ShonaTeam Genesis « 43 »

Madzikoma aJosefa anodzokera kuEgipita naBhenjamini

43Zvino nzara yaiva yakanyanya munyika.

2 Zvino zvakaitika pavaiva vapedza kudya zviyo zvavaiva vauya nazvo kubva kuEgipita, kuti baba vavo vakati kwavari: Dzokerai, mutitengere kudya kushoma.

3 Judha ndokutaura kwavari, achiti: Murume uya akatiyambira kwazvo, achiti: Hamungaoni chiso changu, kunze kwekuti munin'ina wenyu anemwi.

4 Kana muchituma munin'ina wedu nesu, tichaburuka, tigonokutengerai kudya,

5 asi kana musingamutumi, hatiburuki; nokuti murume wakati kwatiri: Hamungaoni chiso changu, kunze kwekuti munin'ina wenyu anemwi.

6 Israeri ndokuti: Makandiitirei zvakaipa nekuudza murume uyu kuti muchine munin'ina?

7 Ivo ndokuti: Murume uyu wakabvunzisisa maererano nesu nemaererano nehama dzedu, achiti: Baba venyu vachiri vapenyu here? Mune munin'ina here? Zvino takamuudza zvichienderana nemashoko awa; taiziva zvirokwazvo here kuti achati: Burukai nemunin'ina wenyu?

8 Zvino Judha wakati kuna Israeri baba vake: Tumai mukomana neni, tigosimuka, tigoenda, tigorarama, tigorega kufa, tose isu nemwi, nevanana vedu.

9 Ini ndichava chibatiso chake; muchamutsvaka muruoko rwangu; kana ndikasamuunza kwamuri, nekumuisa pamberi penyu, ipapo ndichava nemhosva kwamuri mazuva ose.

10 Nokuti kunze kwekuti tanonoka, zvirokwazvo ikozvino tingadai tadzoka kaviri.

11 Baba vavo Israeri ndokuti kwavari: Kana zvakadaro ikozvino, itai ichi: Torai zvemichero yakanakisisa yenyika mumidziyo yenyu, muburukire kumurume nechipo, bharsami* shoma, neuchi ushoma, zvinonhuhwira nemura*, shomhwe dzepisitakio*, nemaarimondi*;

12 uye torai mari yakapamhidzwa kaviri muruoko rwenyu, nemari yaiva yadzoserwa pamuromo wemasaga enyu, idzoserei muruoko rwenyu; zvimwe yaiva mhosho.

13 Toraiwo munin'ina wenyu, musimuke, mudzokere kumurume uyo.

14 Zvino Mwari Wemasimbaose ngaakupei ngoni pamberi pemurume uyu, kuti akusunungurirei umwe munin'ina wenyu naBhenjamini. Zvino ini kana ndatorerwa vana, ndatorerwa vana.

15 Zvino varume vakatora chipo icho, vakatorawo mari yakapamhidzirwa kaviri muruoko rwavo, naBhenjamini, ndokusimuka, ndokuburukira kuEgipita, ndokumira pamberi paJosefa.

16 Josefa wakati achiona Bhenjamini anavo, wakati kumutariri weimba yake: Uya nevarume mumba, ugouraya chipfuwo, ugogadzirira, nokuti varume ava vachadya neni masikati.

17 Zvino murume wakaita sezvakareva Josefa, murume uyo ndokupinza varume mumba maJosefa.

18 Zvino varume vakatya, nokuti vakauiswa mumba maJosefa, ndokuti: Tinopinzwa nekuda kwemari yakadzoka mumasaga edu pakutanga, kuti atijume, nekuzviwisira pamusoro pedu, agotitora kuva varanda, nembongoro dzedu.

19 Zvino vakaswedera kumurume mutariri weimba yaJosefa, ndokutaurirana naye pamusuwo weimba,

20 ndokuti: Haiwa, ishe wangu, zvirokwazvo takaburuka pakutanga kuzotenga kudya;

21 zvino zvakaitika patakasvika paimba yevaeni ndokuzarura masaga edu, kuti tarira, mari yemurume umwe neumwe iri pamuromo wesaga rake, mari yedu neuremu hwayo; zvino tadzoka nayo muruoko rwedu.

22 Neimwe mari taburuka nayo mumaoko edu kuzotenga kudya; hatizivi kuti ndiani wakaisa mari yedu mumasaga edu.

23 Zvino wakati: Rugare kwamuri, musatya. Mwari wenyu naMwari wababa venyu wakakupai fuma mumasaga enyu; mari yenyu yakauya kwandiri. Akabudisira Simioni kwavari.

24 Zvino murume wakaisa varume avo muimba yaJosefa, ndokuvapa mvura, zvino vakagezesa tsoka dzavo; akapawo mbongoro dzavo kudya.

25 Zvino vakagadzira chipo kusvika kuuya kwaJosefa pamasikati, nokuti vaiva vanzwa kuti vachadya chingwa ipapo.

26 Josefa wakati asvika kumba, ivo ndokumuvigira chipo chaiva chiri muruoko rwavo mumba, ndokumukotamira pasi.

27 Zvino wakavabvunza mufaro, ndokuti: Baba venyu vakafara here, uya mutana wamakareva? Vachiri vapenyu here?

28 Zvino vakati: Muranda wenyu baba vedu vakafara, vachiri vapenyu. Zvino vakakotama ndokunamata.

29 Zvino iye wakasimudza meso ake, ndokuona munin'ina wake Bhenjamini, mwanakomana wamai vake, ndokuti: Ndiye here munin'ina wenyu mudiki, wamakataura nezvake kwandiri? Ndokuti: Mwari ngaave nenyasha newe, mwanakomana wangu.

30 Zvino Josefa wakakurumidza, nokuti ura hwake hwakapisira munin'ina wake, akatsvaka paangachema; ndokupinda muimba yemukati, ndokuchemamo.

31 Zvino wakagezesa chiso chake, ndokubuda, ndokuzvidzora ndokuti: Isai chingwa.

32 Zvino vakamuisira ari oga, naivo vari voga, nevaEgipita vaiva vachidya naye vari voga, nokuti vaEgipita havagoni kudya chingwa nevaHebheru; nokuti ichi chinyangadzo kuvaEgipita.

33 Zvino vakagara pamberi pake, wedangwe zvichienderana neudangwe hwake, nemudikisa zvichienderana neudiki hwake; zvino varume vakashamiswa umwe kune umwe.

34 Zvino wakavagovera pane zvaiva zviri pamberi pake; asi mugove waBhenjamini wakapamhidzirwa kashanu pamigove yavo vose; zvino vakanwa, ndokunwa kwazvo naye.