri nhasi kuzorwa neni?

4 Zvino Jefuta wakaunganidza varume vose veGiriyadhi ndokurwa naEfuremu. Varume veGiriyadhi ndokurova Efuremu, nokuti vakati: Muri vapoteri vaEfuremu, imwi VaGiriyadhi, pakati pevaEfuremu, pakati pevaManase.

5 Zvino VaGiriyadhi vakatapa mazambuko aJoridhani mberi kwaEfuremu. Zvino zvakaitika apo vapoteri vekwaEfuremu vachiti: Regai ndiyambuke; varume veGiriyadhi ndokuti kwaari: Uri muEfuremu here? Kana akati: Kwete;

6 zvino vakati kwaari: Iti hako: Shibhoreti; iye ndokuti: Sibhoreti; nokuti waiva asingagoni kutaura zvakanaka; ndokumubata, ndokumubaya pamazambuko aJoridhani. Zvino panguva iyo kwakawa zvuru makumi mana nezviviri kwaEfuremu.

7 Zvino Jefuta wakatonga Israeri makore matanhatu. Ipapo Jefuta muGiriyadhi wakafa, ndokuvigwa mune rimwe remaguta aGiriyadhi.

Ibhuzani, naEroni, naAbhidhoni

8 Zvino shure kwake Ibhuzani weBheterehemu wakatonga Israeri.

9 Uye waiva nevanakomana makumi matatu; wakatumira kunze vanasikana makumi matatu, ndokupinzira vanakomana vake vanasikana makumi matatu vaibva kunze. Iye ndokutonga Israeri makore manomwe.

10 Zvino Ibhuzani wakafa ndokuvigwa paBheterehemu.

11 Zvino shure kwake Eroni muZebhuruni wakatonga Israeri; ndokutonga Israeri makore gumi.

12 Zvino Eroni muZebhuruni wakafa ndokuvigwa paAjaroni panyika yekwaZebhuruni.

13 Zvino shure kwake Abhidhoni mwanakomana waHireri muPiratoni wakatonga Israeri.

14 Iye waiva nevanakomana makumi mana nevazukurukomana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vari makumi manomwe; zvino wakatonga Israeri makore masere.

15 Zvino Abhidhoni mwanakomana waHireri muPiratoni wakafa, ndokuvigwa paPiratoni panyika yaEfuremu, panyika yezvikomo yevaAmareki.