ShonaTeam Numbers « 3 »

Vanakomana vaAroni

3Awawo marudzi aAroni naMozisi pazuva Jehovha raakataura naMozisi mugomo reSinai.

2 Zvino awa mazita evanakomana vaAroni: Dangwe Nadhabhi, naAbhihu, Eriazari, naItamari.

3 Awa mazita evanakomana vaAroni, vapristi vakazodzwa, vaakatsaurira kushumira paupristi.

4 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pamberi paJehovha pavakapa moto usingazikanwi pamberi paJehovha murenje reSinai; uye vaiva vasina vana. Naizvozvo Eriazari naItamari vakashumira paupristi pamberi paAroni baba vavo.

5 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

6 Swededza rudzi rwaRevhi, uvaise pamberi paAroni mupristi, kuti vamushandire.

7 Zvino vachachengetedza faniro yake nefaniro yeungano yose pamberi petende rekusangana kuita ushumiri hwetabhenakeri.

8 Zvino vachachengeta nhumbi dzose dzetende rekusangana nefaniro yevana vaIsraeri, kuita ushumiri hwetabhenakeri.

9 Zvino uchapa vaRevhi kuna Aroni nevanakomana vake; vakapiwa chose kwaari kubva pavana vaIsraeri.

10 Zvino uchagadza Aroni nevanakomana vake, uye vachachengetedza upristi hwavo; uye mweni anoswedera achaurawa.

11 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

12 Neni, tarira, ndakatora vaRevhi kubva pakati pevana vaIsraeri panzvimbo yematangwe ose anotanga kuzarura chizvaro kubva pakati pevana vaIsraeri. Naizvozvo vaRevhi ndevangu;

13 nokuti dangwe rose nderangu; nezuva randakauraya dangwe rose panyika yeEgipita, ndakazvitsaurira dangwe rose muIsraeri, kubva kumunhu kusvika kumhuka; achava angu; ndini Jehovha.

14 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi murenje reSinai achiti:

15 Verenga vana vaRevhi zvichienderana neimba yemadzibaba avo, nemhuri dzavo; munhurume umwe neumwe kubva pamwanakomana wemwedzi zvichikwira, uchavaverenga.

16 Naizvozvo Mozisi wakavaverenga zvichienderana neshoko raJehovha sezvaakarairwa.

17 Zvino ava vaiva vanakomana vaRevhi nemazita avo: Gerishoni, naKohati, naMerari.

18 Zvino awa mazita evanakomana vaGerishoni nemhuri dzavo: Ribhini naShimei.

19 Zvino vanakomana vaKohati nemhuri dzavo: Amiramu, naIzihari, Hebhuroni, naUziyeri.

20 Nevanakomana vaMerari nemhuri dzavo: Mahiri naMushi. Idzi imhuri dzevaRevhi zvichienderana neimba yemadzibaba avo.

21 KwaGerishoni kwaiva nemhuri yevaRibhini uye mhuri yevaShimei; idzi imhuri dzevaGerishoni.

22 Vakaverengwa vavo, zvichienderana neuwandu hwevanhurume vose kubva pamwanakomana wemwedzi zvichikwira, vakaverengwa vavo zvuru zvinomwe nemazana mashanu.

23 Mhuri dzevaGerishoni dzichadzika matende shure kwetabhenakeri nechekumavirira.

24 Zvino mutungamiriri weimba yababa vevaGerishoni achava Eriasafi mwanakomana waRaeri.

25 Zvino faniro yevanakomana vaGerishoni mutende rekusangana ichava tabhenakeri, netende, chifukidzo chayo, nechiremberedzwa chemukova wetende rekusangana.

26 Nezviremberedzwa zvechivanze, neketeni remukova wechivanze, riri patabhenakeri uye paaritari kupoteredza, nemabote ayo, zvemabasa ayo ose.

27 Zvino kwaKohati mhuri yevaAmiramu, nemhuri yevaIzihari, nemhuri yevaHebhuroni, nemhuri yevaUziyeri. Idzi imhuri dzevaKohati.

28 Pauwandu hwevanhurume vose kubva pamwanakomana wemwedzi zvichikwira hwaiva zvuru zvisere nemazana matanhatu, vachichengetedza faniro yeimba tsvene.

