ShonaTeam Deuteronomy « 4 »

Mozisi anovaraira kuchengeta mirairo yaJehovha

4Zvino ikozvino, Israeri, inzwa zvimiso nemitongo zvandinokudzidzisai kuzviita; kuti murarame, mupinde mugare nhaka yenyika Jehovha Mwari wemadzibaba enyu yaakakupai.

2 Hamungawedzeri pashoko randinokurairai, kana kutapudza pariri, kuti muchengete mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai.

3 Meso enyu ndiwo anoona zvakaita Jehovha nekuda kwaBhaari-Peori; nokuti munhu wose wakatevera Bhaari-Peori, Jehovha Mwari wenyu wakamuparadza kubva pakati penyu.

4 Asi imwi vakanamatira kuna Jehovha Mwari wenyu muri vapenyu mose nhasi.

5 Tarirai, ndakakudzidzisai zvimiso nemitongo, Jehovha Mwari wangu sezvaakandiraira, kuti muite saizvozvo mukati menyika yamunoenda kunoigara nhaka.

6 Naizvozvo zvichengetei nekuzviita; nokuti uchenjeri hwenyu nekunzwisisa kwenyu pameso endudzi dzichanzwa zvimiso zvose izvi, dzigoti: Zvirokwazvo rudzi urwu rukuru vanhu vakachenjera uye vanonzwisisa.

7 Nokuti nderwupi rudzi rukuru rwuna mwari uri pedo navo saJehovha Mwari wedu pakumudana kwedu kose?

8 Uye nderwupi rudzi rukuru rwune zvimiso nemitongo zvakarurama semurairo uyu wose wandinoisa pamberi penyu nhasi?

Kurangarirwa kwezvakaitika paHorebhu

9 Koga zvichenjererei, muchengetedze kwazvo mweya yeupenyu yenyu, zvimwe mukanganwe zvinhu meso enyu zvaakaona, uye zvimwe zvibve pamoyo wenyu mazuva ose eupenyu hwenyu. Uye muzvidzidzise vana venyu nevana vevana venyu;

10 zuva ramakamira naro pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, Jehovha paakati kwandiri: Ndiunganidzire vanhu ndigovanzwisa mashoko angu, kuti vadzidze kunditya mazuva ose avachararama panyika, vagodzidzisa vana vavo.

11 Zvino makaswedera, ndokumira pajinga pegomo; gomo ndokupfuta nemoto kusvika pakati pematenga, nerima, gore, nerima rinorema.

12 Zvino Jehovha wakataura nemwi kubva mukati memoto; mukanzwa inzwi remashoko, asi hamuna kuona chimiro; inzwi roga.

13 Zvino wakakuudzai pachena sungano yake, yaakakurairai kuti muiite, mirairo gumi; uye wakainyora pamahwendefa maviri emabwe.

Vana vaIsraeri vanorairwa kuti vasatadza

14 Zvino Jehovha wandiraira panguva iyo kukudzidzisai zvimiso nemitongo, kuti muzviite munyika yamunopfuurira kwairi kugara nhaka yayo.

15 Naizvozvo chenjerai kwazvo nekuda kwemweya yenyu, nokuti hamuna kuona chero chimiro pazuva Jehovha raakataura kwamuri paHorebhu ari mukati memoto;

16 zvimwe muzvitadzire ndokuzviitira chifananidzo chakavezwa, chimiro chemufananidzo upi neupi, chifananidzo chemunhurume kana chemunhukadzi,

17 chifananidzo chemhuka ipi neipi iri panyika, chifananidzo cheshiri ipi neipi ine mapapiro inobhururuka mumatenga,

18 chifananidzo chechipi nechipi chinokambaira pasi, chifananidzo chehove ipi neipi iri mumvura pasi penyika.

19 Uye zvimwe musimudzire meso enyu kumatenga, pamuchaona zuva nemwedzi nenyeredzi, hondo yose yekumatenga, mukwezvewe kuzvinamata nekuzvishumira, izvo Jehovha Mwari wenyu zvaakagovera ndudzi dzose pasi pematenga ose.

20 Asi imwi, Jehovha wakakutorai ndokukubudisai kubva muchoto chematare, kubva muEgipita, kuti muve kwaari vanhu venhaka, sanhasi.

21 Jehovha wakanditsamwirawo nekuda kwemashoko enyu, ndokupika kuti handingayambuki Joridhani, uye kuti handingapindi munyika iyo yakanaka, Jehovha Mwari wenyu yaanokupai kuva nhaka.

22 Nokuti ndichafira munyika ino; handisi kuyambuka Joridhani; asi imwi muchayambuka, mugogara nhaka yenyika iyo yakanaka.

23 Muzvichenjerere, zvimwe mungakanganwa sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakaita nemwi, mukazviitira chifananidzo chakavezwa, mufananidzo wechipi nechipi, Jehovha Mwari wako chaakakurambidza.

