ShonaTeam Genesis « 17 »

Abhuramu anotumidzwa kuti Abhurahama uye anopiwa chiratidzo chekudzingiswa

17Zvino Abhuramu paaiva ava wemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, Jehovha wakaonekwa kuna Abhuramu, ndokuti kwaari: Ndiri Mwari Wemasimbaose, famba pamberi pangu, uye uve wakakwana.

2 Zvino ndichaita sungano yangu pakati pangu newe, uye ndichakuwanza zvikurusa.

3 Abhuramu ndokuwa nechiso chake; Mwari ndokutaura naye, achiti:

4 Ini, tarira, sungano yangu inewe; uye uchava baba vechaunga chemarudzi.

5 Nezita rako harichazonzi Abhuramu, asi zita rako richava Abhurahama; nokuti ndakuita baba vechaunga chemarudzi.

6 Ndichakuitawo ubereke zvikurusa; uye ndichakuita marudzi, nemadzimambo achabuda kwauri.

7 Uye ndichamisa sungano yangu pakati pangu newe nechizvarwa chako shure kwako pamazera acho, kuva sungano yekusingaperi, kuti ndive Mwari kwauri nekuchizvarwa chako shure kwako.

8 Zvino ndichapa kwauri nekuchizvarwa chako shure kwako nyika yeumweni hwako, nyika yose yeKenani, ive fuma nekusingaperi; uye ndichava Mwari wavo.

9 Mwari ndokuti kuna Abhurahama: Zvino iwe uchachengeta sungano yangu, iwe nechizvarwa chako shure kwako pamazera acho.

10 Iyi isungano yangu, yamuchachengeta pakati pangu nemwi nechizvarwa chako shure kwako: Chirume chose pamuri chidzingiswe.

11 Zvino muchadzingisa nyama yeganda renyu repamberi; uye chichava chiratidzo chesungano pakati pangu nemwi.

12 Uye mwanakomana wemazuva masere achadzingiswa pakati penyu, chirume chose pamazera enyu, anozvarwa mumba, kana anotengwa nemari kumutorwa upi neupi, asiri wechizvarwa chako.

13 Wakazvarwa mumba mako newakatengwa nemari yako adzingiswe zvirokwazvo. Uye sungano yangu ichava panyama yenyu, ive sungano yekusingaperi.

14 Zvino chirume chisina kudzingiswa, chine nyama yeganda repamberi isina kudzingiswa, mweya weupenyu uyo ugurwe ubve pavanhu vekwake; wadarika sungano yangu.

15 Mwari ndokuti kuna Abhurahama: Sarai mukadzi wako, usadana zita rake Sarai, nokuti Sara ndiro zita rake.

16 Zvino ndichamuropafadza, ndigokupawo mwanakomana kwaari; hongu ndichamuropafadza uye achava marudzi; madzimambo emarudzi achabva maari.

17 Abhurahama ndokuwa nechiso chake, ndokuseka, ndokuti mumoyo make: Ari wemakore zana angaberekerwa here? Ko naSara wava nemakore makumi mapfumbamwe achabereka here?

18 Abhurahama ndokuti kuna Mwari: Dai Ishimaeri achirarama pamberi penyu!

19 Mwari ndokuti: Kwete, Sara mukadzi wako achakuberekera mwanakomana; uye uchadana zita rake Isaka; uye ndichamisa sungano yangu naye, ive sungano yekusingaperi pachizvarwa chake shure kwake.

20 Zvino kana ari Ishimaeri, ndakunzwa; tarira, ndamuropafadza, uye ndichamuita abereke, nekumuwanza zvikurusa; achabereka madzishe gumi nemaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru.

21 Asi sungano yangu ndichaimisa naIsaka, Sara waachakuberekera nenguva ino yakatarwa gore rinouya.

22 Zvino wakapedza kutaura naye, Mwari ndokukwira kubva kuna Abhurahama.

23 Abhurahama ndokutora Ishimaeri mwanakomana wake, nevose vakazvarwa mumba make, nevose vakatengwa nemari yake, chirume chose pakati pevarume veimba yaAbhurahama, ndokudzingisa nyama yeganda ravo repamberi nemusi iwoyo, Mwari sezvaataura kwaari.

24 Zvino Abhurahama waiva wemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe paakadzingiswa nyama yeganda rake repamberi.

25 NaIshimaeri mwanakomana wake waiva wemakore gumi nematatu paakadzingiswa nyama yeganda rake repamberi.

26 Nezuva iroro Abhurahama wakadzingiswa pamwe naIshimaeri mwanakomana wake.

27 Nevarume vose veimba yake, vakazvarirwa mumba nevakatengwa nemari kumutorwa, vakadzingiswa pamwe naye.