ShonaTeam Exodus « 12 »

VaIsraeri vanorairwa kudya pasika

12Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni munyika yeEgipita, achiti:

2 Mwedzi uno kwamuri kutanga kwemwedzi; uve kwamuri wekutanga wemwedzi yegore.

3 Taurai kuungano yose yaIsraeri, muchiti: Neregumi remwedzi uno vachazvitorera umwe neumwe gwayana zvichienderana neimba yemadzibaba, gwayana paimba.

4 Uye kana imba iri dikisa pagwayana, iye nemuvakidzani wake ari pedo paimba yake ngaatore zvichienderana neuwandu hwemweya yeupenyu; umwe neumwe zvichienderana nemadyiro ake, muchavaverengera gwayana.

5 Gwayana renyu richava risina charingapomerwa, mukono wegore rimwe; muchatora kubva pamakwai kana kubva pambudzi.

6 Zvino mucharichengeta kusvika zuva regumi nemana remwedzi uyu; zvino ungano yose yeboka raIsraeri ichariuraya madekwani.

7 Zvino vachatora paropa, vagoisa pamagwatidziro maviri nepachivivo padzimba mavacharidyira.

8 Zvino vachadya nyama muusiku uhu, yakagochwa nemoto, nezvingwa zvisina kuviriswa, nezvinovava, vachaidya.

9 Musadya pairi iri mbishi kana yakatongobikwa mumvura, asi yakagochwa nemoto, musoro waro pamwe nemakumbo aro uye nezvemukati zvaro.

10 Uye musasiya zvaro kusvika mangwanani; uye zvinosara zvaro kusvika mangwanani muchapisa nemoto.

11 Uye seizvi mucharidya; zviuno zvenyu zvakasungwa, shangu dzenyu mutsoka dzenyu, uye tsvimbo yenyu muruoko rwenyu, uye mucharidya mukukurumidza; ipasika yaJehovha.

12 Nokuti ndichagura nemunyika yeEgipita usiku huno, uye ndicharova matangwe ose munyika yeEgipita, kubva kumunhu kusvika kuchipfuwo; uye ndichaita mitongo kuvamwari vose veEgipita; ini ndiri Jehovha.

13 Zvino ropa richava kwamuri chiratidzo padzimba mamuri; pandinoona ropa, ndichakupfuurai, uye dambudziko harichavi pamusoro penyu kukuparadzai pandinorova nyika yeEgipita.

14 Zvino zuva rino richava kwamuri chirangaridzo, uye mucharichengeta rive mabiko kuna Jehovha pamazera enyu, mucharichengeta chive chimiso rinhi narinhi.

15 Mazuva manomwe muchadya chingwa chisina kuviriswa; hongu, pazuva rekutanga muchabvisa mbiriso kubva mudzimba dzenyu; nokuti ani nani anodya chingwa chakaviriswa kubva pazuva rekutanga kusvika zuva rechinomwe, mweya weupenyu uyo uchagurwa ubve kuna Israeri.

16 Uye nezuva rekutanga kune ungano yakadanwa tsvene; uye nezuva rechinomwe muchava neungano yakadanwa tsvene; mabasa ose ngaarege kuitwa maari; asi zvinodyiwa nemweya weupenyu umwe neumwe, izvozvo chete zvingaitwa nemwi.

17 Zvino muchachengetedza mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, nokuti nezuva irori ndakabudisa hondo dzenyu kubva panyika yeEgipita; naizvozvo muchachengetedza zuva iri mumazera enyu chive chimiso rinhi narinhi.

18 Mumwedzi wekutanga nezuva regumi nemana remwedzi madekwani muchadya chingwa chisina kuviriswa kusvika pazuva remakumi maviri nerimwe remwedzi madekwani.

19 Mazuva manomwe hakuwanikwi mbiriso mudzimba dzenyu; nokuti ani nani anodya chakaviriswa, mweya weupenyu uyowo uchagurwa kubva paungano yaIsraeri, kana angava mweni kana wekuberekwa munyika.

20 Musadya chinhu chakaviriswa; mumisha yenyu yose muchadya chingwa chisina kuviriswa.

21 Zvino Mozisi wakadana vakuru vose vaIsraeri, ndokuti kwavari: Kwevai muzvitorere gwayana zvichienderana nemhuri dzenyu, mugobaya pasika.

22 Zvino muchatora sumbu rehisopi*, mugonyika muropa riri mubheseni*, uye musvitse pachivivo nepamagwatidziro maviri neropa riri mubheseni; uye imwi hamungabudi panze, munhu kubva pamukova weimba yake, kusvika mangwanani.

23 Nokuti Jehovha achapfuura kurova vaEgipita; zvino paachaona ropa pachivivo, nemagwatidziro maviri, Jehovha achapfuura pamusoro pemukova uyu, uye haatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu kuti arove.

