ShonaTeam Deuteronomy « 19 »

Maguta eutiziro

19Jehovha Mwari wako paanoparadza marudzi, nyika yavo Jehovha Mwari wako yaanokupa, iwe wavagara nhaka, ndokugara mumaguta avo nemudzimba dzavo;

2 maguta matatu uchazvitsaurira pakati penyika yako Jehovha Mwari wako yaanokupa kuigara nhaka.

3 Uchazvigadzirira nzira, ndokuganhura muganhu wenyika yako Jehovha Mwari wako yaanokupa kuigara nhaka, kuita migove mitatu, kuti muurayi umwe neumwe atizireko.

4 Zvino iyi inyaya yemuurayi angatizirako kuti ararame: Uyo anouraya wekwake nekusaziva, uye asina kumuvenga zuro namarimwezuro.

5 Semunhu anoenda newekwake musango kunotema huni, uye ruoko rwake ndokurova nedemo kugura muti, dare ndokuvhomoka pamupinyi, ndokurova umwe wake zvekuti afe; iye achatizira kune rimwe remaguta awa, ararame.

6 Zvimwe mutsivi weropa angadzingirira shure kwemuurayi, moyo wake uchapisa, ndokumubata nokuti nzira irefu, ndokumurova upenyu; zvakadaro wanga asina mutongo werufu, nokuti waiva asina kumuvenga zuro namarimwezuro.

7 Naizvozvo ndinokuraira ndichiti: Uchazvitsaurira maguta matatu.

8 Zvino kana Jehovha Mwari wako achikurisa muganhu wako, sezvaakapikira madzibaba ako, ndokukupa nyika yose yaakavimbisa kupa madzibaba ako,

9 kana ukachengeta murairo uyu wose kuuita, wandinokuraira nhasi, kuda Jehovha Mwari wako, nekufamba munzira dzake mazuva ose; ipapo uchazviwedzerera amwe maguta matatu kune awa matatu;

10 kuti ropa risina mhosva risateurwa pakati penyika yako Jehovha Mwari wako yaanokupa kugara nhaka, mhosva yeropa ndokuva pamusoro pako.

11 Asi kana munhu achivenga wekwake, ndokumuvandira, ndokumumukira, ndokumurova upenyu kusvika afa, ndokutizira kune rimwe remaguta awa;

12 ipapo vakuru veguta rake vachatuma munhu ndokumutorako, ndokumukumikidza muruoko rwemutsivi weropa, kuti afe.

13 Ziso rako haringamunzwiri tsitsi, asi uchabvisa ropa reasina mhosva kwaIsraeri, kuti zvikunakire.

14 Usafuzhura hoko yemuganhu wewekwako, vekare yavakarovera, panhaka yako yauchagara nhaka, panyika Jehovha Mwari wako yaanokupa kuigara nhaka.

15 Chapupu chimwe hachingamukiri munhu pane chipi nechipi chakaipa uye pachivi chipi nechipi muchivi chipi nechipi chaanotadza; nemuromo wezvapupu zviviri kana nemuromo wezvapupu zvitatu nyaya inosimbiswa.

16 Kana chapupu chakaipa chikasimukira munhu kumupupurira zvakaipa,

17 ipapo varume vaviri ava vane kupokana vachamira pamberi paJehovha, pamberi pevapristi nevatongi, vachavapo nemazuva iwawo.

18 Zvino vatongi vachaongorora kwazvo; zvino tarira, chapupu icho chapupu chenhema, wakapupurira wekwake nhema,

19 ipapo muchamuitira iye sezvaakafunga kuitira wekwake; saizvozvo uchabvisa chakaipa kubva pakati pako.

20 Zvino vanosara vachanzwa uye vachatya, vagosawedzerazve kuita chakaipa chakadai pakati pako.

21 Zvino ziso rako risanzwira tsitsi: Upenyu neupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruoko neruoko, rutsoka nerutsoka.