ShonaTeam Genesis « 41 »

Josefa anodudzira hope dzaFarao

41Zvino zvakaitika pakupera kwemakore maviri akazara, kuti Farao wakarota; zvino tarira, akamira parwizi.

2 Zvino tarira, murwizi makabuda mhou nomwe, dzakanaka pakuonekwa, uye dzakakora panyama; uye dzaifura pakati penhokwe.

3 Zvino tarira, dzimwe mhou nomwe dzichikwira mushure madzo, dzichibva murwizi, dzakaipa pakuonekwa, uye dzakaonda panyama; dzikamira pedo nemhou pamahombekombe erwizi.

4 Zvino mhou dzakaipa pakuonekwa nedzakaonda panyama dzakadya mhou nomwe dzaiva dzakanaka pakuonekwa uye dzakakora. Farao ndokupepuka.

5 Zvino wakarara ndokurota rwechipiri; zvino tarira, hura nomwe dzakatumbuka padzinde rimwe, dzakakora uye dzakanaka.

6 Zvino tarira, hura nomwe, dzaiva dzakaonda, dzaiva dzapiswa nemhepo yekumabvazuva, dzichibuka shure kwadzo.

7 Zvino hura dzakaonda dzikamedza hura nomwe dzakakora dzaiva dzizere. Farao ndokupepuka, zvino tarira, chaiva chiroto.

8 Zvino zvakaitika mangwanani, kuti mweya wake wakatambudzika, ndokutuma vanhu kunodana n'anga dzose dzeEgipita nevakachenjera vose veko; Farao ndokuvarondedzera chiroto chake; asi kwaiva kusina angachidudzira kuna Farao.

9 Zvino mukuru wevadiri wakataura kuna Farao akati: Nhasi ndinorangarira zvivi zvangu.

10 Farao aiva akatsamwira varanda vake, ndokundipira muchitokisi, mumba memukuru wevarindi, ini nemukuru wevabiki;

11 zvino takarota hope muusiku humwe, ini naiye; takarota umwe neumwe zvichienderana nedudziro yechiroto chake.

12 Zvino ipapo paiva nejaya muHebheru pamwe nesu, muranda wemukuru wevarindi; zvino takamurondedzera iye ndokutidudzira hope dzedu; wakadudzira kune umwe neumwe zvichienderana nechiroto chake.

13 Zvino zvakaitika kuti zvakava sezvaakatidudzira; ini wakandidzosera pachinzvimbo changu, asi iye wakamuremberedza.

14 Zvino Farao wakatuma munhu ndokudana Josefa, ivo ndokukurumidza kumubudisa mugomba; iye ndokuveura, ndokupfeka dzimwe nguvo, ndokupinda kuna Farao.

15 Farao ndokuti kuna Josefa: Ndarota chiroto, asi hakuna anochidudzira; zvino ini ndanzwa nezvako zvichinzi unonzwisisa hope kuti udzidudzire.

16 Josefa ndokupindura Farao achiti: Hazvisi mandiri. Mwari achapindura Farao nerugare.

17 Farao ndokutaura kuna Josefa akati: Pachiroto changu, tarira, ndaiva ndimire pamahombekombe erwizi;

18 uye tarira, kwakabuda kubva murwizi mhou nomwe dzaiva dzakakora panyama, dzakanaka pakuona; ndokufura pakati penhokwe.

19 Zvino tarira, dzimwe mhou nomwe dzakakwira pashure padzo, dzakaperezeka, dzakaipa pachimiro kwazvo, dzakaonda panyama; handina kuona dzakadaro pakuipa panyika yose yeEgipita.

20 Zvino mhou dzakaonda uye dzakaipa dzakadya mhou dziya dzakakora dzekutanga.

21 Dzakati dzapinda madziri, hadzina kuzikanwa kuti dzapinda madziri; asi chimiro chadzo chaiva chakaipa sepakutanga. Zvino ndikapepuka.

22 Zvino ndakaona muchiroto changu, zvino tarira, hura nomwe dzakabuda padzinde rimwe, dzakazara uye dzakanaka;

23 zvino tarira, hura nomwe, dzakasvava, nhete, dzakapiswa nemhepo yekumabvazuva, dzichibuka shure kwadzo.

24 Zvino hura nhete idzi dzakamedza hura nomwe dzakanaka. Zvino ndakataura kun'anga, asi kwaiva kusina angandidudzira.

25 Josefa ndokuti kuna Farao: Chiroto chaFarao ndechimwe; Mwari waratidza Farao zvaanoita.

26 Mhou nomwe dzakanaka makore manomwe, nehura nomwe dzakanaka makore manomwe; hope ndeimwe.

27 Uye mhou nomwe dzakaonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwadzo ndiwo makore manomwe; nehura nomwe dzakaputana, dzakapiswa nemhepo yekumabvazuva, achava makore manomwe enzara.