29 Mhuri dzevanakomana vaKohati dzichadzika matende kurutivi rwetabhenakeri nechekuchamhembe.

30 Zvino mutungamiriri weimba yababa vemhuri dzevaKohati achava Erizafani mwanakomana waUziyeri.

31 Zvino faniro yavo iareka, netafura, nechigadziko chemwenje, nemaaritari, nemidziyo yeimba tsvene dzavanoshumira nadzo, nechiremberedzwa, neshumiro yazvo yose.

32 Zvino mutungamiriri wevatungamiriri vevaRevhi, anoona pamusoro pevanochengeta faniro yeimba tsvene, achava Eriazari mwanakomana waAroni mupristi.

33 KwaMerari kwaiva nemhuri yevaMahari nemhuri yevaMushi; idzi imhuri dzaMerari.

34 Zvino vakaverengwa vavo zvichienderana neuwandu hwevanhurume vose kubva pamwanakomana wemwedzi zvichikwira zvuru zvitanhatu nemazana maviri.

35 Zvino mutungamiriri weimba yababa vemhuri dzaMerari waiva Zurieri mwanakomana waAbhihairi. Vachadzika matende kurutivi rwetabhenakeri nechekumaodzanyemba.

36 Zvino uchengeti hwefaniro yevanakomana vaMerari huchava matanda etabhenakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo, nenhumbi dzayo dzose, neushumiri hwayo hwose;

37 nembiru dzechivanze kupoteredza, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo, nemabote adzo.

38 Zvino vaiva vakadzika matende pamberi petabhenakeri nechekumabvazuva pamberi petende rekusangana nechekumabvazuva kwaiva naMozisi naAroni nevanakomana vake, vachichengetedza chirindo cheimba tsvene, zvichiitirwa chirindo chevana vaIsraeri. Zvino mweni achaswedera achaurawa.

39 Vose vakaverengwa vevaRevhi, Mozisi naAroni vavakaverenga semurairo waJehovha, nemhuri dzavo, munhurume umwe neumwe kubva mwanakomana wemwedzi zvichikwira, zvuru makumi maviri nezviviri.

40 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Verenga matangwe ose evanhurume evana vaIsraeri kubva mwanakomana wemwedzi zvichikwira; ugotora uwandu hwemazita avo.

41 Zvino uchanditorera vaRevhi (ndini Jehovha) panzvimbo yematangwe ose pakati pevana vaIsraeri, nezvipfuwo zvevaRevhi panzvimbo yematangwe ose pakati pezvipfuwo zvevana vaIsraeri.

42 Mozisi ndokuverenga, Jehovha sezvaaiva amuraira, matangwe ose pakati pevana vaIsraeri.

43 Zvino matangwe ose evarume neuwandu hwemazita kubva pamwanakomana wemwedzi zvichikwira pane vakaverengwa vavo vaiva zvuru makumi maviri nezviviri nemazana maviri nemakumi manomwe nematatu.

44 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

45 Tora vaRevhi panzvimbo yematangwe ose pakati pevana vaIsraeri, nezvipfuwo zvevaRevhi panzvimbo yezvipfuwo zvavo; zvino vaRevhi vachava vangu; ndini Jehovha.

46 Maererano neavo vachadzikinurwa, mazana maviri nemakumi manomwe nematatu kubva padangwe revana vaIsraeri, vanoraudzira vaRevhi,

47 uchatorawo mashekeri mashanu mashanu pamusoro umwe; uchatora zvichienderana neshekeri reimba tsvene. Shekeri magera makumi maviri.

48 Zvino uchapa kuna Aroni nekuvanakomana vake mari iyo yevakadzikinurwa vakaraudzira pakati pavo.

49 Zvino Mozisi wakatora mari yerudzikinuro kune ivo vaiva vakaraudzira vakadzikinurwa nevaRevhi.

50 Wakatora mari kumatangwe evana vaIsraeri, mashekeri churu nemazana matatu nemakumi matanhatu nemashanu, zvichienderana neshekeri reimba tsvene.

51 Zvino Mozisi wakapa mari yevakadzikinurwa kuna Aroni nekuvanakomana vake, semuromo waJehovha, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.