ShonaTeam Numbers « 32 »

Marudzi aRubheni naGadhi vanopiwa nhaka yavo mhiri kwaJoridhani

32Zvino vana vaRubheni nevana vaGadhi vaiva neuwandu ukuru-kuru hwemombe; pavakaona nyika yeJazeri nenyika yeGiriyadhi, zvino tarira, nzvimbo inzvimbo yemombe.

2 Naizvozvo vana vaGadhi nevana vaRubheni vakauya vakataura kuna Mozisi nekuna Eriazari mupristi nekumachinda eungano vachiti:

3 Ataroti neDhibhoni neJazeri neNimura neHeshibhoni neEreare neSebhami neNebho neBheoni,

4 nyika Jehovha dzaakarova pamberi peungano yaIsraeri, inyika yemombe; uye varanda venyu vane mombe.

5 Naizvozvo vakati: Kana takawana nyasha pameso enyu, nyika ino ngaipiwe kuvaranda venyu, ive yavo; musatiyambusa Joridhani.

6 Zvino Mozisi wakati kuvana vaGadhi nekuvana vaRubheni: Hama dzenyu dzichaenda kuhondo here, imwi mugogara pano?

7 Zvino munoodzerei moyo wevana vaIsraeri varege kuyambukira kunyika Jehovha yaakavapa?

8 Vakaita saizvozvo madzibaba enyu pandakavatuma kubva paKadheshi-Bharineya kunoona nyika.

9 Pavakakwira kumupata weEshikori ndokuona nyika, vakaodza moyo wevana vaIsraeri, kuti vasapinda munyika Jehovha yaaiva avapa.

10 Hasha dzaJehovha ndokupfuta nezuva iroro, zvino akapika achiti:

11 Zvirokwazvo varume vakakwira kubva muEgipita, kubva pamakore makumi maviri zvichikwira havachaoni nyika yandakapikira Abhurahama, Isaka, naJakove, nokuti havana kunditevera zvakakwana;

12 kunze kwaKarebhu, mwanakomana waJefune muKenizi, naJoshua, mwanakomana waNuni, nokuti vakatevera Jehovha zvakakwana.

13 Zvino hasha dzaJehovha dzakapfutira Israeri, ndokuvadzungairisa murenje makore makumi mana, kusvika raparadzwa zera rose raiva raita zvakaipa pameso aJehovha.

14 Zvino tarirai, mamuka panzvimbo yemadzibaba enyu, chizvarwa chevanhu vanotadza, kuwedzerazve kutsamwa kunopfuta kwaJehovha kuna Israeri.

15 Nokuti kana mukatsauka pakumutevera, achavasiyazve zvekare murenje; uye muchaparadza vanhu ava vose.

16 Zvino vakaswedera kwaari ndokuti: Tichavaka pano matanga ezvipfuwo zvedu, nemaguta evanana vedu;

17 asi isu tichazvigadzirira kurwa, takagadzirira pamberi pevana vaIsraeri, kusvika tavasvitsa kunzvimbo yavo; nevanana vedu vachagara mumaguta akashoshewa, nekuda kwevagari venyika.

18 Hatingadzokeri kumisha yedu kusvika vana vaIsraeri vagara nhaka, umwe neumwe nhaka yake.

19 Nokuti hatingagari nhaka pamwe navo mhiri kwaJoridhani nemberi; nokuti nhaka yedu yauya kwatiri nechekuno kwaJoridhani nechekumabvazuva.

20 Zvino Mozisi wakati kwavari: Kana mukaita chinhu ichi, kana mukashongera kurwa pamberi paJehovha,

21 uye mayambuka Joridhani umwe neumwe akashongera kurwa kwamuri, pamberi paJehovha, kusvika adzinga vavengi vake pamberi pake,

22 nyika ndokuiswa pasi pamberi paJehovha; ipapo pashure muchadzoka, mugova vasina mhosva kuna Jehovha nekuna Israeri; zvino nyika ino ichava nhaka yenyu pamberi paJehovha.

23 Asi kana musingaiti saizvozvo, tarirai munenge matadzira Jehovha; zivai kuti zvivi zvenyu zvichakuwanai.

24 Zvivakirei misha yevanana venyu, nematanga emakwai enyu; uye itai zvinobuda mumuromo menyu.

25 Zvino vana vaGadhi nevana vaRubheni vakataura kuna Mozisi vachiti: Varanda venyu vachaita sezvakaraira tenzi wangu.

26 Vanana vedu, vakadzi vedu, zvipfuwo zvedu, nemombe dzedu dzose zvichavapo mumaguta eGiriyadhi;

27 asi varanda venyu vachayambuka, umwe neumwe akashongera kurwa pamberi paJehovha kuhondo, sezvakataura tenzi wangu.

28 Naizvozvo Mozisi wakaraira pamusoro pavo Eriazari mupristi, naJoshua mwanakomana waNuni, nevakuru vemadzibaba emarudzi evana vaIsraeri.

29 Mozisi ndokuti kwavari: Kana vana vaGadhi nevana vaRubheni vakayambuka nemwi Joridhani, umwe neumwe wakashongera kurwa pamberi paJehovha, zvino nyika ikaiswa pasi pamberi penyu, ipapo muchavapa nyika yeGiriyadhi kuva yavo.

30 Asi kana vasingayambuki nemwi vakashongera kurwa, vachava nenhaka pakati penyu panyika yeKenani.

31 Zvino vana vaGadhi nevana vaRubheni vakapindura vachiti: Zvakareva Jehovha kuvaranda venyu, tichaita saizvozvo.

32 Isu tichayambuka takashongera kurwa pamberi paJehovha kunyika yeKenani, kuti fuma yenhaka yedu ive yedu nechekuno kwaJoridhani.

33 Zvino Mozisi wakavapa, ivo vana vaGadhi, nevana vaRubheni, nehafu yerudzi rwaManase mwanakomana waJosefa, ushe hwaSihoni mambo wevaAmori, neushe hwaOgi mambo weBhashani, nyika nemaguta ayo mumiganhu, maguta enyika yakapoteredza.

34 Zvino vana vaGadhi vakavaka Dhibhoni, neAtaroti, neAroeri,

35 neAtiroti-Shofani, neJazeri, neJogibheha,

36 neBheti-Nimura, neBheti-Harani, maguta akashoshewa, nematanga emakwai.

37 Zvino vana vaRubheni vakavaka Heshibhoni, neEreare, neKiriataimi,

38 neNebho, neBhaari-Meoni (kwashandurwa zita), neSibhima; vakatumidza mazita maguta avakavaka amwe mazita.

39 Zvino vana vaMakiri mwanakomana waManase vakaenda Giriyadhi, vakaritapa, ndokudzinga vaAmori vaiva mariri.

40 Mozisi ndokupa Makiri mwanakomana waManase Giriyadhi; iye ndokugaramo.

41 Zvino Jairi mwanakomana waManase wakaenda akatapa misha yavo, ndokuitumidza Havhoti-Jairi.

42 Zvino Nobha wakaenda akatapa Kenati, nemisha yaro, ndokuritumidza Nobha, nezita rake.