ShonaTeam Numbers « 15 »

Mirairo yezvipiriso

15Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Pamunosvika munyika yeugaro hwenyu, yandinopa kwamuri,

3 mochiita chipo chemoto kuna Jehovha, chipo chinopiswa, kana chibairo chekuzadzisa mhiko, kana pachipo chekuzvidira, kana pamitambo yenyu yakamiswa, kuita hwema hunonhuhwira kuna Jehovha, zvinobva pamombe kana pamakwai,

4 zvino iye anopa chipo chake kuna Jehovha ngaauye nechipo chechidyiwa chechegumi cheefa yeupfu hwakakanyiwa nechechina chehini yemafuta.

5 Nechechina chehini yewaini yechipo chechinwiwa uchazvigadzira nechipo chinopiswa kana chechibairo, chegwayana rimwe.

6 Kana chegondohwe uchagadzira chipo chechidyiwa, zvegumi zviviri zveupfu hwakakanyiwa nechetatu chehini yemafuta.

7 Nechechipo chechinwiwa uchapa chetatu chehini yewaini, zvive hwema hunonhuhwira kuna Jehovha.

8 Zvino kana uchigadzira nzombe diki kuva chipo chinopiswa kana chibairo chekuzadzisa mhiko, kana zvipo zvekuyananisa kuna Jehovha,

9 zvino achapa nenzombe diki chipo chechidyiwa chezvegumi zvitatu zveupfu hwakakanyiwa nehafu yehini yemafuta.

10 Zvino iwe uchauisa hafu yehini yewaini yechipo chechinwiwa, chipo chemoto, chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.

11 Zvichaitwa saizvozvo panzombe diki imwe, kana kugondohwe rimwe, kana kumbudzana pakati pemakondohwe kana pakati pemakwai.

12 Zvichienderana neuwandu hwamuchagadzira, muchaita saizvozvo kune chimwe nechimwe zvichienderana neuwandu hwazvo.

13 Vose vanoberekerwa munyika vachaita zvinhu izvi nemutoo uyu, pakupa chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.

14 Zvino kana mweni ari mutorwa pakati penyu, kana ari pakati penyu kusvika kumazera enyu achipa chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha, sezvamunoita, achaita saizvozvo.

15 Kuchava nechimiso chimwe kwamuri cheungano nechemweni agere semutorwa, chimiso nekusingaperi pamazera enyu; sezvamuri mutorwa achava saizvozvo pamberi paJehovha.

16 Murairo umwe netsika imwe zvichava zvenyu nezvemweni agere nemwi semutorwa.

17 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

18 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Kana masvika kunyika yandinokuisai kwairi,

19 zvino zvichava kuti kana muchidya zvekudya zvenyika iyi, muchapa chipo chinosimudzwa kuna Jehovha.

20Pane zvekutanga zvemukanyiwa wenyu muchapa keke chive chipo chinosimudzwa; sechipo chinosimudzwa cheburiro, saizvozvo muchachisimudza.

21 Pane zvekutanga zvemukanyiwa wenyu ipai kuna Jehovha chipo chinosimudzwa pamazera enyu.

22 Zvino kana makakanganisa, uye mukasaita mirairo iyo yose, Jehovha yaakataura kuna Mozisi,

23 zvose Jehovha zvaakakurairai neruoko rwaMozisi, kubva pazuva Jehovha raakaraira uye zvichienda mberi pamazera enyu,

24 zvino zvichava kana zvaitwa nekusaziva pasiri pameso eungano, kuti ungano yose ichapa nzombe imwe diki mhuru yemombe ive chipo chinopiswa, ive hwema hunonhuhwira kuna Jehovha, pamwe nechipo chayo chechidyiwa, uye nechipo chacho chechinwiwa, zvichienderana netsika, nembudzana imwe yembudzi ive chipo chezvivi.

25 Zvino mupristi achaitira ungano yose yevana vaIsraeri chiyananiso, uye vachazvikanganwirwa; nokuti kusaziva, uye ivo vachauya nechipo chavo, chipo chemoto kuna Jehovha, nechipo chavo chezvivi pamberi paJehovha, nekuda kwekusaziva kwavo.

26 Zvino zvichakanganwirwa ungano yose yevana vaIsraeri, nemweni agere semutorwa pakati pavo, vanhu vose zvavari mukusaziva.

27 Zvino kana mweya weupenyu umwe neumwe ukatadza nekusaziva, zvino achauya nesheche yembudzi yegore rimwe ive chipo chezvivi.

28 Zvino mupristi achaitira mweya weupenyu uyu wakatadza nekusaziva chiyananiso paakatadza nekusaziva pamberi paJehovha, kumuitira chiyananiso; uye achakanganwirwa.

29 Muchava nemurairo umwe pamusoro peaita chivi nekusaziva, wakaberekerwa panyika pakati pevana vaIsraeri newemweni agere semutorwa pakati pavo.

30 Asi mweya weupenyu unoita maune, kubva kune wakaberekerwa panyika kana kubva pamweni, iyeye akatuka Jehovha; mweya weupenyu uyo uchagurwa kubva pakati pevanhu vekwake.

31 Nokuti wakazvidza shoko raJehovha, ndokuputsa murairo wake; mweya weupenyu uyu uchagurwa kwazvo; kuipa kwake kuri pamusoro pake.

Munhu akadarika murairo wesabata anourawa

32 Zvino vana vaIsraeri vachiri murenje, vakawana munhu achiunganidza tsotso nezuva resabata.

33 Zvino avo vakamuwana achiunganidza tsotso vakamuisa kuna Mozisi nekuna Aroni nekuungano yose.

34 Zvino vakamuisa muchitokisi, nokuti kwaiva kusina kurehwa kuti achaitwei.

35 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Munhu uyu zvirokwazvo achaurawa; ungano yose ichamutaka nemabwe kunze kwemusasa.

36 Zvino ungano yose yakamuunza kusvika kunze kwemusasa, ndokumutaka nemabwe, iye ndokufa, Jehovha sezvaaiva araira Mozisi.

Chiratidzo chinofanira kuiswa panguvo dzavo

37 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

38 Taura kuvana vaIsraeri, uvaudze kuti vazviitire chaka pamakona* enguvo dzavo, pamazera avo, uye kuti vaise pachaka yemakona rwonzi rweruvara rwedenga.

39 Uye chichava kwamuri chaka kuti muitarire, mugorangarira mirairo yose yaJehovha, ndokuiita; kuti murege kutsvaka muchitevera moyo yenyu muchitevera meso enyu, kwamateverera upombwe;

40 kuti murangarire nekuita mirairo yangu yose, mugova vatsvene kuna Mwari wenyu.

41 Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeEgipita kuva Mwari wenyu; ndini Jehovha Mwari wenyu.