ShonaTeam Genesis « 8 »

Nowa anobuda muareka

8Zvino Mwari wakarangarira Nowa, nechose chinorarama, nechipfuwo chose chaiva naye muareka. Mwari ndokupfuudza mhepo panyika, mvura ndokuserera.

2 Zvino kwakadzivirwa zvitubu zvepakadzika nemahwindo emafashame ematenga, nemvura yakabva kumatenga ikadziviswa.

3 Mvura ndokudzoka kubva panyika, ichienda nekudzoka, mvura ndokuderera pakupera kwemazuva zana nemakumi mashanu.

4 Zvino areka yakagara mumwedzi wechinomwe, nezuva regumi nemanomwe remwedzi, pamusoro pemakomo eArarati.

5 Mvura ndokuenda ichiderera kusvika pamwedzi wegumi; newegumi, nezuva rekutanga remwedzi kwakaonekwa misoro yemakomo.

6 Zvino zvikaitika pakupera kwemazuva makumi mana, kuti Nowa wakazarura hwindo reareka raaiva aita,

7 ndokutuma gunguwo, iro rakabuda, ndokubuda richidzoka kusvika mvura yapwa kubva panyika.

8 Akatumawo njiva kubva kwaari, kuona kana mvura yaserera kubva pachiso chenyika;

9 asi njiva haina kuwana zororo repasi perutsoka rwayo, ndokudzokera kwaari muareka, nokuti mvura yaiva pamusoro pechiso chenyika yose; ndokutandavadza ruoko rwake ndokuitora, ndokuipinza kwaari muareka.

10 Zvino wakarindirazve amwe mazuva manomwe; ndokutumazve njiva kubva muareka.

11 Zvino njiva yakapinda kwaari panguva yemadekwani, zvino tarira, shizha remuorivhi richangotanhwa riri pamuromo payo; naizvozvo Nowa wakaziva kuti mvura yaiva yaserera kubva panyika.

12 Zvino wakarindirazve amwe mazuva manomwe; ndokutuma njiva; iyo haina kudzokera zvekarezve kwaari.

13 Zvino zvakaitika mugore remazana matanhatu nerimwe, pamwedzi wekutanga, nemusi wekutanga wemwedzi, mvura yakapwa pamusoro penyika; Nowa ndokubvisa chifukidzo cheareka, ndokuona, zvino tarira, chiso chenyika chakaoma.

14 Zvino nemwedzi wechipiri, nezuva remakumi maviri nemanomwe remwedzi, nyika yaiva yaoma.

15 Zvino Mwari wakataura kuna Nowa achiti:

16 Buda muareka, iwe nemukadzi wako nevanakomana vako nevakadzi vevanakomana vako pamwe newe.

17 Chose chinorarama chinewe, panyama yose, yeshiri neyechipfuwo neyechose chinokambaira, chinokambaira panyika, buda nacho; kuti chizvare panyika, chibereke, chiwande pamusoro penyika.

18 Zvino Nowa wakabuda, nevanakomana vake, nemukadzi wake, nevakadzi vevanakomana vake pamwe naye.

19 Mhuka imwe neimwe, chose chinokambaira, neshiri imwe neimwe, chipi nechipi chinokambaira panyika, nemarudzi azvo, zvakabuda muareka.

20 Zvino Nowa wakavakira Jehovha aritari; akatora pamhuka imwe neimwe yakachena nepashiri imwe neimwe yakachena, akapa zvipo zvinopiswa paaritari.

21 Jehovha ndokunzwa kunhuhwira kunotapira, Jehovha ndokuti mumoyo make: Handichatukizve nyika nekuda kwemunhu, nokuti kufunga kwemoyo wemunhu kwakaipa kubva paudiki hwake; uye handichazorovizve chipenyu chose sezvandaita.

22 Kana mazuva enyika achiripo, kudzvara nekukohwa, nekutonhora nekudziya, nezhizha nechando, nemasikati neusiku hazvingagumi.