ShonaTeam Joshua « 22 »

VaRubheni nevaGadhi nehafu yerudzi rwaManase vanoenda kunyika yavo

22Ipapo Joshua wakadana VaRubheni nevaGadhi nehafu yerudzi rwaManase,

2 ndokuti kwavari: Imwi makachengeta zvose Mozisi muranda waJehovha zvaakakurairai, nekuteerera kuinzwi rangu pane zvose zvandakakurairai.

3 Hamuna kusiya hama dzenyu mazuva awa mazhinji kusvika nhasi, asi makachengeta faniro yemurairo waJehovha Mwari wenyu.

4 Zvino ikozvino Jehovha Mwari wenyu wapa hama yenyu zororo, sezvaakataura kwavari; naizvozvo ikozvino dzokai imwi muende kumatende enyu kunyika yenhaka yenyu, Mozisi muranda waJehovha yaakakupai mhiri kwaJoridhani.

5 Asi chenjerai kwazvo kuita murairo nemutemo Mozisi muranda waJehovha waakakurairai, kuda Jehovha Mwari wenyu, nekufamba munzira dzake dzose, nekuchengeta mirairo yake, nekunamatira kwaari, nekumushumira nemoyo yenyu yose uye nemweya yeupenyu yenyu yose.

6 Zvino Joshua wakavaropafadza ndokuvaendesa; zvino vakaenda kumatende avo.

7 Zvino kuhafu yerudzi rwaManase Mozisi waiva apa nzvimbo muBhashani; asi kune imwe hafu yayo Joshua wakapa nzvimbo pamwe nehama dzavo mhiri kwaJoridhani nechekumavirazuva. Uyewo Joshua paakavaendesa kuenda kumatende avo, wakavaropafadza.

8 Zvino wakataura kwavari achiti: Dzokerai nefuma zhinji kumatende enyu, uye pamwe nemombe zhinji kwazvo, pamwe nesirivha, uye pamwe negoridhe, uye pamwe nendarira, uye pamwe nematare, uye pamwe nenguvo zhinji kwazvo; govanai nehama dzenyu zvakapambiwa zvevavengi venyu.

9 Zvino vana vaRubheni nevana vaGadhi nehafu yerudzi rwaManase vakadzoka, ndokubva pavana vaIsraeri paShiro iri munyika yeKenani kuenda kunyika yeGiriyadhi, kunyika yenhaka yavo mavakaitwa vagari venhaka zvichienderana nemurairo waJehovha neruoko rwaMozisi.

10 Vakati vasvika pamiganhu yaJoridhani iri munyika yeKenani, vana vaRubheni nevana vaGadhi nehafu yerudzi rwaManase vakavakapo aritari paJoridhani, aritari huru pakuona.

11 Zvino vana vaIsraeri vakanzwa kuchinzi: Tarirai, vana vaRubheni nevana vaGadhi nehafu yerudzi rwaManase vavaka aritari pakatarisana nenyika yeKenani, pamiganhu yeJoridhani, kurutivi rwevana vaIsraeri.

12 Vana vaIsraeri vakati vachinzwa, ungano yose yevana vaIsraeri yakaunganira paShiro kukwira kwavari kuhondo.

13 Zvino vana vaIsraeri vakatuma kuvana vaRubheni uye kuvana vaGadhi uye kuhafu yerudzi rwaManase panyika yeGiriyadhi, Pinehasi mwanakomana waEriazari mupristi,

14 nemachinda gumi naye, muchinda umwe paimba imwe neimwe yababa kubva pamarudzi ose aIsraeri; umwe neumwe wavo ari musoro weimba yemadzibaba avo pazvuru zvaIsraeri.

15 Ivo vakasvika kuvana vaRubheni nekuvana vaGadhi nekuhafu yerudzi rwaManase kunyika yeGiriyadhi, ndokutaura navo vachiti:

16 Ndizvo zvinoreva ungano yose yaJehovha: Chii kudarika uku kwamakadarikira Mwari waIsraeri, muchitsauka nhasi pakutevera Jehovha, pakuzvivakira aritari, kuti mupandukire Jehovha nhasi?

17 Ko kuipa kwaPeori kudikisa kwatiri here, kwatisati tacheneswa kwakuri kusvika nhasi, kunyange pakava nedambudziko pakati peungano yaJehovha,

18 kuti imwi mutsauke nhasi pakutevera Jehovha? Kuchati kana imwi muchipandukira Jehovha nhasi, mangwana achatsamwira ungano yose yaIsraeri.

