ShonaTeam Leviticus « 27

Mirairo yezvimwe zvivimbiso

27Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Kana munhu akaita mhiko yakasanangurwa, nemaonero ako mweya ichava yaJehovha.

3 Kana maonero ako ari emunhurume kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri kusvika pamwanakomana wemakore makumi matanhatu, ipapo maonero ako achava mashekeri makumi mashanu esirivha, zvichienderana neshekeri repanzvimbo tsvene.

4 Zvino kana ari munhukadzi, ipapo maonero ako achava mashekeri makumi matatu.

5 Zvino kana achibva pamwanakomana wemakore mashanu kusvika pamwanakomana wemakore makumi maviri, ipapo maonero ako pamunhurume ngaave mashekeri makumi maviri, nepamunhukadzi mashekeri gumi.

6 Zvino kana umwe achibva pamwanakomana wemwedzi kusvika pamwanakomana wemakore mashanu, ipapo maonero ako pamunhurume achava mashekeri mashanu esirivha, uye pamunhukadzi maonero ako achava mashekeri matatu esirivha.

7 Zvino kana umwe kubva pamwanakomana wemakore makumi matanhatu zvichikwira, kana ari munhurume, ipapo maonero ako achava mashekeri gumi nemashanu, kana ari munhukadzi achava mashekeri gumi.

8 Asi kana ari murombo kupfuura maonero ako, ipapo achazviisa pamberi pemupristi, zvino mupristi achamutarira mutengo; zvichienderana nepanosvika ruoko rwaiye wakapika, mupristi achamutarira mutengo.

9 Zvino kana chiri chipfuwo chavanopa zvacho chive chipo kuna Jehovha, zvose zvacho zvavanopa kuna Jehovha zvichava zvitsvene.

10 Haangachishanduri kana kuchitsinhanisa chakanaka nechakaipa, kana chakaipa nechakanaka; uye kana angatongotsinhanisa chipfuwo nechipfuwo, ipapo icho nechakatsinhiwa nacho zvichava zvitsvene.

11 Zvino kana chiri chipfuwo chipi chisina kuchena, chavasingapi zvacho kuva chipo kuna Jehovha, ipapo achakumikidza chipfuwo pamberi pemupristi.

12 Zvino mupristi achachitarira mutengo, kana chakanaka kana chakaipa; sezvaunochitarira, mupristi, ichava saizvozvo.

13 Asi kana achitongochidzikinura, ipapo achawedzera cheshanu chacho pamaonero ako.

14 Zvino kana munhu achiita imba yake tsvene, ive tsvene kuna Jehovha, ipapo mupristi achaitarira mutengo, kana yakanaka kana yakaipa; mupristi sezvaachaitarira mutengo, zvichamira saizvozvo.

15 Zvino kana wakaiita tsvene achadzikinura imba yake, ipapo achawedzera cheshanu chemari yemaonero ako kwairi, ipapo ichava yake.

16 Zvino kana munhu akaitira Jehovha ndima yemunda wenhaka yake tsvene, ipapo maonero ako achaenderana nembeu yayo; homeri yembeu yebhari iite mashekeri makumi mashanu esirivha.

17 Kana achiita munda wake mutsvene kubva pagore rejubheri, ichamira semaonero ako.

18 Asi kana achiita munda wake mutsvene shure kwejubheri, ipapo mupristi achamuverengera mari zvichienderana nemakore asara kusvika kugore rejubheri; zvino ichatapudzwa kubva pamaonero ako.

19 Zvino kana anoita munda mutsvene achidzikinura kwazvo, ipapo achawedzera cheshanu chemari yemaonero ako pairi, igosimbiswa kwaari.

20 Asi kana asingadzikunuri munda, kana zvimwe atengesa munda kune umwe munhu, haungazodzikunurwizve.

21 Asi munda pakubuda kwawo pajubheri, uchava mutsvene kuna Jehovha, semunda wakasanangurwa; nhaka yawo ichava yemupristi.

22 Zvino kana achiita munda mutsvene kuna Jehovha, waakatenga, usiri wemunda wenhaka yake,

23 ipapo mupristi achamuverengera mutengo wemaonero ako kusvika pagore rejubheri; zvino achapa maonero ako pazuva iro, chinhu chitsvene kuna Jehovha.

24 Mugore rejubheri munda uchadzokera kune waakatenga kwaari, kune uyo nhaka yemunda yaiva yake.

25 Zvino maonero ako ose achaenderana neshekeri repanzvimbo tsvene; magera makumi maviri achava shekeri.

26 Asi dangwe, rinotanga kuberekwa kuna Jehovha remhuka, hakuna angariita dzvene; kana nzombe, kana gwai, ndezvaJehovha.

27 Zvino kana riri remhuka isina kuchena, ipapo uchadzikinura semaonero ako, ugowedzera cheshanu chacho kwairi; asi kana isingadzikunurwi, ipapo ichatengeswa semaonero ako.

28 Asi hakuna chinhu chakasanangurwa munhu chaakasanangurira Jehovha pazvose zvaanazvo, pavanhu kana mhuka, nepamunda wenhaka yake, chingatengeswa kana kudzikunurwa; chinhu chipi nechipi chakasanangurwa chitsvene chezvitsvene kuna Jehovha.

29 Hakuna chakasanangurwa chichasanangurwa pavanhu chichadzikunurwa; chichaurawa zvirokwazvo.

30 Uye zvegumi zvose zvenyika, zvembeu yenyika, kana muchero wemuti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha.

31 Zvino kana munhu achidzikinura kwazvo pazvegumi zvake, achawedzera kwachiri cheshanu chacho.

32 Maererano nezvegumi zvose zvemombe nezvezvipfuwo zvidiki, zvose zvinopfuura nepazasi petsvimbo, chegumi chichava chitsvene kuna Jehovha.

33 Haangacherekedzi kana chakanaka kana chakaipa, uye haangachitsinhanisi; zvino kana akatongochitsinhanisa, ipapo icho nechakatsinhiwa nacho zvichava zvitsvene; hazvingadzikunurwi.

34 Iyi mirairo Jehovha yaakaraira Mozisi kuvana vaIsraeri pagomo reSinai.