ShonaTeam Joshua « 12 »

Madzimambo akakundwa naIsraeri

12Zvino awa madzimambo enyika, vana vaIsraeri avakarova ndokugara nhaka yenyika yavo mhiri kwaJoridhani kunobuda nezuva, kubva pamupata weArinoni kusvika pagomo reHerimoni, nebani rose kumabvazuva:

2 Sihoni mambo wevaAmori, waigara paHeshibhoni, waitonga kubva paAroeri riri pamahombekombe erwizi Arinoni, uye pakati perwizi, nehafu yeGiriyadhi, kusvikawo kurwizi Jabhoki, mucheto wevana vaAmoni,

3 uye bani kusvika kugungwa reKineroti kumabvazuva, uye kusvika pagungwa rebani, gungwa remunyu kumabvazuva, nzira yeBheti-Jeshimoti, uye kubva kuchamhembe pazasi peAshidhodhi-Pisiga.

4 Nemuganhu waOgi mambo weBhashani, wevakasiiwa vevaRefaimu vaigara paAshitaroti nepaEdhirei,

5 wakatonga pagomo reHerimoni nepaSarika nepaBhashani rose, kusvika kumuganhu wevaGeshuri nevaMaakati, nehafu yeGiriyadhi, muganhu waSihoni, mambo weHeshibhoni.

6 Mozisi muranda waJehovha nevana vaIsraeri vakavarova. Mozisi muranda waJehovha ndokuipa VaRubheni, nevaGadhi, nehafu yerudzi rwaManase, kuti ive yavo.

7 Zvino awa madzimambo enyika Joshua nevana vaIsraeri yavakarova mhiri kwaJoridhani kumavirazuva, kubva paBhaari-Gadhi mumupata weRebhanoni, kusvika pagomo reHaraki rinokwira kuSeiri; Joshua yaakapa kumarudzi aIsraeri kuva nhaka zvichienderana nekuparadzaniswa kwavo.

8 Panyika yezvikomo, nemumupata, nemumapani, nemuzvitubu, nemurenje, nekuchamhembe: VaHiti, vaAmori, nevaKenani, vaPerezi, vaHivhi, nevaJebhusi:

9 Mambo weJeriko, umwe; mambo weAi, padivi peBheteri, umwe;

10 mambo weJerusarema, umwe; mambo weHebhuroni, umwe;

11 mambo weJarimuti, umwe; mambo weRakishi, umwe;

12 mambo weEgironi, umwe; mambo weGezeri, umwe;

13 mambo weDhebhiri, umwe; mambo Gedheri, umwe;

14 mambo weHorima, umwe; mambo weAradhi, umwe;

15 mambo weRibhina, umwe; mambo weAdhuramu, umwe;

16 mambo weMakedha, umwe; mambo weBheteri, umwe;

17 mambo weTapua, umwe; mambo weHeferi, umwe;

18 mambo weAfeki, umwe; mambo weRasharoni, umwe;

19 mambo weMadhoni, umwe; mambo weHazori, umwe;

20 mambo weShimironi-Meroni, umwe; mambo weAkishafi, umwe;

21 mambo weTaanaki, umwe; mambo weMegidho, umwe;

22 mambo weKedheshi, umwe; mambo weJokineamu paKarimeri, umwe;

23 mambo weDhori pamuganhu weDhori, umwe; mambo weGoimi paGirigari, umwe;

24 mambo weTiriza, umwe. Madzimambo ose aiva makumi matatu neumwe.