19 Asi zvirokwazvo kana nyika yenhaka yenyu isina kuchena, imwi yambukirai kunyika yenhaka yaJehovha, pagere tabhenakeri yaJehovha, muzviwanire nhaka pakati pedu; asi musapandukira Jehovha uye musatipandukira pakuzvivakira aritari kunze kwearitari yaJehovha Mwari wedu.

20 Akani mwanakomana waZera haana kudarika here nekudarika pachinhu chakayereswa, kutsamwa kukava paungano yose yaIsraeri? Uye murume uyu haana kufa ari ega pakudarika kwake.

21 Ipapo vana vaRubheni nevana vaGadhi nehafu yerudzi rwaManase vakapindura ndokuti kumisoro yezvuru zvaIsraeri:

22 Mwari wevamwari, Jehovha Mwari wevamwari, Jehovha ndiye anoziva, naIsraeri ngaazive, kana kwaiva pakupanduka uye kana nekutsauka kuna Jehovha, musatiponesa nhasi,

23 kuti takazvivakira aritari, kutsauka pakutevera Jehovha; kana kuti takapa pamusoro payo chipo chinopiswa kana chipo chechidyiwa, kana kuita pamusoro payo zvipo zvekuyananisa, Jehovha amene ngaatsvake.

24 Asi kana tisina kuita chinhu ichi nekuchenjerera nyaya, tichiti: Mangwana vana venyu vachataura nevana vedu vachiti: Munei naJehovha Mwari waIsraeri?

25 Nokuti Jehovha wakaita Joridhani muganhu pakati pedu nemwi, imwi vana vaRubheni nevana vaGadhi; hamuna mugove pana Jehovha. Saizvozvo vana venyu vangaregesa vana vedu, kuti vasatya Jehovha.

26 Saka takati: Ngatizvigadzire ikozvino kuvaka aritari, isiri yezvipo zvinopiswa, uye isiri yekubaira;

27 asi chive chapupu pakati pedu nemwi nezvizvarwa zvedu shure kwedu kuti tishumire shumiro yaJehovha pamberi pake nezvipo zvinopiswa zvedu, uye nezvibairo zvedu, uye nezvipo zvekuyananisa zvedu, kuti vana venyu vasati kuvana vedu mangwana: Hamuna mugove kuna Jehovha.

28 Zvino takati: Zvichati pavachataura kwatiri nekuzvizvarwa zvedu mangwana, kuti tichati: Onai mufananidzo wearitari yaJehovha madzibaba edu yavakaita, isiri yezvipo zvinopiswa kana yechibairo; asi ive chapupu pakati pedu nemwi.

29 Ngazvive kure nesu kuti tipandukire Jehovha, nekutsauka nhasi pakutevera Jehovha, kuvaka aritari yezvipo zvinopiswa, yezvipo zvechidyiwa, neyechibairo, kunze kwearitari yaJehovha Mwari wedu iri pamberi petabhenakeri yake.

30 Pinehasi mupristi nemachinda eungano nemisoro yezvuru zvaIsraeri vaiva naye pavakanzwa mashoko vana vaRubheni nevana vaGadhi nevana vaManase avakataura, zvakava zvakanaka pameso avo.

31 Zvino Pinehasi mwanakomana waEriazari mupristi wakati kuvana vaRubheni nekuvana vaGadhi nekuvana vaManase: Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kudarika chitadzo ichi kuna Jehovha; ikozvino makasunungura vana vaIsraeri paruoko rwaJehovha.

32 Zvino Pinehasi mwanakomana waEriazari mupristi nemachinda vakadzoka kubva kuvana vaRubheni nekuvana vaGadhi panyika yeGiriyadhi vachienda kunyika yeKenani kuvana vaIsraeri, ndokuvadzosera shoko.

33 Zvino chinhu ichi chakava chakanaka pameso evana vaIsraeri; vana vaIsraeri ndokurumbidza Mwari; uye havana kutaura zvekukwira kwavari kuhondo, kuparadza nyika maiva mugere vana vaRubheni nevana vaGadhi.

34 Zvino vana vaRubheni nevana vaGadhi vakatumidza aritari kuti: Uchapupu pakati pedu, kuti Jehovha ndiMwari.