ShonaTeam Exodus « 20 »

Mirairo ine gumi

20Zvino Mwari wakataura mashoko awa ose, achiti:

2 Ndini Jehovha Mwari wako wakakubvisa munyika yeEgipita, kubva muimba yeuranda.

3 Usava nevamwe vamwari pamberi pangu.

4 Usazviitira chifananidzo chakavezwa, kana mufananidzo upi wechiri kumatenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika.

5 Usazvikotamira, usazvishumira; nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo; ndinoverengera kuipa kwemadzibaba pavana, kusvika kurudzi rwechitatu nerwechina rwevanondivenga,

6 asi ndichiitira nyasha zvuru zvevanondida, uye zvevanochengeta mirairo yangu.

7 Usatora zita raJehovha Mwari wako pasina; nokuti Jehovha haangamuregi asina mhosva iye anotora zita rake pasina.

8 Rangarira zuva resabata, kurichengeta rive dzvene.

9 Mazuva matanhatu uchashanda, uye uite mabasa ako ose;

10 asi zuva rechinomwe isabata raJehovha Mwari wako; usabata chero basa ripi, iwe, nemwanakomana wako, nemwanasikana wako, muranda wako, nemurandakadzi wako, nezvipfuwo zvako, nemweni wako ari mukati memasuwo ako.

11 Nokuti nemazuva matanhatu Jehovha wakaita matenga nenyika negungwa nezvose zviri mazviri, ndokuzorora zuva rechinomwe; naizvozvo Jehovha wakaropafadza zuva resabata, akariita dzvene.

12 Kudza baba vako namai vako, kuti mazuva ako arebe panyika Jehovha Mwari wako yaanokupa.

13 Usauraya.

14 Usapomba.

15 Usaba.

16 Usapupurira wekwako uchapupu hwenhema.

17 Usachiva imba yewekwako, usachiva mukadzi wewekwako, nemuranda wake, nemurandakadzi wake, nenzombe yake, nembongoro yake, uye kana chii chewekwako.

18 Vanhu vose ndokuona mitinhiro, nemheni, nenzwi rehwamanda, negomo rinopfungaira; vanhu vakati vazviona, vakadedera, vakamira kure.

19 Zvino vakati kuna Mozisi: Imwi taurai nesu, uye tichanzwa; asi Mwari ngaarege kutaura nesu, zvimwe tingafa.

20 Mozisi ndokuti kuvanhu: Musatya; nokuti Mwari wauya kuti akuidzei, uye kuti kumutya kuve pamberi pezviso zvenyu, kuti murege kutadza.

21 Vanhu ndokumira kure; asi Mozisi wakaswedera kurima guru kwaiva kuna Mwari.

22 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Uchareva seizvi kuvana vaIsraeri: Imwi makaona kuti ndakataura nemwi ndiri kumatenga.

23 Musaita pamwe neni vamwari vesirivha, uye musazviitira vamwari vegoridhe.

24 Undiitire aritari yevhu, ugobaira pamusoro payo zvipo zvako zvinopiswa nezvipo zvako zvekuyananisa, makwai ako nenzombe dzako. Panzvimbo imwe neimwe pandichaita zita rangu rirangarirwe ndichauya kwauri ndigokuropafadza.

25 Asi kana ukandiitira aritari yemabwe, urege kuivaka nemabwe akavezwa; kana ukasimudzira mbezo yako pamusoro paro, warisvibisa.

26 Rega kukwirawo kuaritari yangu nemitanho, kuti kushama kwako kurege kufukurwa pamusoro payo.