ShonaTeam Genesis « 25 »

Kufa kwaAbhurahama

25Zvino Abhurahama wakawanazve mukadzi, uye zita rake raiva Ketura.

2 Iye ndokumuberekera Zimurani, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua.

3 Jokishani ndokubereka Shebha naDhedhani. Zvino vanakomana vaDhedhani vaiva VaAshuri nevaRetushi nevaReumi.

4 Nevanakomana vaMidhiani: Efa naEferi naHanoki naAbhidha naEridhaha. Ava vose vana vaKetura.

5 Abhurahama ndokupa zvose zvaaiva nazvo kuna Isaka.

6 Asi kuvanakomana vevarongo Abhurahama vaaiva navo, Abhurahama wakapa zvipo; akavaendesa kubva pana Isaka mwanakomana wake, iye achiri mupenyu, akavatuma kumabvazuva kunyika yekumabvazuva.

7 Zvino awa mazuva emakore eupenyu hwaAbhurahama aakararama: Makore zana nemakumi manomwe nemashanu.

8 Abhurahama ndokupera, ndokufa pakukwegura kwakanaka, achembera uye agutsikana, ndokuunganidzwa pamarudzi ekwake.

9 Zvino Isaka naIshimaeri vanakomana vake vakamuviga mubako reMakipera, mumunda waEfuroni mwanakomana waZohari muHeti, wakatarisana neMamure,

10 munda Abhurahama waakatenga kuvanakomana VaHeti; ndipo Abhurahama paakavigwa pamwe naSara mukadzi wake.

11 Zvino zvakaitika shure kwekufa kwaAbhurahama, kuti Mwari wakaropafadza Isaka mwanakomana wake; Isaka ndokugara patsime reRahai-Royi.

12 Zvino izvi zvizvarwa zvaIshimaeri mwanakomana waAbhurahama, Hagari muEgipita, murandakadzi waSara, waakaberekera Abhurahama.

13 Zvino awa mazita evanakomana vaIshimaeri nemazita avo zvichienderana nekuzvarwa kwavo: Dangwe raIshimaeri ndiNebhayoti, naKedhari, naAdhibheeri, naMibhisami,

14 naMishima, naDhuma, naMasa,

15 Hadhadhi, naTema, Jeturi, Nafishi, naKedhema;

16 ava vanakomana vaIshimaeri, uye awa mazita avo nemisha yavo uye nematumba avo; machinda gumi nemaviri zvichienderana nemarudzi avo.

17 Uye awa makore eupenyu hwaIshimaeri, makore zana nemakumi matatu nemanomwe; iye ndokupera, ndokufa, ndokuunganidzwa pamarudzi ekwake.

18 Zvino vakagara kubva paHavhira kusvika paShuri iri mberi kweEgipita, uchienda kuAsiriya; akawira pamberi pechiso chehama dzake dzose.

Kuberekwa kwaEsau naJakove

19 Zvino awa mazera aIsaka mwanakomana waAbhurahama: Abhurahama wakabereka Isaka.

20 Zvino Isaka waiva wemakore makumi mana pakuwana kwake Rabheka mukunda waBhetueri muSiriya wePadhani-Aramu, hanzvadzi yaRabhani muSiriya, kuva mukadzi wake.

21 Zvino Isaka wakanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti waiva ari mhanje; Jehovha ndokunyengetereka naye, Rabheka mukadzi wake ndokubata mimba.

22 Zvino vana vakapipiridzana mukati make, iye ndokuti: Kana zvakadaro, sei ndakadai? Ndokunobvunza Jehovha.

23 Jehovha ndokuti kwaari: Marudzi maviri ari muchizvaro chako, uye marudzi maviri achaparadzana kubva muura hwako. Zvino rudzi ruchasimba pane rumwe rudzi, uye mukuru achashumira mudiki.

24 Zvino mazuva ake ekubereka akati azadziswa, tarira, mapatya muchizvaro chake.

25 Zvino wekutanga akabuda ari mutsvuku, wose akaita senguvo ine mvere; ivo ndokutumidza zita rake Esau.

26 Zvino pashure paizvozvo munin'ina wake wakabuda, uye ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; iye ndokutumidza zita rake Jakove. Zvino Isaka waiva wemakore makumi matanhatu pakuvabereka.

27 Vakomana ndokukura; Esau ndokuva mudzimba wakachenjera, murume wesango; uye Jakove murume wakarurama, achigara mumatende.

28 Isaka ndokuda Esau, nokuti waidya nyama yemhuka, asi Rabheka wakada Jakove.

29 Zvino Jakove waiva abika kudya kwakabikwa, Esau ndokusvika kubva kusango uye waiva oziya;

30 Esau ndokuti kuna Jakove: Donditenderawo ndiminye zvezvitsvuku izvo zvitsvuku, nokuti ndoziya. Naizvozvo zita rake rakatumidzwa Edhomu.

31 Jakove ndokuti: Nditengesere nhasi udangwe hwako.

32 Esau ndokuti: Tarira, ndodofa; zvino udangwe chii kwandiri?

33 Jakove ndokuti: Ndipikire nhasi. Iye ndokupika kwaari, ndokutengesa udangwe hwake kuna Jakove.

34 Jakove ndokupa Esau chingwa nerupiza; iye ndokudya nekunwa, ndokusimuka ndokuenda; Esau akazvidza udangwe hwake saizvozvo.