ShonaTeam Leviticus « 13 »

Mirairo yemaperembudzi

13Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:

2 Kana munhu paganda renyama yake ane bundu kana kufunuka kana chivara, kana paganda renyama yake pakava sehosha yemaperembudzi, ipapo achaunzwa kuna Aroni mupristi, kana kune umwe wevanakomana vake vapristi.

3 Zvino mupristi achatarisa hosha iri paganda renyama; kana ruvhudzi rwuri pahosha rwakashanduka kuva ruchena, uye kuonekwa kwehosha kukadzika kupfuura ganda renyama yake, ihosha yemaperembudzi; mupristi achamutarisa, agomuti haana kuchena.

4 Zvino kana chivara chakachena paganda renyama yake, uye pakuonekwa kwacho chisina kudzika kupfuura ganda, neruvhudzi rwacho rwusina kusandurwa kuva ruchena, zvino mupristi achapfigira ane hosha mazuva manomwe.

5 Zvino mupristi achamutarisa nezuva rechinomwe; zvino tarira, hosha yakamira pameso ake, hosha isina kupararira muganda, zvino mupristi achamupfigira amwe mazuva manomwe.

6 Zvino mupristi achamutarisazve zuva rechinomwe; tarira, kana hosha yabvuruvara, kuti hosha haina kupararira paganda, zvino mupristi achareva kuti wakachena; kufunuka; zvino achasuka nguvo dzake, agova wakachena.

7 Asi kana kufunuka kuchipararira kwazvo paganda, shure kwekuratidzwa kwake kumupristi pakucheneswa kwake, acharatidzwazve kumupristi.

8 Kana mupristi akaona kuti, tarira, kufunuka kunopararira muganda, ipapo mupristi achareva kuti haana kuchena; maperembudzi.

9 Kana hosha yemaperembudzi iri mumunhu, zvino achaunzwa kumupristi.

10 Kana mupristi akatarisa, zvino tarira, bundu jena muganda uye rashandura ruvhudzi kuva ruchena, uye pane nyama tsvuku mhenyu pabundu,

11 ndiwo maperembudzi endambirira muganda renyama yake; zvino mupristi achamuti haana kuchena; haangamupfigiri, nokuti haana kuchena.

12 Zvino kana maperembudzi akabuda chose paganda, maperembudzi ndokufukidza ganda rose reane hosha, kubva pamusoro wake kusvikawo kutsoka dzake, pose panoonekwa nemeso emupristi;

13 zvino mupristi achaona; tarira, kana maperembudzi akafukidza nyama yake yose, achamuti wakachena ane hosha; zvose zvashanduka kuva zvichena; wakachena.

14 Asi nezuva richaonekwa nyama tsvuku kwaari, achava asina kuchena.

15 Kana mupristi aona nyama yakatsvuka, achareva kuti haana kuchena; nyama yakatsvuka haina kuchena; maperembudzi.

16 Kana kuti kana nyama yakatsvuka ikashandukazve, ikashandurwa kuva chena, achauya kumupristi.

17 Ipapo mupristi achamutarira; kana, tarira, hosha yashandurwa kuva chena, ipapo mupristi achareva kuti wakachena iye ane hosha; wakachena.

18 Nenyama kana pane pairi, paganda rayo, mota, uye rapora,

19 nepanzvimbo yemota pakava nebundu jena, kana chivara chichena chakaita chitsvuku, zvicharatidzwa kumupristi.

20 Zvino mupristi achaona, uye tarira, kuonekwa kwacho kwakadzika kupfuura ganda, nevhudzi rapo rakashanduka kuva jena, mupristi achareva kuti haana kuchena; ihosha yemaperembudzi, yabuda pamota.

21 Asi kana mupristi akaitarira, zvino tarira, haina vhudzi jenapo uye hapana kudzika kupfuura ganda, asi yakabvuruvara, ipapo mupristi achamupfigira mazuva manomwe.

22 Zvino kana yakapararira kwazvo paganda, ipapo mupristi achareva kuti haana kuchena; ihosha.

23 Asi kana chivara chikagara panzvimbo yacho, chikasapararira, ivanga revutsva; mupristi achareva kuti wakachena.

24 Kana nyama, kana pane paganda rayo vutsva hwemoto, nekupora kwevutsva kuri vanga rinoonekwa jena rakatsvukuruka kana jena,

25 ipapo mupristi ariona, kuti tarira, vhudzi pachivara rakashandurwa kuva jena, uye kuonekwa kwaro kwakadzika kupfuura ganda, maperembudzi, akabuda pautsva; mupristi achareva kuti haana kuchena; ihosha yemaperembudzi.

26 Asi kana mupristi akaitarira, zvino tarira, hapana vhudzi jena pachivara uye haina kudzika kupfuura ganda, asi pabvuruvara, ipapo mupristi achamupfigira mazuva manomwe.

27 Zvino mupristi achamutarira zuva rechinomwe; kana rikapararira zvikuru muganda, mupristi achareva kuti haana kuchena; ihosha yemaperembudzi.

28 Zvino kana chivara chikagara panzvimbo yacho, chikasapararira paganda, asi chabvuruvara, ibundu rekutsva; uye mupristi achareva kuti wakachena, nokuti idukumbwa reutsva.

29 Zvino murume kana mukadzi, kana pane paari hosha pamusoro kana ndebvu,

30 zvino mupristi achatarira hosha; kana, tarira, kuonekwa kwayo kwakadzika kupfuura ganda, uye pairi vhudzi rakatsvukuruka riri dete, mupristi achareva kuti haana kuchena; pakafunuka, maperembudzi emumusoro kana ndebvu.