24 Nokuti Jehovha Mwari wako moto unoparadza, Mwari ane godo.

25 Pauchabereka vana nevana vevana, uye magara nguva refu panyika, uye mazvishatisa, ndokuita chifananidzo chakavezwa, mufananidzo wechipi nechipi, uye maita chakaipa pameso aJehovha Mwari wako, kuti mumutsamwise,

26 ndinodana matenga nepasi nhasi kuti zvikupupurirei, kuti muchaparara chose nekukurumidza kubva panyika yamunoyambukira Joridhani kuenda kwairi kuti ive nhaka yenyu; hamungarebesi mazuva pamusoro payo, nokuti muchaparadzwa zvekuparadzwa.

27 Zvino Jehovha achakuparadzirai pakati pendudzi, uye muchasara muri vashoma pauwandu pakati pendudzi Jehovha kwaanokudzingirai.

28 Zvino ipapo muchashumira vamwari, basa remaoko evanhu, matanda nemabwe, vasingaoni kana kunzwa kana kudya kana kunhuhwidza.

29 Asi muri ipapo kana mukatsvaka Jehovha Mwari wako, uchamuwana kana ukamutsvaka nemoyo wako wose uye nemweya weupenyu wako wose.

30 Paunenge uri mumatambudziko, zvinhu izvi zvose zvakuwana, pakupera kwemazuva, uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ugoteerera inzwi rake.

31 Nokuti Jehovha Mwari wako ndiMwari ane nyasha; haangakusii, uye haangakuparadzi, uye haangakanganwi sungano yemadzibaba ako, yaakavapikira.

32 Nokuti bvunzai henyu pamusoro pemazuva ekare, iwo aiva mberi kwenyu, kubva pazuva Mwari raakasika naro munhu panyika, kubva kune umwe mugumo wematenga kusvikawo kune umwe mugumo wematenga, kuti kwakava here nezvinhu zvakakura kudai, kana kwakanzwikwa zvakadaro?

33 Vanhu vakambonzwa here inzwi raMwari richitaura kubva mukati memoto, sezvamakanzwa imwi, vakararama?

34 Kana Mwari wakatongoidza kuenda kunozvitorera rudzi pakati perumwe rudzi, nemiedzo, nezviratidzo, uye nezvishamiso, uye nehondo, uye neruoko rwune simba, uye neruoko rwakatandavadzwa, uye nezvityiso zvikuru, sezvose Jehovha Mwari wenyu zvaakakuitirai muEgipita pamberi pemeso enyu here?

35 Iwe wakakuratidza, kuti uzive kuti Jehovha ndiMwari; hakuna umwe kunze kwake.

36 Wakakunzwisai inzwi rake kubva kumatenga kuti akudzidzise; nepanyika wakakuonesa moto wake mukuru; nemashoko ake wakamanzwa kubva mukati memoto.

37 Zvino nokuti wakada madzibaba ako, wakasarudza mbeu yavo shure kwavo, ndokukubudisa muEgipita pamberi pechiso chake nesimba rake guru,

38 kudzinga panhaka marudzi makuru uye ane simba kukupfuura pamberi pako, kukupinza, kukupa nyika yavo ive nhaka sanhasi.

39 Naizvozvo ziva nhasi, udzosere muhana yako kuti Jehovha ndiMwari kumatenga kumusoro nepanyika pasi; hakuna umwe.

40 Naizvozvo uchachengeta zvimiso zvake nemirairo yake yandinokuraira nhasi, kuti zvikunakire nevana vako shure kwako, uye kuti urebese mazuva panyika Jehovha Mwari wako yaanokupa mazuva ose.

Maguta eutiziro kumabvazuva kwaJoridhani

41 Ipapo Mozisi wakatsaura maguta matatu mhiri kwaJoridhani nechekumabvazuva,

42 ekutizirako kwemuurayi anouraya wekwake asina kuita maune, uye asingamuvengi zuro namarimwezuro; kuti atizire kune rimwe remaguta awa ararame:

43 Bhezeri murenje, munyika yemapani, rive revaRubheni; neRamoti paGiriyadhi, revaGadhi; neGorani paBhashani, revaManase.

44 Zvino uyu murairo Mozisi waakaisa pamberi pevana vaIsraeri.

45 Uhwu uchapupu nezvimiso nemitongo Mozisi zvaakataura kuvana vaIsraeri pakubuda kwavo muEgipita,

46 mhiri kwaJoridhani, mumupata pakatarisana neBheti-Peori, munyika yaSihoni mambo wevaAmori, waigara paHeshibhoni, Mozisi nevana vaIsraeri wavakarova pakubuda kwavo muEgipita.

47 Zvino vakagara nhaka yenyika yake, nenyika yaOgi mambo weBhashani, madzimambo maviri evaAmori, vaiva mhiri kwaJoridhani nechekumabvazuva;

48 kubva paAroeri riri pamahombekombe emupata weArinoni kusvikawo pagomo reSioni, ndiro Herimoni,

49 nemapani ose mhiri kwaJoridhani kumabvazuva kusvikawo pagungwa remupata, pajinga peAshidhodhi-Pisiga.