ShonaTeam Joshua « 17 »

Nhaka yaManase

17Kwakavawo nemujenya werudzi rwaManase, nokuti waiva dangwe raJosefa, waiva waMakiri dangwe raManase baba vaGiriyadhi, nokuti iye waiva munhu wehondo, naizvozvo wakava neGiriyadhi neBhashani.

2 Kwaivawo neyevakasara vevanakomana vaManase zvichienderana nemhuri dzavo, yevana vaAbhiezeri, neyevana vaHereki, neyevana vaAsirieri, neyevana vaShekemu, neyevana vaHeferi, neyevana vaShemidha. Ava vana vanhurume vaManase mwanakomana waJosefa zvichienderana nemhuri dzavo.

3 Asi Zerofehadhi mwanakomana waHeferi mwanakomana waGiriyadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase waiva asina vanakomana, asi vanasikana. Zvino awa mazita evanasikana vake: Mahira, naNowa, Hogira, Mirika, naTiriza.

4 Zvino vakaswedera pamberi paEriazari mupristi nepamberi paJoshua mwanakomana waNuni nepamberi pemachinda vachiti: Jehovha wakaraira Mozisi kutipa nhaka pakati pehama dzedu. Zvino wakavapa zvichienderana nemurairo waJehovha nhaka pakati pehama dzababa vavo.

5 Naizvozvo kwakawira mijenya gumi kuna Manase, kunze kwenyika yeGiriyadhi neBhashani dziri mhiri kwaJoridhani.

6 Nokuti vanasikana vaManase vakagara nhaka pakati pevanakomana vake. Uye nyika yeGiriyadhi yaiva yevakasara vevanakomana vaManase.

7 Zvino muganhu waManase waiva kubva paAsheri kuenda kuMikimetati riri pamberi peShekemu; muganhu ndokuenderera kurudyi, kusvika kuvagari veEni-Tapua.

8 Nyika yeTapua yakava kuna Manase; asi Tapua pamuganhu waManase yakava kuvana vaEfuremu.

9 Zvino muganhu wakaburukira kurwizi Kana nechekuchamhembe kwerwizi. Maguta awa ndeaEfuremu pakati pemaguta aManase. Uye muganhu waManase waiva kumaodzanyemba kwerwizi; uye kubuda kwawo kwaiva pagungwa.

10 Kuchamhembe yaiva yaEfuremu, uye kumaodzanyemba yaiva yaManase; uye gungwa waiva muganhu wake; uye kuna Asheri vaisangana kumaodzanyemba, nekuna Isasikari kumabvazuva.

11 Nokuti kuna Isasikari nekuna Asheri Manase waiva neBheti-Sheani nemisha yaro, neIbhireami nemisha yaro, nevagari veDhori nemisha yaro, nevagari veEndori nemisha yaro, nevagari veTaanaki nemisha yaro, nevagari veMegidho nemisha yaro: Nzvimbo nhatu dzezvikomo.

12 Asi vana vaManase vaiva vasingagoni kudzinga panhaka yemaguta iwawo; asi vaKenani vaida kugara panyika iyo.

13 Zvino zvakaitika vana vaIsraeri pavakava vane simba, kuti vakabatisa vaKenani chibharo, asi havana kuvadzinga zvachose.

14 Zvino vana vaJosefa vakataura naJoshua vachiti: Makatipirei mujenya umwe nemugove umwe kuva nhaka, zvandiri rudzi rukuru, Jehovha sezvaakandiropafadza kusvika pano?

15 Joshua ndokuti kwavari: Kana uri rudzi rukuru, zvikwirire kudondo, unozvitemerapo panyika yevaPerezi neyevaRefaimu, kana gomo reEfuremu rakamanikana kwauri.

16 Zvino vana vaJosefa vakati: Chikomo hachitikwaniri, uye vaKenani vose vanogara munyika yemupata vane ngoro dzematare, nevari paBheti-Sheani nemisha yaro, nevari mumupata weJezireeri.

17 Zvino Joshua wakataura kune veimba yaJosefa, kuna Efuremu nekuna Manase achiti: Uri rudzi rukuru, uye une simba guru; haungavi nemujenya umwe chete;

18 asi gomo richava rako, nokuti idondo, ucharitema; uye kubuda kwaro kuve kwako; nokuti uchadzinga vaKenani kunyange vane ngoro dzematare, kunyange vane simba.