31 Kana mupristi akaona hosha yepakafunuka, zvino tarira, kuonekwa kwayo hakuna kudzika kupfuura ganda, uye hapana vhudzi dema pairi, ipapo mupristi achapfigira ane hosha yepakafunuka mazuva manomwe.

32 Zvino nezuva rechinomwe mupristi achatarira hosha; kana, tarira, pakafunuka hapana kupararira, uye hapana vhudzi rakatsvukuruka pairi, nekuonekwa kwepakafunuka hakuna kudzika kupfuura ganda,

33 achazviveura, asi pakafunuka haangapaveuri; zvino mupristi achapfigira ane pakafunuka amwe mazuva manomwe.

34 Zvino mupristi achatarira pakafunuka nezuva rechinomwe, zvino tarira, pakafunuka hapana kupararira muganda, nepakuonekwa kwayo hapana kudzika kupfuura ganda, ipapo mupristi achareva kuti wakachena; uye achasuka nguvo dzake, agova wakachena.

35 Asi kana pakafunuka pakapararira pose paganda shure kwekunatswa kwake,

36 mupristi achamuona; kana, tarira, pakafunuka papararira paganda, mupristi ngaarege kutsvaka vhudzi rakatsvukuruka; haana kuchena.

37 Asi kana pameso ake pakafunuka pakamira, nevhudzi dema rabudapo, pakafunuka papora, wakachena; uye mupristi achareva kuti wakachena.

38 Zvino murume kana mukadzi, kana pane zvivara paganda renyama yavo, zvivara zvichena,

39 zvino mupristi achatarira, zvino tarira, zvivara muganda renyama yavo zvakabvuruvara zvichena, imhezi dzakabuda paganda, wakachena.

40 Nemurume, kana musoro wake wava nemhanza, ane mhanza, wakachena.

41 Uye kana musoro wake usisina vhudzi kuhuma yawo, ane mhanza pahuma, wakachena.

42 Asi kana pamhanza kana pamhanza yepahuma pane ronda jena rakatsvukuruka, maperembudzi anobuda pamhanza yake kana pamhanza yepahuma yake.

43 Zvino mupristi achamutarira; zvino tarira, bundu reronda rakachena rakatsvukuruka pamhanza yake kana pamhanza yake yepahuma, sekuonekwa kwemaperembudzi paganda renyama,

44 munhu wemaperembudzi, haana kuchena; mupristi achamureva kwazvo kuti haana kuchena; hosha yake iri pamusoro wake.

45 Zvino ane maperembudzi, ane hosha iyi, nguvo dzake dzichabvarurwa, nemusoro wake ufukurwe, uye achafukidza muromo wake wekumusoro, agochema achiti: Kusachena, kusachena!

46 Mazuva ose hosha iri paari, achava asina kuchena; haana kuchena; achagara oga; ugaro hwake huchava kunze kwemusasa.

47 Nguvowo, kana pane hosha yemaperembudzi pairi, panguvo yemakushe emakwai, kana panguvo yemucheka,

48 kana iri pakarukwa, kana pakakoshwa pemucheka kana pemakushe emakwai, kana mudehwe, kana muchinhu chipi nechipi chakaitwa nedehwe;

49 kana hosha yakaita seruvara rwemashizha kana kutsvukuruka panguvo, kana padehwe, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe, ihosha yemaperembudzi; uye icharatidzwa kumupristi.

50 Zvino mupristi achatarira hosha, ndokupfigira chine hosha mazuva manomwe.

51 Zvino achatarira hosha nezuva rechinomwe; kana hosha yakapararira panguvo, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoshwa, kana pane zvedehwe, pabasa ripi neripi rinoitwa nedehwe, hosha iyo maperembudzi akaipa; haina kuchena.

52 Nazvozvo achapisa nguvo kana zvakarukwa kana zvakakoshwa zvemakushe emakwai kana zvemucheka kana chinhu chipi nechipi chedehwe pachiri pane hosha; nokuti maperembudzi akaipa; ichapiswa mumoto.

53 Zvino kana mupristi akaona, uye tarira, hosha haina kupararira panguvo kana pakarukwa kana pakakoshwa kana pachinhu chipi nechipi chedehwe,

54 mupristi acharaira kuti vasuke icho pane hosha pachiri, zvino achachipfigira amwe mazuva manomwe.

55 Zvino mupristi achaona hosha shure kwekunge yasukwa, uye tarira, hosha haina kushanduka maonekero ayo, uye hosha haina kupararira, hachina kuchena; uchachipisa mumoto; iburi necheshure kwacho kana nechemberi kwacho.

56 Zvino kana mupristi akaona, uye tarira, hosha yabvuruvara shure kwekunge yasukwa, ipapo achachibvarura kubva panguvo kana kubva padehwe kana kubva pakarukwa kana kubva pakakoshwa.

57 Asi kana ikaramba ichionekwa panguvo kana pakarukwa kana pakakoshwa kana pachinhu chipi nechipi chedehwe, inopararira; uchapisa icho pane hosha pachiri nemoto.

58 Asi nguvo kana pakarukwa kana pakakoshwa kana chinhu chipi nechipi chedehwe chauchasuka, kana hosha ikabva kwachiri, ipapo chichasukwa rwechipiri, chigova chakachena.

59 Uyu murairo wehosha yemaperembudzi enguvo yemakushe emakwai kana mucheka kana chakarukwa kana chakakoshwa kana chinhu chipi nechipi chedehwe, kuti chigonzi chakachena kana kunzi hachina kuchena.