24 Zvino muchachengetedza chinhu ichi chive chimiso kwamuri nekuvanakomana venyu rinhi narinhi.

25 Zvino zvichaitika pamuchasvika kunyika Jehovha yaachakupai, sezvaakataura, kuti muchachengetedza kushumira uku.

26 Uye zvichaitika, vana venyu pavachati kwamuri: Kushumirai uku kwamunako?

27 Kuti muchati: Chibairo chepasika yaJehovha, iye wakapfuura pamusoro pedzimba dzevana vaIsraeri muEgipita, paakarova vaEgipita, ndokununura dzimba dzedu. Zvino vanhu vakakotama ndokunamata.

28 Zvino vana vaIsraeri vakaenda ndokuita Jehovha sezvaaiva araira Mozisi naAroni; vakaita saizvozvo.

Kuurawa kwematangwe evaEgipita

29 Zvino zvakaitika kuti pakati peusiku Jehovha wakarova matangwe ose panyika yeEgipita, kubva kudangwe raFarao aizogara pachigaro chake cheushe kusvika padangwe remusungwa waiva ari muchitokisi, nematangwe ose ezvipfuwo.

30 Zvino Farao wakamuka muusiku, iye nevaranda vake vose nevaEgipita vose; zvino kwakava nekuchema kukuru muEgipita, nokuti hakuna imba maiva musina wakafa.

31 Zvino wakadana Mozisi naAroni pausiku, ndokuti: Simukai, ibvai pakati pevanhu vangu, zvose imwi nevana vaIsraeri, muendei mushumire Jehovha sekutaura kwenyu.

32 Toraiwo makwai enyu nemombe dzenyu sezvamakataura, muende; muropafadzewo neni.

33 VaEgipita ndokukurudzira vanhu, vachikurumidzisa kuvabudisa panyika, nokuti vakati: Tose tafa!

34 Vanhu ndokutora mukanyiwa wavo usati waviriswa, midziyo yavo yekukanyira yakasungirirwa munguvo dzavo pamafudzi avo.

35 Vana vaIsraeri ndokuita maererano neshoko raMozisi; ndokukumbira kuvaEgipita zvishongo zvesirivha nezvishongo zvegoridhe nenguvo.

36 Jehovha ndokupa vanhu nyasha pameso evaEgipita, kuti vavape; zvino vakapamba vaEgipita.

VaIsraeri vanobuda muEgipita

37 Zvino vana vaIsraeri vakasimuka kubva paRamesesi kuenda kuSukoti, vanenge varume mazana matanhatu ezvuru netsoka kusingaverengwi vana.

38 Nechaunga chevakasangana-sangana chakakwirawo navo, nemakwai nemombe, zvipfuwo zvizhinji-zhinji.

39 Zvino vakabika zvingwa zvisina kuviriswa pamukanyiwa wavaiva vabuda nawo kubva paEgipita, nokuti waiva usina kuviriswa; nokuti vakadzingwa muEgipita, uye vakasagona kunonoka, uye havana kuzvigadzirira mbuva.

40 Zvino nguva yekugara kwevana vaIsraeri yavakagara muEgipita yaiva iri makore mazana mana nemakumi matatu.

41 Zvino zvakaitika pakupera kwemakore mazana mana nemakumi matatu, uye pazuva iroro zvakaitika kuti hondo dzose dzaJehovha dzakabuda kubva munyika yeEgipita.

42 Usiku hwemirindiro kuna Jehovha pakuvabudisa kubva munyika yeEgipita. Uhu usiku hwaJehovha hwemirindiro kuvana vose vaIsraeri mumazera avo.

43 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi naAroni: Ichi chimiso chepasika: Hakuna mweni angadya pairi.

44 Asi muranda umwe neumwe wemunhu wakatengwa nemari, kana wamudzingisa, ipapo achadya pairi.

45 Mutorwa uye mushandi wakahaiwa haangadyi pairi.

46 Ichadyirwa mumba imwe; usatakurira kunze kweimba zvenyama; uye usavhuna pfupa rayo.

47 Ungano yose yaIsraeri ichaiita.

48 Zvino kana mweni agere newe semutorwa achichengetedza pasika kuna Jehovha, vanhurume vake vose ngavadzingiswe, uye ipapo ngaaswedere aichengetedze; zvino achava sewakaberekwa panyika; nokuti hakuna asina kudzingiswa achadya pairi.

49 Murairo umwe uchava kune wakaberekerwa munyika nekumweni agere pakati penyu semutorwa.

50 Vana vose vaIsraeri vakaita izvi; Jehovha sezvaakaraira Mozisi naAroni, vakaita saizvozvo.

51 Zvino zvakaitika nezuva iroro, Jehovha wakabudisa vana vaIsraeri panyika yeEgipita nehondo dzavo.