ShonaTeam Genesis « 21 »

Kuberekwa kwaIsaka

21Zvino Jehovha wakashanyira Sara sezvaaiva areva; Jehovha ndokuita kuna Sara sezvaaiva ataura.

2 Sara ndokubata mimba, ndokuberekera Abhurahama mwanakomana pakukwegura kwake panguva yakatarwa Mwari yaaiva areva kwaari.

3 Zvino Abhurahama wakatumidza zita remwanakomana wake, waakaberekerwa, Sara waakamuberekera, kuti Isaka.

4 Abhurahama ndokudzingisa Isaka mwanakomana wake ane mazuva masere, Mwari sezvaakamuraira.

5 Zvino Abhurahama waiva ari wemakore zana paakaberekerwa Isaka mwanakomana wake.

6 Sara ndokuti: Mwari wandiita chiseko; wose anonzwa achaseka neni.

7 Zvino wakati: Ndiani waimboti kuna Abhurahama: Sara achayamwisa vana? Nokuti ndakamuberekera mwanakomana pakukwegura kwake.

8 Mwana ndokukura, ndokurumurwa. Abhurahama ndokuita mabiko makuru nemusi uyo Isaka achirumurwa.

9 Zvino Sara wakaona mwanakomana waHagari muEgipita, waakaberekera Abhurahama, achiseka.

10 Naizvozvo wakati kuna Abhurahama: Dzinga mukadzi nhapwa uyu nemwanakomana wake, nokuti mwanakomana wemukadzi nhapwa uyu haangavi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wangu, pamwe naIsaka.

11 Shoko iri rakava rakaipa kwazvo pameso paAbhurahama, nekuda kwemwanakomana wake.

12 Mwari ndokuti kuna Abhurahama: Ngazvirege kuva zvakaipa pameso pako nekuda kwemukomana uye nekuda kwemukadzi nhapwa wako; pazvose Sara zvaataura kwauri, teerera kuinzwi rake, nokuti kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa chizvarwa chako.

13 Uyewo mwanakomana wemukadzi nhapwa ndichamuita rudzi, nokuti chizvarwa chako.

14 Abhurahama ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokutora chingwa neguchu remvura, ndokupa kuna Hagari, achiisa pafudzi rake, nemwana, ndokumuendesa. Zvino wakaenda akadzungaira murenje reBheeri-Shebha.

15 Mvura yakati yapera muguchu, ndokukanda mwana munyasi merimwe remakwenzi.

16 Ndokuenda ndokuzvigarira pasi pakatarisana naye, kure kungava kufura kwemuseve; nokuti wakati: Ndirege kuona kufa kwemwana. Ndokugara pakatarisana naye, ndokusimudza inzwi rake ndokuchema.

17 Zvino Mwari wakanzwa inzwi remukomana. Mutumwa waMwari ndokudanidzira kuna Hagari kubva kumatenga, ndokuti kwaari: Chii kwauri Hagari? Usatya, nokuti Mwari wanzwa inzwi remukomana apo paari.

18 Simuka, simudza mukomana, uye mubate neruoko rwako, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.

19 Mwari ndokusvinudza meso ake, zvino wakaona tsime remvura, ndokuenda, ndokuzadza guchu nemvura, ndokunwisa mukomana.

20 Zvino Mwari wakava nemukomana, ndokukura, ndokugara murenje, ndokuva mufuri wemiseve.

21 Zvino wakagara murenje reParani; mai vake ndokumutorera mukadzi kubva kunyika yeEgipita.

Sungano pakati paAbhurahama naAbhimereki

22 Zvino zvakaitika panguva iyo kuti Abhimereki naPikori mukuru wehondo yake vakataura kuna Abhurahama, vachiti: Mwari anewe pazvose zvaunoita.

23 Naizvozvo zvino ndipikire pano naMwari kuti haungandinyengeri ini kana mwanakomana wangu kana vazukuru vangu; setsitsi dzandakakuitira uchaitawo kwandiri nekunyika yawakagara uri mutorwa.

24 Abhurahama ndokuti: Ini ndichapika.

25 Zvino Abhurahama wakatsiura Abhimereki nekuda kwetsime remvura varanda vaAbhimereki ravaiva vatora nesimba.

26 Abhimereki ndokuti: Handizivi wakaita chinhu ichi; newe hauna kundiudzawo, uye ini handina kuzvinzwawo, asi nhasi.

27 Abhurahama ndokutora makwai nemombe, ndokupa kuna Abhimereki; uye vakaita sungano vari vaviri.

28 Abhurahama ndokutsaura masheche manomwe emakwai eboka.

29 Abhimereki ndokuti kuna Abhurahama: Masheche emakwai awa manomwe awatsaura chii?

30 Iye ndokuti: Nokuti uchagamuchira paruoko rwangu masheche awa emakwai manomwe, kuti ave uchapupu kwandiri, kuti ndakachera tsime iri.

31 Naizvozvo wakatumidza nzvimbo iyo kuti Bheeri-Shebha, nokuti ipapo vakapika vari vaviri.

32 Saizvozvo vakaita sungano paBheeri-Shebha. Abhimereki ndokusimuka, naPikori mukuru wehondo yake, ndokudzokera kunyika yevaFirisitia.

33 Zvino wakasima mutamarisiki* paBheeri-Shebha, ndokudana ipapo zita raJehovha Mwari wekusingaperi.

34 Abhurahama ndokugara ari mutorwa panyika yevaFirisitia mazuva mazhinji.