28 Chinhu ichi chandataura kuna Farao: Izvo Mwari zvaanoita, wakazviratidza kuna Farao.

29 Tarirai, kunouya makore manomwe emaguta makuru panyika yose yeEgipita.

30 Zvino kuchamuka makore manomwe enzara shure kwawo; uye maguta ose achakanganikwa munyika yeEgipita; uye nzara ichapedza nyika;

31 uye maguta haangazozikanwi munyika nekuda kwenzara inozoatevera, nokuti icharema kwazvo.

32 Zvino hope sezvadzakadzokororwa kuna Farao kaviri, nokuti chinhu chakasimbiswa naMwari, uye Mwari achakurumidza kuchiita.

33 Naizvozvo ikozvino Farao ngaatsvake murume wakangwara, uye wakachenjera, amuise pamusoro penyika yeEgipita.

34 Farao ngaaite izvi, uye ngaagadze vatariri panyika, uye atore cheshanu chenyika yeEgipita mumakore manomwe emaguta.

35 Zvino ngaaunganidze kudya kose kwemakore awa akanaka anouya, atutire zviyo pasi peruoko rwaFarao, uye zvive kudya mumaguta, vagozvichengeta.

36 Uye kudya uku kuchava dura kunyika pamakore manomwe enzara ichava munyika yeEgipita, kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.

37 Zvino chinhu ichi chakava chakanaka pameso aFarao nepameso evaranda vake vose.

38 Farao ndokuti kuvaranda vake: Tingawana wakaita seuyu, murume ane Mweya waMwari maari here?

39 Farao ndokuti kuna Josefa: Mwari sezvaakakuratidza izvi zvose, hapana wakangwara uye wakachenjera sewe.

40 Ndiwe uchava pamusoro peimba yangu; uye zvichienderana nemuromo wako vanhu vangu vose vachatongwa; koga pachigaro chekutonga ndichava mukuru kwauri.

41 Zvino Farao akati kuna Josefa: Tarira, ndakuisa pamusoro penyika yose yeEgipita.

42 Farao ndokubvisa mhete yake kubva paruoko rwake, ndokuiisa paruoko rwaJosefa, ndokumupfekedza nguvo dzemucheka wakaisvonaka, ndokuisa ruketani rwegoridhe pamutsipa wake;

43 zvino wakamutasvisa ngoro yechipiri yaaiva nayo; zvino vakadanidzira pamberi pake, vachiti: Fugamai! Zvino akamuisa pamusoro penyika yose yeEgipita.

44 Farao ndokuti kuna Josefa: Ini Farao, uye kunze kwako hakuna achasimudza ruoko rwake nerutsoka rwake panyika yose yeEgipita.

45 Farao ndokutumidza zita raJosefa kuti Zafanati-Panea; ndokumupa Asenati, mukunda waPotifera mupristi weOni kuva mukadzi. Josefa ndokubuda, ndokugura nenyika yeEgipita.

46 Zvino Josefa waiva ari wemakore makumi matatu paakamira pamberi paFarao mambo weEgipita. Josefa ndokubuda kubva pamberi paFarao, ndokugura nenyika yose yeEgipita.

47 Nyika ndokubereka nechanza mumakore manomwe emaguta.

48 Zvino wakaunganidza kudya kose kwemakore manomwe aiva panyika yeEgipita, ndokuisa kudya mumaguta; kudya kwemunda weguta waiva wakaripoteredza, akaisa mukati maro.

49 Zvino Josefa wakaunganidza zviyo kuita sejecha regungwa, zvizhinji-zhinji, kusvika arega kuverenga; nokuti zvaiva zvisina maverengero.

50 Zvino Josefa wakaberekerwa vanakomana vaviri gore renzara risati rasvika, avo Asenati mukunda waPotifera, mupristi weOni vaakamuberekera.

51 Josefa ndokutumidza zita redangwe kuti Manase, achiti: Nokuti Mwari wakandikanganwisa kutambudzika kwangu kose neimba yababa vangu yose.

52 Zvino zita rewechipiri wakaritumidza Efuremu, achiti: Nokuti Mwari wakandiberekesa panyika yekutambudzika kwangu.

53 Zvino makore manomwe emaguta, aiva ari panyika yeEgipita, akapera.

54 Makore manomwe enzara ndokutanga kusvika, sezvakataura Josefa; uye nzara yaivapo panyika dzose; asi panyika yose yeEgipita paiva pane chingwa.

55 Nyika yose yeEgipita yakati yava nenzara, vanhu vakachemera chingwa kuna Farao; Farao ndokuti kuvaEgipita vose: Endai kuna Josefa, zvaanotaura kwamuri, itai.

56 Nzara yaiva iri pamusoro pechiso chenyika yose; Josefa ndokuzarura zvose zvaiva nechinhu, ndokutengesera vaEgipita; nzara ndokusimba panyika yeEgipita.

57 Nyika yose ndokuuya muEgipita kuna Josefa kuzotenga; nokuti nzara yaiva yakasimba panyika yose.