ShonaTeam Numbers « 17 »

Tsvimbo yaAroni

17Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Taura kuvana vaIsraeri, ugotora kubva kune umwe neumwe wavo tsvimbo zvichienderana neimba yemadzibaba, pamachinda avo ose zvichienderana neimba yemadzibaba avo, tsvimbo gumi nembiri. Nyora zita reumwe neumwe patsvimbo yake.

3 Zvino uchanyora zita raAroni patsvimbo yaRevhi; nokuti tsvimbo imwe ichava yemusoro weimba yemadzibaba avo.

4 Zvino uchadziisa mutende rekusangana pamberi pechipupuriro, pandinosangana nemwi.

5 Zvino zvichati tsvimbo yemurume wandichasarudza ichabuka, uye ndichagumisa kubva pandiri kugunun'una kwevana vaIsraeri kwavanokugunun'unirai nako.

6 Zvino Mozisi wakataura kuvana vaIsraeri; nemachinda ose avo akamupa tsvimbo, imwe tsvimbo kune umwe neumwe muchinda, zvichienderana nedzimba dzemadzibaba avo, tsvimbo gumi nembiri; netsvimbo yaAroni yaiva pakati petsvimbo dzavo.

7 Mozisi ndokuisa tsvimbo pamberi paJehovha mutende rechipupuriro.

8 Zvino kwakati chifume Mozisi wakapinda mutende rechipupuriro, zvino tarira, tsvimbo yaAroni yeimba yaRevhi yakabuka, ndokubudisa mabukira, ndokubudisa maruva, ndokubereka maarimondi*.

9 Zvino Mozisi wakabudisira tsvimbo dzose kubva pamberi paJehovha kuvana vaIsraeri vose; zvino vakatarira vakatora umwe neumwe tsvimbo yake.

10 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Dzosera tsvimbo yaAroni pamberi pechipupuriro, ichengeterwe chiratidzo kune vakandipandukira; kuti upedze kugunun'una kwavo kwandiri, kuti vasafa.

11 Zvino Mozisi wakaita Jehovha sezvaakamuraira, ndizvo zvaakaita.

12 Zvino vana vaIsraeri vakataura kuna Mozisi vachiti: Tarira, tofa, topera, topera tose.

13 Umwe neumwe anoswedera, anoswedera kutabhenakeri yaJehovha achafa; tichapera kufa kanhi?