ShonaTeam Leviticus « 21 »

Utsvene hwevapristi

21Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Taura kuvapristi, vanakomana vaAroni, ugoti kwavari: Kusava neanosvibiswa newakafa pakati pevanhu vekwake,

2 asi nehama yake iri pedo naye, namai vake, uye nababa vake, uye nemwanakomana wake, uye nemwanasikana wake, uye nemwana wamai vake,

3 uye nehanzvadzi yake iri mhandara, iri pedo naye, asina kuva wemurume, kwaari agozvisvibisa iye.

4 Haangazvisvibisi, mukuru pakati pevanhu vekwake, kuti azvishatise.

5 Havangaiti pamusoro wavo maparavara, kana kuveura rutivi rwendebvu dzavo, kana kucheka panyama yavo.

6 Vachava vatsvene kuna Mwari wavo, vagorega kumhura zita raMwari wavo; nokuti vanopa zvipo zvaJehovha zvemoto, zvekudya zvaMwari wavo; naizvozvo ngavave vatsvene.

7 Havangatori mukadzi chifeve, kana wakasviba; uye havangatori wakarashwa kubva kumurume wake; nokuti mutsvene kuna Mwari wake.

8 Naizvozvo uchamuita mutsvene, nokuti anopa zvekudya zvaMwari wako; achava mutsvene kwauri, nokuti ini Jehovha ndinokuitai vatsvene, ndiri mutsvene.

9 Nemwanasikana wemupristi upi neupi, kana akazvisvibisa nekupata, anoshatisa baba vake; achapiswa nemoto.

10 Mupristi ari mukuru pakati pehama dzake, pamusoro wake pakadirwa mafuta ekuzodza, wakatsaurwa kuti afuke nguvo, ngaarege kufukura musoro wake, kana kubvarura nguvo dzake.

11 Zvino haangaswederi kuchitunha chipi nechipi, kana kuzvisvibisa kuna baba vake kana kuna mai vake.

12 Uye haangabudi panzvimbo tsvene, uye haangashatisi imba tsvene yaMwari wake, nokuti korona yemafuta ekuzodza yaMwari wake iri pamusoro pake; ndini Jehovha.

13 Zvino iye achazvitorera mukadzi ari paumhandara hwake.

14 Chirikadzi, kana wakarashwa, kana chifeve chakasvibiswa, asatora ava; asi achatora mhandara pavanhu vekwake kuva mukadzi.

15 Uye asasvibisa vana vake pakati pevanhu vekwake; nokuti ndini Jehovha ndinomuita mutsvene.

16 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

17 Taura kuna Aroni uchiti: Ani nani pavana vako pamazera avo paari pane chipomerwa ngaarege kuswedera kupa zvekudya zvaMwari wake.

18 Nokuti munhu upi neupi paari pane chipomerwa haangaswederi: Bofu, kana chirema, kana wakaremara pachiso, kana ane mutezo wakarebesa,

19 kana munhu paari pane tsoka yakavhunika, kana ruoko rwakavhunika,

20 kana wakakombama musana, kana wakawonda, kana ane chivara paziso rake, kana ane mhizi, kana ane pakafunuka, kana wakaremara manhu ake.

21 Hakuna munhu pavana vaAroni mupristi, mune chipomerwa maari, achaswedera kupa zvipo zvemoto zvaJehovha; maari mune chipomerwa; haangaswederi kupa zvekudya zvaMwari wake.

22 Angadya zvekudya zvaMwari wake, pazvitsvene-tsvene nezvinhu zvitsvene,

23 asi haafaniri kupinda muvheiri kana kuswedera kuaritari, nokuti chipomerwa chiri maari; kuti arege kusvibisa dzimba dzangu tsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovaita vatsvene.

24 Mozisi ndokutaura kuna Aroni nekuvanakomana vake nekuvana vaIsraeri vose.