ShonaTeam Deuteronomy « 20 »

Mirairo yehondo

20Paunobudira kuhondo wakamirisana nevavengi vako, ndokuona mabhiza nengoro, vanhu vakawanda kukupfuura, usavatya; nokuti Jehovha Mwari wako anewe, wakakukwidza kubva panyika yeEgipita.

2 Zvino zvichaitika pamunoswedera kuhondo, kuti mupristi achaswedera ndokutaura nevanhu,

3 ndokuti kwavari: Inzwa Israeri, mava kuswedera kuhondo nhasi kurwa nevavengi venyu; moyo yenyu ngairege kupera simba; musatya, uye musadedera, uye musavhunduka nekuda kwekuvapo kwavo.

4 Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anoenda nemwi, kukurwirai pavavengi venyu, kukuponesai.

5 Nevakuru vachataura nevanhu vachiti: Ndiani munhu anovaka imba itsva akarega kuisuma? Ngaaende adzokere kumba kwake, zvimwe angafira muhondo, umwe munhu ndokuisuma.

6 Uye ndiani munhu wakadzvara munda wemizambiringa akasadya pauri? Ngaaende adzokere kumba kwake, zvimwe angafira muhondo, umwe munhu ndokudya pauri.

7 Uye ndiani munhu wakapfimba mukadzi uye asati amutora? Ngaaende adzokere kumba kwake, zvimwe angafira muhondo, umwe munhu ndokumutora.

8 Uye vakuru vachataurazve kuvanhu ndokuti: Ndiani munhu anotya uye anopera simba pamoyo? Ngaaende adzokere kumba kwake, zvimwe moyo wehama dzake upererwewo nesimba semoyo wake.

9 Zvino zvichaitika panopedza vakuru kutaura kuvanhu, kuti vachagadza vatungamiriri vehondo pamisoro yevanhu.

10 Kana uchiswedera paguta kurwisana naro, ipapo uchariparidzira rugare.

11 Zvino zvichaitika kana rikakupindura nerugare, ndokukuzarurira, ipapo zvichaitika kuti vanhu vose vanowanikwa mariri vachava vateri kwauri, uye vachakushandira.

12 Zvino kana rikasaita rugare newe, asi vachiita hondo newe, ipapo ucharikomba.

13 Kana Jehovha Mwari wako akarikumikidza muruoko rwako, ucharova munhurume umwe neumwe waro nekwakapinza kwemunondo.

14 Asi vanhukadzi nevanana nemombe, nezvose zviri muguta, zvakapambiwa zvaro zvose, uchazvitapira; uye uchadya zvakapambiwa zvevavengi vako, Jehovha Mwari wako zvaanokupa.

15 Uchaita saizvozvo kumaguta ose ari kure kwazvo newe, asiri emaguta awa emarudzi awa.

16 Asi pamaguta evanhu ava, Jehovha Mwari wako aanokupa kuva nhaka, haangaregi chipi nechipi chinofema chichirarama.

17 Asi uchavaparadza kwazvo, vaHiti, nevaAmori, nevaKenani, nevaPerezi, vaHivhi, nevaJebhusi; Jehovha Mwari wako sezvaakakuraira;

18 kuti vasakudzidzisai kuita sezvose zvinyangadzo zvavo zvavakaitira vamwari vavo; kuti mutadzire Jehovha Mwari wenyu.

19 Kana ukakomba guta mazuva mazhinji, uchirwa naro kuritora, haungaparadzi miti yaro nekubaira sanhu pairi; nokuti ungadya pairi, uye haungaitemi (nokuti muti wemusango ndewevanhu) kuuya pamberi pako pakukomba.

20 Koga miti yaunoziva kuti haisi miti yekudya, ndiyo yauchaparadza nekuitema kuti uvake mhanda dzekukombesa wakanangana neguta raunoita hondo naro kusvika rawira pasi.