ShonaTeam Exodus « 24 »

Sungano inosimbiswa

24Zvino wakati kuna Mozisi: Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, Nadhabhi naAbhihu, nemakumi manomwe pavakuru vaIsraeri, mufugame muri kure.

2 Zvino Mozisi oga achaswedera kuna Jehovha, asi ivo havangaswederi; nevanhu havangakwiri pamwe naye.

3 Zvino Mozisi wakauya ndokurondedzera kuvanhu mashoko ose aJehovha, nemitongo yose. Vanhu vose ndokupindura nenzwi rimwe ndokuti: Mashoko ose areva Jehovha tichaita.

4 Zvino Mozisi wakanyora mashoko ose aJehovha, ndokumuka mangwanani-ngwanani ndokuvaka aritari pazasi pegomo, neshongwe gumi nembiri, zvichienderana nemarudzi gumi nemaviri aIsraeri.

5 Zvino wakatuma majaya evana vaIsraeri, akapira zvipo zvinopiswa, nekubaira nzombe kuva zvipo zvekuyananisa kuna Jehovha.

6 Mozisi ndokutora hafu yeropa ndokuisa mumidziyo, uye hafu yeropa wakasasa paaritari.

7 Zvino wakatora bhuku resungano ndokuverenga munzeve dzevanhu. Ivo ndokuti: Zvose Jehovha zvaataura tichaita uye tichateerera.

8 Zvino Mozisi wakatora ropa ndokusasa pamusoro pevanhu, ndokuti: Tarirai ropa resungano Jehovha yaakaita nemwi maererano nemashoko awa ose.

9 Zvino Mozisi naAroni, Nadhabhi, naAbhihu, nemakumi manomwe pavakuru vaIsraeri vakakwira.

10 Zvino vakaona Mwari waIsraeri nepasi petsoka dzake sebasa rezvitina zvesafiri, nekuita sematenga chaiwo pakuchena.

11 Asi haana kutandavadzira ruoko rwake kuvakuru vevana vaIsraeri; vakaonawo Mwari, uye vakadya ndokunwa.

12 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Kwira kwandiri mugomo, uye uvepo; zvino ndichakupa mahwendefa emabwe nemurairo nemutemo wandanyora kuvadzidzisa.

13 Mozisi ndokusimuka nemushandiri wake Joshua. Mozisi ndokukwira mugomo raMwari.

14 Ndokuti kuvakuru: Timirirei pano, kusvika tichidzokerazve kwamuri. Zvino tarirai, Aroni naHuri vanemwi; ani nani ane mhaka ngaaswedere kwavari.

15 Zvino Mozisi wakakwira mugomo, gore ndokufukidza gomo.

16 Zvino kubwinya kwaJehovha kwakagara pamusoro pegomo reSinai, gore ndokurifukidza mazuva matanhatu; uye nezuva rechinomwe wakadana kuna Mozisi ari mukati megore.

17 Zvino kuonekwa kwekubwinya kwaJehovha kwaiva kwakaita semoto unoparadza pamusoro wegomo pameso evana vaIsraeri.

18 Mozisi ndokupinda mukati megore, ndokukwira mugomo; Mozisi ndokuva mugomo mazuva makumi mana neusiku makumi mana.