ShonaTeam Exodus « 35 »

Vanhu vanouya nezvipo zvekuvakisa tabhenakeri

35Zvino Mozisi wakaunganidza ungano yose yevana vaIsraeri, ndokuti kwavari: Awa mashoko Jehovha aakaraira kuti muaite.

2 Mazuva matanhatu basa ngariitwe, asi nezuva rechinomwe rive kwamuri dzvene, sabata rekuzorora kuna Jehovha; ani nani anobata basa naro achaurawa.

3 Musavesa moto mumisha yenyu yose nezuva resabata.

4 Mozisi ndokutaura kuungano yose yevana vaIsraeri achiti: Ndicho chinhu Jehovha chaakaraira achiti:

5 Torai pakati penyu chipo kuna Jehovha; ani nani ane moyo unoda, ngaauye nacho, chipo chaJehovha, goridhe, nesirivha, nendarira,

6 neruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi,

7 nematehwe emakondohwe akapendwa zvitsvuku, nematehwe ezvikumba, nematanda emuakasia,

8 nemafuta emwenje, nezvinonhuhwira zvemafuta ekuzodza, nezvezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira,

9 nemabwe eonikisi, nemabwe ekuiswa paefodhi nepahombodo yechipfuva.

10 Nevose vane moyo yakachenjera pakati penyu vachauya, vagoita zvose Jehovha zvaakaraira:

11 Tabhenakeri, tende rayo, nechifukidzo chayo, zvikorekedzo zvayo, nemapuranga ayo, mbariro dzayo, mbiru dzayo, nezvigadziko zvayo;

12 areka, nezvibatiso zvayo, chigaro chengoni, nevheiri rekufukidza;

13 tafura, nezvibatiso zvayo, nemidziyo yayo yose, nechingwa chekuratidza;

14 nechigadziko chemwenje wechivhenekeso, nemidziyo yacho, nemwenje yacho, nemafuta echivhenekeso,

15 nearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nezvibatiso zvayo, nemafuta ekuzodza, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira, nechiremberedzwa chemukova pamukova wetabhenakeri;

16 aritari yechipo chekupiswa, nesefa yendarira yainayo, zvibatiso zvayo, nemidziyo yayo yose; dhishi, nechigadziko charo;

17 zviremberedzwa zvechivanze, mbiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechiremberedzwa chesuwo rechivanze;

18 mbambo dzetabhenakeri, nembambo dzechivanze, netambo dzadzo;

19 nguvo dzebasa rakarukwa dzekushumira panzvimbo tsvene, nguvo tsvene dzaAroni mupristi, nenguvo dzevanakomana vake dzekushumira paupristi.

20 Zvino ungano yose yevana vaIsraeri yakabuda pamberi paMozisi.

21 Zvino vakauya, umwe neumwe moyo wake wakamumutsa, neumwe neumwe mweya wake wakamutendesa, vakauya nechipo chaJehovha kubasa retende rekusangana nekushumira kwaro kose, nekunguvo tsvene.

22 Zvino vakauya varume pamwe nevakadzi, vose vemoyo inoda, vakauya nezvishongo, nezvindori zvenzeve, nezvindori zvekusimbisa, nezvishongo zvemaoko, zvinhu zvose zvegoridhe; nemunhu wose wakapa chipo chegoridhe kuna Jehovha.

23 Zvino murume umwe neumwe wakawanikwa ane ruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka, nemvere dzembudzi, nematehwe emakondohwe akapendwa zvitsvuku, nematehwe ezvikumba, vakazviunza.

24 Umwe neumwe wakapa chipo chesirivha nendarira wakauya nechipo chaJehovha; neumwe neumwe wakawanikwa ane matanda emuakasia ebasa ripi neripi reshumiro wakaunza.

25 Nevakadzi vose vaiva nemoyo yakachenjera vakaruka nemaoko avo, vakaunza zvavaiva varuka, zveruvara rwedenga, zveruvara rwehute, zvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka.

26 Zvino vakadzi vose moyo yavo yakavamutsira muuchenjeri vakaruka mvere dzembudzi.

27 Nevatungamiriri vakauya nemabwe eonikisi nemabwe ekuiswa paefodhi nepahombodo yechipfuva,

28 nezvinonhuhwira nemafuta, echivhenekeso, neemafuta ekuzodza, neezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira.

29 Vana vaIsraeri vakauya nechipo chechido kuna Jehovha; murume umwe neumwe nemukadzi wemoyo wake wakamutendesa kuvigira zvebasa rimwe nerimwe Jehovha raakaraira kuitwa neruoko rwaMozisi.

30 Mozisi ndokuti kuvana vaIsraeri: Tarirai, Jehovha wakadana nezita Bhezareeri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, werudzi rwaJudha;

31 ndokumuzadza neMweya waMwari, muuchenjeri, mukunzwisisa nemuruzivo uye mubasa ripi neripi,

32 kuti afunge mano eumhizha, kubata negoridhe, uye nesirivha, uye nendarira,

33 nemukuveza mabwe ekuisa, nemukuveza matanda, kubata mumabasa ose eumhizha.

34 Uye wakaisa mumoyo make kudzidzisa, iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, werudzi rwaDhani.

35 Akavazadza nenjere dzemoyo, kubata basa rose remufombori, neremuruki, neremusoni wezvakarukwa, paruvara rwedenga, neparuvara rwehute, pazvitsvuku, nepamucheka wakaisvonaka, neremuruki; vanobata mabasa ose, uye vanofunga mabasa eumhizha.