ShonaTeam Exodus « 3 »

Kudanwa kwaMozisi

3Zvino Mozisi waiva achifudza boka raJeturo, mukarahwa wake, mupristi weMidhiani; zvino wakatinhira boka seri kwerenje, ndokusvika kugomo raMwari, kuHorebhu.

2 Mutumwa waJehovha ndokuonekwa kwaari mumurazvo wemoto kubva pakati pegwenzi; zvino wakaona, zvino tarira, gwenzi raipfuta nemoto, asi gwenzi risingaperi.

3 Mozisi ndokuti: Regai henyu nditendeukire kurutivi ndione chiratidzo chikuru ichi, kuti gwenzi haritsvi nei.

4 Zvino Jehovha paakaona kuti watendeukira kurutivi kunoona, Mwari wakadana kwaari kubva mukati megwenzi, ndokuti: Mozisi! Mozisi! Iye ndokuti: Ndiri pano.

5 Ndokuti: Usaswedera pano; bvisa shangu dzako patsoka dzako, nokuti nzvimbo paumire ivhu dzvene.

6 Akatiwo: Ndiri Mwari wababa vako, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakove. Mozisi ndokuviga chiso chake, nokuti wakatya kutarira kuna Mwari.

7 Zvino Jehovha wakati: Zvirokwazvo ndaona dambudziko revanhu vangu vari muEgipita, uye ndanzwa kudanidzira kwavo nekuda kwevashandisi vavo; nokuti ndinoziva marwadzo avo.

8 Zvino ndaburuka kuvanunura muruoko rwevaEgipita nekuvakwidza kubva munyika iyo, kuenda kunyika yakanaka uye yakapamhama, kunyika inoyerera mukaka neuchi, kunzvimbo yevaKenani nevaHiti nevaAmori nevaPerezi nevaHivhi nevaJebhusi.

9 Zvino ikozvino, tarira, kuchema kwevana vaIsraeri kwasvika kwandiri, ndaonawo kumanikidza vaEgipita kwavanovamanikidza nako.

10 Naizvozvo ikozvino uya, uye ndichakutuma kuna Farao, kuti unobudisa rudzi rwangu, vana vaIsraeri, kubva muEgipita.

11 Zvino Mozisi wakati kuna Mwari: Ndini ani, kuti ndiende kuna Farao, uye kuti ndibudise vana vaIsraeri kubva muEgipita?

12 Iye ndokuti: Zvirokwazvo ndichava newe; uye ichi mucherechedzo kwauri kuti ndakutuma: Kana wabudisa rudzi kubva muEgipita, muchanamata Mwari pagomo iri.

13 Mozisi ndokuti kuna Mwari: Tarirai, kana ndasvika kuvana vaIsraeri, uye ndati kwavari: Mwari wemadzibaba enyu wakandituma kwamuri, zvino ivo vachati kwandiri: Zita rake ndiani? Ndichatiyi kwavari?

14 Mwari ndokuti kuna Mozisi: NDIRI IYE WANDIRI IYE. Ndokuti: Ndizvo zvauchataura kuvana vaIsraeri: NDIRI IYE wandituma kwamuri.

15 Mwari ndokutiwo kuna Mozisi: Ndizvo zvauchataura kuvana vaIsraeri: Jehovha, Mwari wemadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakove, wandituma kwamuri; iri izita rangu kusvika rinhi narinhi, uye ichi chirangaridzo changu kusvika kuzera nezera.

16 Enda, unounganidza vakuru vaIsraeri, ugoti kwavari: Jehovha, Mwari wemadzibaba enyu wakaonekwa kwandiri, Mwari waAbhurahama, Isaka, naJakove, achiti: Ndakakushanyirai zvirokwazvo, zvino ndaona zvamunoitirwa muEgipita;

17 uye ndati: Ndichakukwidzai kubva pakutambudzika kweEgipita, ndikuisei kunyika yevaKenani nevaHiti nevaAmori nevaPerezi nevaHivhi nevaJebhusi, kunyika inoyerera mukaka neuchi.

18 Vachateerera kuinzwi rako; uye uchauya, iwe nevakuru vaIsraeri, kuna mambo weEgipita, uye muchati kwaari: Jehovha, Mwari wevaHebheru, wakasangana nesu; zvino ikozvino regai henyu tiende rwendo rwemazuva matatu murenje, uye tichabaira kuna Jehovha, Mwari wedu.

19 Zvino ini ndinoziva kuti mambo weEgipita haakubvumidzii kuenda, kwete kunyange neruoko rwune simba.

20 Zvino ndichatandavadza ruoko rwangu, ndigorova Egipita nezvishamiso zvangu zvose zvandichaita mukati maro; uye shure kweizvozvo achakuregai muenda.

21 Zvino ndichapa rudzi urwu nyasha pachiso chevaEgipita, uye zvichaitika kuti kana muchienda, hamungaendi musina chinhu.

22 Asi mukadzi umwe neumwe achakumbira kumuvakidzani wake, nekumutorwa weimba yake, zvishongo zvesirivha nezvishongo zvegoridhe, nenguvo, uye muchafukidza vanakomana venyu nevanasikana venyu; uye muchapamba vaEgipita.