ShonaTeam Deuteronomy « 31 »

Joshua anofanira kutevera Mozisi

31Zvino Mozisi wakaenda ndokutaura mashoko awa kuna Israeri wose,

2 ndokuti kwavari: Ndine makore zana nemakumi maviri nhasi; handichagonizve kubuda nekupinda; zvino Jehovha wakati kwandiri: Haungayambuki Joridhani urwu.

3 Jehovha Mwari wako ndiye achayambuka mberi kwako; ndiye achaparadza marudzi awa kubva pamberi pako, uye uchaagara nhaka; Joshua ndiye achayambuka pamberi pako, Jehovha sezvaakataura.

4 Zvino Jehovha achaita kwavari sezvaakaita kuna Sihoni nekuna Ogi madzimambo evaAmori, nekunyika yavo, vaakaparadza.

5 Zvino Jehovha achavapa pamberi pechiso chenyu, kuti muite kwavari zvichienderana nemurairo wose wandakakurairai.

6 Simbai, uye tsungai, musatya kana kuvhunduswa pamberi pezviso zvavo; nokuti Jehovha Mwari wako ndiye anoenda newe; haangakurasi kana kukusiya.

7 Zvino Mozisi wakadana kuna Joshua ndokuti kwaari pameso aIsraeri wose: Simba uye tsunga, nokuti iwe uchapinda nevanhu ava panyika Jehovha yaakapikira madzibaba avo kuvapa, uye iwe uchavagarisa nhaka iyo.

8 NaJehovha ndiye anofamba mberi kwako; iye achava newe; haangakurasi uye haangakusii; usatya uye usavhunduswa.

Murairo unofanira kuverengwa pakupera kwemakore manomwe

9 Zvino Mozisi wakanyora murairo uyu ndokuupa kuvapristi vanakomana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, nekuvakuru vose vaIsraeri.

10 Zvino Mozisi wakavaraira achiti: Pakupera kwemakore manomwe, panguva yakatarwa yegore resununguro, pamutambo wemisasa,

11 apo Israeri wose auya kuonekwa pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo yaachasarudza, uchaverenga murairo uyu pamberi paIsraeri wose munzeve dzavo.

12 Unganidza vanhu, varume, nevakadzi, nevanana, nemutorwa wako ari pakati pemasuwo ako, kuti vanzwe, uye kuti vadzidze, vagotya Jehovha Mwari wenyu, vachengetedze kuita mashoko ose emurairo uyu.

13 Uye vana vavo vasingazivi vanzwe, vagodzidza kutya Jehovha Mwari wenyu mazuva ose amuchagara panyika yamunoyambuka Joridhani kuenda kwairi kunoigara nhaka.

VaIsraeri vachatsauka panzira dzaJehovha

14 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tarira, mazuva ako ekufa aswedera; dana Joshua mugozvimisa mutende rekusangana, kuti ndimuraire. Mozisi naJoshua ndokuenda ndokuzvimisa mutende rekusangana.

15 Jehovha ndokuonekwa mutende mushongwe yegore; zvino shongwe yegore yakamira pamusoro pemukova wetende.

16 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tarira, ucharara nemadzibaba ako; zvino vanhu ava vachasimuka ndokufeva vachitevera vamwari vevatorwa venyika kwavanoendamo pakati pavo; uye vachandisiya nekuputsa sungano yangu yandakaita navo.

17 Zvino kutsamwa kwangu kuchavapfutira nezuva iro; uye ndichavasiya nekuvavanzira chiso changu, vachava zvekudya, nezvakaipa zvizhinji nematambudziko zvichavawira; kusvika vati nezuva iro: Zvakaipa izvi hazvina kutiwira nokuti Mwari wedu haasi pakati pedu here?

18 Zvino ini ndichavanza chiso changu zvirokwazvo nezuva iro nekuda kwezvakaipa zvose zvavakaita, nokuti vakatsaukira kune vamwe vamwari.

19 Naizvozvo ikozvino zvinyorerei rwiyo urwu, murwudzidzise kuvana vaIsraeri, murwuise mumuromo mavo, kuti rwiyo urwu rwuve uchapupu kwandiri hwakamirisana nevana vaIsraeri.

20 Nokuti ndavapinza panyika yandakapikira madzibaba avo, inoyerera mukaka neuchi, zvino vadya ndokuguta, vakorawo, zvino vachatsaukira kune vamwe vamwari ndokuvashumira, ndokundizvidza nekuputsa sungano yangu.

21 Zvino zvichaitika kana zvakaipa zvizhinji nematambudziko zvavawira, kuti rwiyo urwu rwuchapupura kuzviso zvavo kuva chapupu; nokuti harwungakanganikwi kubva pamuromo wembeu yavo, nokuti ndinoziva murangariro wavanoita nhasi ndisati ndavapinza munyika yandinopikira.

22 Zvino Mozisi wakanyora rwiyo urwu nezuva iro, ndokurwudzidzisa vana vaIsraeri.

23 Zvino wakaraira Joshua mwanakomana waNuni ndokuti: Simba, utsunge, nokuti iwe uchapinza vana vaIsraeri panyika yandakavapikira; neni ndichava newe.

24 Zvino zvakaitika Mozisi apedza kunyora mashoko emurairo uyu mubhuku, kusvika apera,

25 kuti Mozisi wakaraira vaRevhi vaitakura areka yesungano yaJehovha achiti:

26 Torai bhuku iri remurairo, muriise parutivi rweareka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, kuti rivepo kuva uchapupu hwakamirisana newe.

27 Nokuti ini ndinoziva upanduki hwako, nemutsipa wako mukukutu; tarirai, ini ndichiri mupenyu pamwe nemwi nhasi, manga muri vapanduki kuna Jehovha; zvino zvikuru shure kwekufa kwangu!

28 Ndiunganidzire vakuru vose vemarudzi enyu nevatungamiriri venyu, kuti nditaure mashoko awa munzeve dzavo, uye ndidane matenga nepasi kuva zvapupu zvakamirisana navo.

29 Nokuti ndinoziva kuti shure kwekufa kwangu muchava vakaora kwazvo uye muchatsauka panzira yandinokurairai; uye kuipa kuchakuwira pakuguma kwemazuva; nokuti muchaita zvakaipa pameso aJehovha kuti mumutsamwise nebasa remaoko enyu.

30 Zvino Mozisi wakataura mashoko erwiyo urwu munzeve dzeungano yose yaIsraeri, kusvika apera.